previous next

JOHANI 6

Vanhu zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu

1 Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi),2 uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.3 Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake.4 Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.
5 Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”6 Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.
7 Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”
8 Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, munun’una waPetro, akati,9 “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”
10 Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu.11 Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
12 Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”13 Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.
14 Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”

15 Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.

Jesu anofamba pamusoro pemvura
16 Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa,17 uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari.18 Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.19 Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru.20 Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”21 Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.
22 Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.23 Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.

24 Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.

Jesu ndiye Chingwa choUpenyu
25 Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”
26 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.27 Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
28 Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”
29 Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30 Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiradza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko?31 Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”
32 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.33 Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye achipa upenyu kunyika.”
34 Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”
35 Ipapo Jesu akataura achiti “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.36 Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino.37 Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.38 Nokuti ndakaburuka kudenga kuti ndirege kuzoita kuda kwangu asi kuda kwaiye akandituma.39 Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.40 Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana anokutenda maari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”
41 Ipapo, vaJudha vakatanga kugunun’una pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”42 Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga?”
43 Jesu akapindura akati, “Regai kugunun’una pakati penyu.44 Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.45 Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.46 Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.48 Ndini chingwa choupenyu.49 Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.50 Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.51 Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
52 Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”
53 Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.54 Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.55 Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.56 Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.57 Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.58 Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”

59 Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.

Vadzidzi vaJesu vazhinji vanomusiya
60 Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”
61 Aiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigunun’una pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?62 Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!63 Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.64 Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.65 Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”
66 Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.
67 Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”
68 Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.69 Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70 Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”

71 Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.

John 6

The Feeding of the Five Thousand

1 After thist Jesus went away to the other side of the Sea of Galilee (also called the Sea of Tiberias).s2 A large crowd was following him because they were observing the miraculous signs he was performing on the sick.3 So Jesus went on up the mountainsides and sat down there with his disciples.4 (Now the Jewish feast of the Passovers was near.)s5 Then Jesus, when he looked upt and saw that a large crowd was coming to him, said to Philip, “Where can we buy bread so that these people may eat?”6 (Now Jesust said this to test him, for he knew what he was going to do.)s7 Philip replied,t “Two hundred silver coins wortht of bread would not be enough for them, for each one to get a little.”8 One of Jesus’ disciples,t Andrew, Simon Peter’s brother, said to him,

9 “Here is a boy who has five barley loaves and two fish, but what goodt are these for so many people?”
10 Jesus said, “Havet the people sit down.” (Now there was a lot of grass in that place.)s So the ment sat down, about five thousand in number.11 Then Jesus took the loaves, and when he had given thanks, he distributed the bread to those who were seated. He then did the same with the fish,t as much as they wanted.12 When they were all satisfied, Jesust said to his disciples, “Gather up the broken pieces that are left over, so that nothing is wasted.”

13 So they gathered them up and filled twelve baskets with broken pieces from the five barley loavess left over by the people who had eaten.
14 Now when the people saw the miraculous sign that Jesust performed, they began to say to one another, “This is certainly the Prophetswho is to come into the world.”s

15 Then Jesus, because he knew they were going to come and seize him by force to make him king, withdrew again up the mountainside alone.s

Walking on Water

16 Now when evening came, his disciples went down to the lake,t17 got into a boat, and started to cross the laket to Capernaum.s (It had already become dark, and Jesus had not yet come to them.)s18 By now a strong wind was blowing and the sea was getting rough.19 Then, when they had rowed about three or four miles,ts they caught sight of Jesus walking on the lake,t approaching the boat, and they were frightened.20 But he said to them, “It is I. Do not be afraid.”

21 Then they wanted to take him into the boat, and immediately the boat came to the land where they had been heading.
22 The next day the crowd that remained on the other side of the laket realized that only one small boatst had been there, and that Jesus had not boardedt it with his disciples, but that his disciples had gone away alone.23 But some boats from Tiberiass came to shoret near the place where they had eaten the bread after the Lord had given thanks.ss

24 So when the crowd realized that neither Jesus nor his disciples were there, they got into the boatst and came to Capernaums looking for Jesus.

