JOHANI 8
1 Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi.2 Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise.3 Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achifeva. Vakamuita kuti amire pamberi peboka4 uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita ufeve.5 MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?”6 Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva. Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake.
7 Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, “Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari.”8 Akakotamazve akanyora pasi.
9 Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo.10 Jesu akatwasuka akati kwaari, “Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?”
11 Iye akati, “Hakuna, Ishe.”
Jesu akati, “Neniwo handikupi mhosva. Chienda zvino uye usiye upenyu hwako hwechivi.”
Kukosha kwoUchapupu hwaJesu
12 Jesu achitaurazve navanhu, akati, “Ndini chiedza chenyika. Ani naani anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza choupenyu.”
13 VaFarisi vakamupikisa vachiti, “Hezvo, uri kuratidza wani kuti unozvipupurira pachako; uchapupu hwako hahuna maturo.”
14 Jesu akapindura akati, “Kunyange dai ndikazvipupurira pachangu, uchapupu hwangu ndohwechokwadi, nokuti ndinoziva kwandakabva uye nokwandinoenda. Asi imi hamuzivi kwandinobva kana kwandinoenda.15 Munotonga nameso enyama; ini handitongi munhu.16 Asi kana ndikatonga, kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handizi ndoga. Ndinotonga naBaba, vakandituma.17 Mumurayiro wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.18 Ini ndini ndinozvipupurira pachangu; mumwe anondipupurira ndiBaba, vakandituma.”
19 Ipapo vakamubvunza vakati, “Baba vako varipiko?”
Jesu akapindura akati, “Hamundizivi ini kana Baba vangu. Dai maindiziva mungadai maizivawo Baba vangu.”
20 Akataura mashoko aya paakanga achidzidzisa ari mutemberi pedyo nenzvimbo yaiiswa zvipo. Asi hapana munhu akamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21 Jesu akatizve kwavari, “Ndiri kuenda, uye imi muchanditsvaka, uye muchafira muzvivi zvenyu. Kwandinoenda, imi hamungauyiko.”
22 Izvi zvakaita kuti vaJudha vabvunzane vachiti, “Achazviuuraya here? Ndizvo zvaanoreva here zvaanoti, ‘Kwandinoenda, imi hamungauyiko?’”
23 Asi akaenderera mberi achiti, “Imi muri vapasi; ini ndinobva kumusoro. Muri venyika ino; ini handizi wenyika ino.24 Ndakuudzai kuti muchafira muzvivi zvenyu; kana musingatendi kuti ndini iye, zvirokwazvo muchafira muzvivi zvenyu.”
25 Vakati kwaari, “Ndiwe aniko?” Jesu akapindura akati, “Sezvandanguri ndataura kare kuti ndini iye.26 Ndine zvizhinji zvandinoda kutonga pamusoro penyu. Asi uyo akandituma akavimbika, uye zvandakanzwa kwaari ndizvo zvandinoudza nyika.”
27 Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.28 Saka Jesu akati kwavari, “Pamuchasimudza Mwanakomana woMunhu, ipapo ndipo pamuchaziva kuti ndini iye, uye kuti handina chinhu chandinoita ndoga asi ndinotaura zvandakadzidziswa naBaba zvoga.29 Uyo akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndoga, nokuti ndinogara ndichiita zvinomufadza.”
30 Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
Vana vaAbhurahama
31 Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo.32 Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
33 Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?”
34 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anoita zvivi ndiye muranda wechivi.35 Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi.36 Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.37 Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.38 Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.”
39 Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.”
Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, ipapo maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama.40 Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai.
41 Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.”
Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”
Vana vaDhiabhori
42 Jesu akati kwavari, “Dai Mwari aiva Baba venyu, mungadai maindida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye iye zvino ndiri pano. Handina kungouya pachangu; asi ndivo vakandituma.43 Seiko musinganzwisisi kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa zvandinotaura.44 Imi muri vababa venyu, diabhori, uye munoda kuita kuda kwababa venyu. Akanga ari muurayi kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, ndiwo mutauro wokwake iwoyo, nokuti ndiye murevi wenhema uye Baba vadzo.45 Asi nokuda kwokuti ndinotaura chokwadi, imi hamutendi kwandiri!46 Ndiani pakati penyu angaratidza kukanganisa kwangu? Kana ndichitaura chokwadi, seiko musinganditendi?
