previous next

JOHANI 2

Jesu anoshandura Mvura ichiva Waini

1 Pazuva rechitatu muchato wokuwana wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo,2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu.3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.”
4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi?” Nguva yangu haisati yakwana.”
5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6 Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita aibvira pamakumi mapfumbamwe kusvikira pazana namakumi mana.
7 Jesu akati kuvaranda, “Zadzai makate nemvura.” Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
8 Ipapo akavaudza akati, “Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo.” Vakaita saizvozvo.
9 Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi10 akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vambonwa kwazvo, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wapa yakaisvonaka kusvikira zvino.”
11 Ichi chiratidzo chokutanga, Jesu akachiita paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Jesu anonatsa Temberi
12 Shure kwaizvozvo akaburuka akaenda kuKapenaume namai vake, navanun’una vake uye navadzidzi vake. Vakagara ikoko kwamazuva mashoma.
13 Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema.14 Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhanha mari.15 Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.16 Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, “Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!”
17 Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
18 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”
19 Jesu akavapindura akati, “Paradzai temberi iyi, uye ini ndichaivakazve mumazuva matatu.”
20 VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”21 Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.22 Shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira zvaakanga ambotaura. Ipapo vakatenda Magwaro namashoko akanga ataurwa naJesu.
23 Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita uye vakatenda muzita rake.24 Asi Jesu haana kuvimba navo, nokuti aiziva vanhu vose.

25 Akanga asingatsvaki uchapupu hwomunhu pamusoro pomunhu nokuti akanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.

John 2

Turning Water into Wine

1 Now on the third day there was a wedding at Canas in Galilee.s Jesus’ mothert was there,2 and Jesus and his disciples were also invited to the wedding.s3 When the wine ran out, Jesus’ mother said to him, “They have no wine left.”ts4 Jesus replied,t “Woman,s why are you saying this to me?t My timets has not yet come.”

5 His mother told the servants, “Whatever he tells you, do it.”t
6 Now there were six stone water jars there for Jewish ceremonial washing,t each holding twenty or thirty gallons.ts7 Jesus told the servants,t “Fill the water jars with water.” So they filled them up to the very top.8 Then he told them, “Now draw some out and take it to the head steward,”t and they did.9 Whent the head steward tasted the water that had been turned to wine, not knowing where it came fromt (though the servants who had drawn the water knew), het called the bridegroom10 and said to him, “Everyonet serves the good wine first, and then the cheapert wine when the guestst are drunk. You have kept the good wine until now!”

11 Jesus did this as the first of his miraculous signs,t in Canas of Galilee. In this way he revealedt his glory, and his disciples believed in him.t

Cleansing the Temple

12 After this he went down to Capernaumss with his mother and brotherss and his disciples, and they stayed there a few days.

13 Now the Jewish feast of Passovert was near, so Jesus went up to Jerusalem.s
14 s He found in the temple courtsts those who were selling oxen and sheep and doves, and the money changers sitting at tables.t15 So he made a whip of cordss and drove them all out of the temple courts,t with the sheep and the oxen. He scattered the coins of the money changerss and overturned their tables.16 To those who sold the doves he said, “Take these things away from here! Do not maket my Father’s house a marketplace!”ts

17 His disciples remembered that it was written, “Zealtfor your house will devour me.”s
18 So then the Jewish leaderst responded,t “What sign can you show us, since you are doing these things?”s19 Jesus replied,t “Destroyt this temple and in three days I will raise it up again.”20 Then the Jewish leaderst said to him, “This temple has been under constructiont for forty-six years,s and are you going to raise it up in three days?”21 But Jesust was speaking about the temple of his body.ts

22 So after he was raised from the dead, his disciples remembered that he had said this, and they believed the scriptures and the sayingt that Jesus had spoken.

Jesus at the Passover Feast

23 Now while Jesust was in Jerusalems at the feast of the Passover, many people believed in his name because they saw the miraculous signs he was doing.s24 But Jesus would not entrust himself to them, because he knew all people.t

25 He did not need anyone to testify about man,t for he knew what was in man.t