previous next

JOHANI 11

Kufa kwaRazaro

1 Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake.2 Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake.3 Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.”
4 Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nembiri yaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.”5 Jesu aida Marita, nomunun’una wake uye naRazaro.6 Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
7 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.”
8 Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?”
9 Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino.10 Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.”
11 Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.”
12 Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.”13 Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
14 Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa,15 uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.”

16 Ipapo Tomasi (ainzi Dhidhimo) akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.”

Jesu anonyaradza Hanzvadzi dzaRazaro
17 Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana.18 Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema,19 uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo.20 Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
21 Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.22 Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.”
23 Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.”
24 Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.”
25 Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa;26 uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”
27 Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.”
28 Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi munun’una wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.”29 Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari.30 Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.31 VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
32 Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.”
33 Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika.34 Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?”
Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.”
35 Jesu akachema.
36 Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!”

37 Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kudzivisa munhu uyu kuti arege kufa?”

Jesu anomutsa Razaro kubva kuvakafa
38 Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro.39 Akati, “Bvisai ibwe.”
Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuwa, nokuti atova mazuva mana arimo.”
40 Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?”
41 Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa.42 Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.”
43 Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!”

44 Munhu akafa uye akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka.
Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva uye mumurege aende.”

Rangano yoKuuraya Jesu
45 Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari.46 Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu.47 Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadanidzira musangano weDare Guru ravaJudha.
Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka munhu uyu ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji.
48 Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu norudzi rwedu.”
49 Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi!50 Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.”
51 Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha,52 uye rusati ruri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe.53 Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya.
54 Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake.
55 Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwira kuJerusarema kuti vandozvinatsa pasika isati yasvika.56 Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?”

57 Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga.

John 11

The Death of Lazarus

1 Now a certain man named Lazarus was sick. He was from Bethany, the village where Mary and her sister Martha lived.t2 (Now it was Mary who anointed the Lord with perfumed oilt and wiped his feet dry with her hair, whose brother Lazarus was sick.)s3 So the sisters sent a messaget to Jesus,t “Lord, look, the one you love is sick.”4 When Jesus heard this, he said, “This sickness will not lead to death,ts but to God’s glory,t so that the Son of God may be glorified through it.”s

5 (Now Jesus loved Martha and her sister and Lazarus.)s
6 So when he heard that Lazarust was sick, he remained in the place where he was for two more days.7 Then after this, he said to his disciples, “Let us go to Judea again.”s8 The disciples replied,t “Rabbi, the Jewish leaderst were just now tryingt to stone you to death! Aret you going there again?”9 Jesus replied,t “Are there not twelve hours in a day? If anyone walks around in the daytime, he does not stumble,t because he sees the light of this world.s

10 But if anyone walks around at night,t he stumbles,t because the light is not in him.”
11 After he said this, he added,t “Our friend Lazarus has fallen asleep.t But I am going there to awaken him.”12 Then the disciples replied,t “Lord, if he has fallen asleep, he will recover.”

13 (Now Jesus had been talking aboutt his death, but theyt thought he had been talking about real sleep.)ts
14 Then Jesus told them plainly, “Lazarus has died,15 and I am gladt for your sake that I was not there, so that you may believe.s But let us go to him.”

16 So Thomas (called Didymuss)s said to his fellow disciples, “Let us go too, so that we may die with him.”s

Speaking with Martha and Mary

17 Whent Jesus arrived,t he found that Lazarust had been in the tomb four days already.ts18 (Now Bethany was less than two milest from Jerusalem,s19 so many of the Jewish people of the regiont had come to Martha and Mary to console themt over the loss of their brother.)ts20 So when Martha heard that Jesus was coming, she went out to meet him, but Mary was sitting in the house.s21 Marthat said to Jesus, “Lord, if you had been here, my brother would not have died.

22 But even now I know that whatever you ask from God, God will grantt you.”s
23 Jesus replied,t “Your brother will come back to life again.”ts24 Martha said,t “I know that he will come back to life againt in the resurrection at the last day.”25 Jesus said to her, “I am the resurrection and the life. The one who believes in me will livet even if he dies,26 and the one who lives and believes in me will never die.t Do you believe this?”

27 She replied,t “Yes, Lord, I believet that you are the Christ,ts the Son of God who comes into the world.”t
28 And when she had said this, Marthat went and called her sister Mary, saying privately,t “The Teacher is here and is asking for you.”t29 So when Maryt heard this, she got up quickly and went to him.30 (Now Jesus had not yet entered the village, but was still in the place where Martha had come out to meet him.)

31 Then the peoplet who were with Maryt in the house consoling her saw hert get up quickly and go out. They followed her, because they thought she was going to the tomb to weept there.
32 Now when Mary came to the place where Jesus was and saw him, she fell at his feet and said to him, “Lord, if you had been here, my brother would not have died.”33 When Jesus saw her weeping, and the peoplet who had come with her weeping, he was intensely movedt in spirit and greatly distressed.t34 He asked,t “Where have you laid him?”t They replied,t “Lord, come and see.”35 Jesus wept.s36 Thus the people who had come to mournt said, “Look how much he loved him!”

37 But some of them said, “This is the man who caused the blind man to see!t Couldn’t he have done something to keep Lazarust from dying?”

Lazarus Raised from the Dead

38 Jesus, intensely movedt again, came to the tomb. (Now it was a cave, and a stone was placed across it.)s39 Jesus said, “Take away the stone.”t Martha, the sister of the deceased,t replied, “Lord, by this time the body will have a bad smell,t because he has been buriedt four days.”s40 Jesus responded,t “Didn’t I tell you that if you believe, you would see the glory of God?”41 So they took awayt the stone. Jesus looked upwardt and said, “Father, I thank you that you have listened to me.t42 I knew that you always listen to me,t but I said thist for the sake of the crowd standing around here, that they may believe that you sent me.”43 Whent he had said this, he shouted in a loud voice,s “Lazarus, come out!”

44 The one who had died came out, his feet and hands tied up with strips of cloth,s and a cloth wrapped around his face.t Jesus said to them, “Unwrap himt and let him go.”

The Response of the Jewish Leaders

45 Then many of the people,t who had come with Mary and had seen the things Jesust did, believed in him.46 But some of them went to the Phariseess and reported to themt what Jesus had done.47 So the chief priests and the Phariseest called the councilt together and said, “What are we doing? For this man is performing many miraculous signs.

48 If we allow him to go on in this way,t everyone will believe in him, and the Romans will come and take away our sanctuaryt and our nation.”
49 Then one of them, Caiaphas, who was high priest that year, said,t “You know nothing at all!50 You do not realizet that it is more to your advantage to have one mant die for the people than for the whole nation to perish.”s51 (Now he did not say this on his own,t but because he was high priest that year, he prophesied that Jesus was going to die for the Jewish nation,t52 and not for the Jewish nationt only,s but to gather togethert into one the children of God who are scattered.)s

53 So from that day they planned together to kill him.
54 Thus Jesus no longer wentt around publiclyt among the Judeans,t but went away from there to the region near the wilderness, to a town called Ephraim,t and stayed there with his disciples.55 Now the Jewish feast of Passovert was near, and many people went up to Jerusalems from the rural areas before the Passover to cleanse themselves ritually.t56 Thus they were looking for Jesus,t and saying to one another as they stood in the temple courts,t “What do you think? That he won’t come to the feast?”

57 (Now the chief priests and the Phariseest had given orders that anyone who knew where Jesust was should report it, so that they could arrestt him.)s