Jesus’ Discourse About the Bread of Life

25 When they found him on the other side of the lake,t they said to him, “Rabbi, when did you get here?”s26 Jesus replied,t “I tell you the solemn truth,t you are looking for me not because you saw miraculous signs, but because you ate all the loaves of bread you wanted.t

27 Do not work for the food that disappears,ts but for the food that remains to eternal life – the foodt which the Son of Man will give to you. For God the Father has put his seal of approval on him.”t
28 So then they said to him, “What must we do to accomplish the deedst God requires?”t29 Jesus replied,t “This is the deedt God requirest – to believe in the one whom het sent.”30 So they said to him, “Then what miraculous sign will you perform, so that we may see it and believe you? What will you do?

31 Our ancestorst ate the manna in the wilderness, just as it is written, ‘He gave them bread from heaven to eat.’”s
32 Then Jesus told them, “I tell you the solemn truth,t it is not Moses who has given you the bread from heaven, but my Father is giving you the true bread from heaven.33 For the bread of God is the one whot comes down from heaven and gives life to the world.”

34 So they said to him, “Sir,t give us this bread all the time!”
35 Jesus said to them, “I am the bread of life. The one who comes to me will never go hungry, and the one who believes in me will never be thirsty.ts36 But I told yout that you have seen mes and still do not believe.37 Everyone whom the Father gives me will come to me, and the one who comes to me I will never send away.t38 For I have come down from heaven not to do my own will but the will of the one who sent me.39 Now this is the will of the one who sent me – that I should not lose one person of every one he has given me, but raise them all upt at the last day.

40 For this is the will of my Father – for everyone who looks on the Son and believes in him to have eternal life, and I will raise him upt at the last day.”s
41 Then the Jews who were hostile to Jesust began complaining about him because he said, “I am the bread that came down from heaven,”42 and they said, “Isn’t this Jesus the son of Joseph, whose father and mother we know? How can he now say, ‘I have come down from heaven’?”43 Jesus replied,t “Do not complain about me to one another.t44 No one can come to me unless the Father who sent me draws him,ts and I will raise him up at the last day.45 It is written in the prophets, ‘And they will all be taught by God.’s Everyone who hears and learns from the Fathert comes to me.46 (Not that anyone has seen the Father except the one who is from God – het has seen the Father.)s47 I tell you the solemn truth,t the one who believess has eternal life.t48 I am the bread of life.t49 Your ancestorst ate the manna in the wilderness, and they died.50 Thist is the bread that has come down from heaven, so that a persont may eat from it and not die.

51 I am the living bread that came down from heaven. If anyone eats from this bread he will live forever. The breadt that I will give for the life of the world is my flesh.”
52 Then the Jews who were hostile to Jesust began to argue with one another,t “How can this mant give us his flesh to eat?”53 Jesus said to them, “I tell you the solemn truth,t unless you eat the flesh of the Son of Man and drink his blood,s you have no lifet in yourselves.54 The one who eatst my flesh and drinks my blood has eternal life, and I will raise him up on the last day.s55 For my flesh is truet food, and my blood is truet drink.56 The one who eatst my flesh and drinks my blood resides in me, and I in him.s57 Just as the living Father sent me, and I live because of the Father, so the one who consumest me will live because of me.

58 Thist is the bread that came down from heaven; it is not like the bread your ancestorst ate, but then later died.t The one who eatst this bread will live forever.”

Many Followers Depart

59 Jesust said these things while he was teaching in the synagogues in Capernaum.s60 Then many of his disciples, when they heard these things,t said, “This is a difficultt saying!t Who can understand it?”t61 When Jesus was awaret that his disciples were complainingt about this, he said to them, “Does this cause you to be offended?ts62 Then what if you see the Son of Man ascending where he was before?t63 The Spirit is the one who gives life; human nature is of no help!t The words that I have spoken to you are spirit and are life.t64 But there are some of you who do not believe.” (For Jesus had already known from the beginning who those were who did not believe, and who it was who would betray him.)s

65 So Jesus added,t “Because of this I told you that no one can come to me unless the Father has allowed him to come.”t

Peter’s Confession

66 After this many of his disciples quit following himt and did not accompany himt any longer.67 So Jesus said to the twelve, “You don’t want to go away too, do you?”t68 Simon Peter answered him, “Lord, to whom would we go? You have the words of eternal life.69 Wet have come to believe and to knows that you are the Holy One of God!”ss70 Jesus replied,t “Didn’t I choose you, the twelve, and yet one of you is the devil?”t

71 (Now he said this about Judas son of Simon Iscariot,s for Judas,t one of the twelve, was going to betray him.)s