JOHANI 4
Jesu anotaura noMukadzi weSamaria
1 VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani,2 kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake.3 Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare.
4 Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria.5 Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga wapiwa kuna Josefa nababa vake Jakobho.6 Tsime raJakobho raiva ipapo, uye Jesu, aneta sezvo akanga achibva parwendo, akagara pasi patsime ipapo. Yakanga iri nguva inenge yechitanhatu.
7 Mukadzi muSamaria akati auya kuzochera mvura, Jesu akati kwaari, “Ndipewo mvura yokunwa?”8 (Vadzidzi vake vakanga vapinda muguta kuti vandotenga zvokudya.)
9 Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
10 Jesu akamupindura akati, “Dai waiziva chipo chaMwari uye kuti ndiani anokumbira mvura kwauri, ungadai wakumbira kwaari uye angadai akupa mvura mhenyu.”
11 Mukadzi akati, “Ishe, hamuna chamungacheresa nacho uye tsime rakadzika. Ko, mvura mhenyu mungaiwanepi?12 Ko, imi muri mukuru here, kuna baba vedu Jakobho, avo vakatipa tsime uye vakanwa pariri ivo pachavo, sezvakaitawo vanakomana vavo namakwai avo nemombe?”
13 Jesu akapindura akati, “Ani naani anonwa mvura iyi achava nenyotazve,14 asi ani naani anonwa mvura yandichamupa haangatongovi nenyota. Zvirokwazvo, mvura yandichamupa ini ichava maari chitubu chemvura inoerera kuupenyu husingaperi.”
15 Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi kuitira kuti ndirege kuzova nenyotazve uye ndirege kuramba ndichingouya kuzochera mvura pano.”
16 Iye akati, “Enda, undodana murume wako ugodzoka pano.”
17 Akapindura akati, “Handina murume.”
Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka pawati hauna murume.18 Chokwadi ndeichi, wakava navarume vashanu, uye murume waunaye zvino haazi murume wako. Zvawabva mukutaura ndicho chokwadi.”
19 Mukadzi akati, “Ishe, ndinoona kuti muri muprofita.20 Madzibaba edu ainamata pagomo iri, asi imi vaJudha munoti, nzvimbo yatinofanira kunamata tiri ndimo muJerusarema.”
21 Jesu akati, “Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema.22 Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.23 Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.24 Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”
25 Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya anonzi Kristu ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
26 Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”
Vadzidzi vanodzokerazve kuna Jesu
27 Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
28 Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,29 “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”30 Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.
31 Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”
32 Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”
33 Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”
34 Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.35 Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.36 Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete.37 Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’
38 Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”
VaSamaria vazhinji vanotenda
39 VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”40 Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.41 Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.
42 Ivo vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; uye zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
Jesu anoporesa Mwanakomana woMutariri
43 Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.44 Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.45 Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.
46 Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.47 Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
48 Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
49 Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”
50 Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.” Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.51 Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.52 Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”
53 Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.
54 Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.
John 4
Departure From Judea
1 Now when Jesusst knew that the Phariseess had heard that het was winningt and baptizing more disciples than John2 (although Jesus himself was not baptizing, but his disciples were),s
3 he left Judea and set out once more for Galilee.s
Conversation With a Samaritan Woman
4 But he hads to pass through Samaria.s5 Now he came to a Samaritan townt called Sychar,s near the plot of land that Jacob had given to his son Joseph.s
6 Jacob’s well was there, so Jesus, since he was tired from the journey, sat right down besidet the well. It was about noon.ts
7 A Samaritan womant came to draw water. Jesus said to her, “Give me some watert to drink.”8 (For his disciples had gone off into the town to buy supplies.t)s
9 So the Samaritan woman said to him, “How can you – a Jewt – ask me, a Samaritan woman, for watert to drink?” (For Jews use nothing in commonts with Samaritans.)s
10 Jesus answeredt her, “If you had knownt the gift of God and who it is who said to you, ‘Give me some watert to drink,’ you would have asked him, and he would have given you living water.”ts11 “Sir,”t the womans said to him, “you have no bucket and the wellt is deep; where then do you get thist living water?s
12 Surely you’re not greater than our ancestort Jacob, are you? For he gave us this well and drank from it himself, along with his sons and his livestock.”t
13 Jesus replied,t “Everyone who drinks some of this water will be thirstyt again.14 But whoever drinks some of the water that I will give him will never be thirsty again,t but the water that I will give him will become in him a fountaint of water springing upt to eternal life.”15 The woman said to him, “Sir, give me this water, so that I will not be thirsty or have to come here to drawt water.”t16 Hess said to her, “Go call your husband and come back here.”t17 The woman replied,t “I have no husband.” Jesus said to her, “Right you are when you said,t ‘I have no husband,’t
18 for you have had five husbands, and the man you are living witht now is not your husband. This you said truthfully!”
