JOHANI 13
Jesu anoshambidza Tsoka dzaVadzidzi Vake
1 Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.
2 Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu.3 Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari,4 saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake.5 Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
6 Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”
7 Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”
8 Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”
9 Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”
10 Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”11 Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.
12 Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?13 Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.14 Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.15 Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.16 Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.
17 Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.
Jesu anotaura pamusoro poKupandukirwa Kwake
18 “Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’
19 “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.20 Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”
21 Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”
22 Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.23 Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.24 Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.”
25 Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?”
26 Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.27 Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari.
Jesu akati kuna Judhasi, “Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,”28 asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari.29 Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.30 Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze uye hwaiva usiku.
Jesu anozivisa zvoKurambwa Kwake naPetro
31 Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari.32 Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo.
33 “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako.
34 “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.35 Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”
36 Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?”
Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.”
37 Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.”
38 Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”
John 13
Washing the Disciples’ Feet
1 Just before the Passover feast, Jesus knew that his timet had come to departt from this world to the Father. Having loved his own who were in the world, he now loved them to the very end.ts2 The evening mealt was in progress, and the devil had already put into the hearts of Judas Iscariot, Simon’s son, that he should betrayt Jesus.t3 Because Jesust knew that the Father had handed all things over to him,t and that he had come from God and was going back to God,4 he got up from the meal, removedt his outer clothes,t took a towel and tied it around himself.t
5 He poured water into the washbasin and began to wash the disciples’ feet and to dry them with the towel he had wrapped around himself.t
6 Then he came to Simon Peter. Petert said to him, “Lord, are you going to washt my feet?”7 Jesus replied,t “You do not understandt what I am doing now, but you will understandt after these things.”8 Peter said to him, “You will never wash my feet!”t Jesus replied,t “If I do not wash you, you have no share with me.”t9 Simon Peter said to him, “Lord, washt not only my feet, but also my hands and my head!”10 Jesus replied,t “The one who has bathed needs only to wash his feet,t but is completelyt clean.s And you disciplest are clean, but not every one of you.”
11 (For Jesust knew the one who was going to betray him. For this reason he said, “Not every one of you ist clean.”)s
12 So when Jesust had washed their feet and put his outer clothing back on, he took his place at the tablet again and said to them, “Do you understandt what I have done for you?13 You call me ‘Teacher’ and ‘Lord,’ and do so correctly,t for that is what I am.t14 If I then, your Lord and Teacher, have washed your feet, you too ought to wash one another’s feet.15 For I have given you an examples – you should do just as I have done for you.16 I tell you the solemn truth,t the slavet is not greater than his master, nor is the one who is sent as a messengert greater than the one who sent him.
17 If you understandt these things, you will be blessed if you do them.
The Announcement of Jesus’ Betrayal
18 “What I am saying does not refer to all of you. I know the ones I have chosen. But this is to fulfill the scripture,t ‘The one who eats my breadthas turned against me.’ts19 I am telling you this now,t before it happens, so that when it happens you may believet that I am he.t
20 I tell you the solemn truth,t whoever acceptst the one I send accepts me, and whoever accepts me accepts the one who sent me.”s
21 When he had said these things, Jesus was greatly distressedt in spirit, and testified,t “I tell you the solemn truth,t one of you will betray me.”t22 The disciples began to look at one another, worried and perplexedt to know which of them he was talking about.23 One of his disciples, the one Jesus loved,s was at the tablet to the right of Jesus in a place of honor.ts24 So Simon Peters gestured to this disciplet to ask Jesust who it was he was referring to.s25 Then the disciple whom Jesus lovedt leaned back against Jesus’ chest and asked him, “Lord, who is it?”26 Jesus replied,t “It is the one to whom I will give this piece of breads after I have dipped it in the dish.”t Then he dipped the piece of bread in the disht and gave it to Judas Iscariot, Simon’s son.27 And after Judast took the piece of bread, Satan entered into him.ts Jesus said to him,t “What you are about to do, do quickly.”28 (Now none of those present at the tablet understoodt why Jesust said this to Judas.t29 Some thought that, because Judas had the money box, Jesus was telling him to buy whatever they needed for the feast,t or to give something to the poor.)s
30 Judast took the piece of bread and went out immediately. (Now it was night.)s
The Prediction of Peter’s Denial
31 Whent Judast had gone out, Jesus said, “Now the Son of Man is glorified, and God is glorified in him.32 If God is glorified in him,s God will also glorify him in himself, and he will glorify him right away.t
33 Children, I am still with you for a little while. You will look for me,t and just as I said to the Jewish religious leaders,t ‘Where I am going you cannot come,’s now I tell you the same.t
34 “I give you a new commandment – to lovet one another. Just as I have loved you, you also are to love one another.s
35 Everyonet will know by this that you are my disciples – if you have love for one another.”
36 Simon Peter said to him, “Lord, where are you going?” Jesus replied,t “Where I am going, you cannot follow me now, but you will follow later.”37 Peter said to him, “Lord, why can’t I follow you now? I will lay down my life for you!”t
38 Jesus answered, “Will you lay down your life for me?t I tell you the solemn truth,t the rooster will not crow until you have denied me three times!