19 The woman said to him, “Sir, I seet that you are a prophet.20 Our fathers worshiped on this mountain,s and you peoplet say that the place where people must worship is in Jerusalem.”s21 Jesus said to her, “Believe me, woman,s a timet is coming when you will worshipt the Father neither on this mountain nor in Jerusalem.22 You peoplet worship what you do not know. We worship what we know, because salvation is from the Jews.t23 But a timet is coming – and now is heret – when the true worshipers will worship the Father in spirit and truth, for the Father seekss such people to bet his worshipers.ts24 God is spirit,t and the people who worship him must worship in spirit and truth.”25 The woman said to him, “I know that Messiah is coming” (the one called Christ);ts “whenever het comes, he will tellt us everything.”t
26 Jesus said to her, “I, the one speaking to you, am he.”
The Disciples Return
27 Now at that very moment his disciples came back.t They were shockedt because he was speakingt with a woman. However, no one said, “What do you want?”ts or “Why are you speaking with her?”28 Then the woman left her water jar, went off into the town and said to the people,t29 “Come, see a man who told me everything I ever did. Surely he can’t be the Messiah,t can he?”t
30 Sot they left the town and began comings to him.
Workers for the Harvest
31 Meanwhile the disciples were urging him,t “Rabbi, eat something.”t32 But he said to them, “I have food to eat that you know nothing about.”33 So the disciples began to sayt to one another, “No one brought him anythingt to eat, did they?”t34 Jesus said to them, “My food is to do the will of the one who sent mes and to completet his work.ts35 Don’t you say,t ‘There are four more months and then comes the harvest?’ I tell you, look upt and see that the fields are already whitet for harvest!36 The one who reaps receives payt and gathers fruit for eternal life, so that the one who sows and the one who reaps can rejoice together.37 For in this instance the saying is true,t ‘One sows and another reaps.’
38 I sent you to reap what you did not work for; others have labored and you have entered into their labor.”
The Samaritans Respond
39 Now many Samaritans from that town believed in him because of the report of the woman who testified,t “He told me everything I ever did.”40 So when the Samaritans came to him, they began askingt him to stay with them.t He stayed there two days,41 and because of his word many moret believed.
42 They said to the woman, “No longer do we believe because of your words, for we have heard for ourselves, and we know that this onet really is the Savior of the world.”s
Onward to Galilee
43 After the two days he departed from there to Galilee.44 (For Jesus himself had testified that a prophet has no honor in his own country.)s
45 So when he came to Galilee, the Galileans welcomed him because they had seen all the things he had done in Jerusalemss at the feasts (for they themselves had gone to the feast).s
Healing the Royal Official’s Son
46 Now he came again to Canas in Galilee where he had made the water wine.s Int Capernaumss there was a certain royal officialt whose son was sick.47 When he heard that Jesus had come back from Judea to Galilee, he went to him and begged himt to come down and heal his son, who was about to die.48 So Jesus said to him, “Unless you peoplet see signs and wonders you will never believe!”t49 “Sir,” the official said to him, “come down before my child dies.”
50 Jesus told him, “Go home;t your son will live.” The man believed the word that Jesus spoke to him, and set off for home.t
51 While he was on his way down,s his slavest met him and told him that his son was going to live.52 So he asked them the timet when his condition began to improve,t andt they told him, “Yesterday at one o’clock in the afternoont the fever left him.”53 Then the father realized that it was the very timet Jesus had said to him, “Your son will live,” and he himself believed along with his entire household.
54 Jesus did this as his second miraculous signt when he returned from Judea to Galilee.