47 Uyo ari waMwari anonzwa zvinorehwa naMwari. Chinoita kuti murege kunzwa ndechokuti imi hamuzi vaMwari.”
Zvakarehwa naJesu pamusoro poUpenyu Hwake
48 VaJudha vakamupindura vakati, “Hatina kutaura chokwadi here patakati uri muSamaria uye kuti une dhimoni?”
49 Jesu akati, “Handina kubatwa nedhimoni ini, asi ndinokudza Baba vangu uye imi munondizvidza.50 Handizvitsvakiri kukudzwa; asi aripo mumwe anotsvaka kukudzwa, uye ndiye mutongi.51 Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.”
52 Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Tinoziva zvino kuti une dhimoni iwe! Abhurahama akafa navaprofita vakafawo, asi iwe unoti kana munhu akachengeta shoko rako, haangatongoraviri rufu.53 Ko, iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama here?Ivo vakafa, uye vaprofita vakafawo. Unofunga kuti iwe ndiwe ani?”
54 Jesu akapindura akati, “Kana ini ndichizvirumbidza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo. Baba vangu, avo vamunoti ndivo Mwari wenyu, ndivo vanondikudza.55 Kunyange musingavazivi, ini ndinovaziva. Dai ndanga ndati handivazivi, ndingadai ndava murevi wenhema semi, asi ndinovaziva uye ndinochengeta shoko ravo.56 Baba venyu Abhurahama vakafara pavakafunga kuti vachaona zuva rangu; vakariona uye vakafara.”
57 VaJudha vakati, “Iwe hausati watombova namakore makumi mashanu okuzvarwa, asi unoti iwe wakaona Abhurahama!”
58 Jesu akapindura akati, “Abhurahama asati azvarwa ini ndaivapo!”
59 Ipapo, vakanonga matombo kuti vamutake, asi Jesu akazvivanza, akabuda mutemberi.
John 8
A Woman Caught in Adultery
1 But Jesus went to the Mount of Olives.s2 Early in the morning he came to the temple courts again. All the people came to him, and he sat down and began to teacht them.3 The experts in the lawt and the Phariseess brought a woman who had been caught committing adultery. They made her stand in front of them4 and said to Jesus,t “Teacher, this woman was caught in the very act of adultery.5 In the law Moses commanded us to stone to deaths such women.s What then do you say?”6 (Now they were asking this in an attempt to trap him, so that they could bring charges againstt him.)s Jesus bent down and wrote on the ground with his finger.t7 When they persisted in asking him, he stood up straightt and replied,t “Whoever among you is guiltlesst may be the first to throw a stone at her.”
8 Thent he bent over again and wrote on the ground.
9 Now when they heard this, they began to drift away one at a time, starting with the older ones,t until Jesus was left alone with the woman standing before him.10 Jesus stood up straightt and said to her, “Woman,s where are they? Did no one condemn you?”
11 She replied, “No one, Lord.” And Jesus said, “I do not condemn you either. Go, and from now on do not sin any more.”]]ss
Jesus as the Light of the World
12 Then Jesus spoke out again,t “I am the light of the world.s The one who follows me will nevert walk in darkness, but will have the light of life.”13 So the Phariseess objected,t “You testify about yourself; your testimony is not true!”s14 Jesus answered,t “Even if I testify about myself, my testimony is true, because I know where I came from and where I am going. But you peoplet do not know where I came from or where I am going.s15 You peoplet judge by outward appearances;t I do not judge anyone.s16 But if I judge, my evaluation is accurate,t because I am not alone when I judge,t but I and the Father who sent me do so together.t17 It is written in your law that the testimony of two men is true.s
18 I testify about myselft and the Father who sent me testifies about me.”
19 Then they began askingt him, “Who is your father?” Jesus answered, “You do not know either me or my Father. If you knew me you would know my Father too.”s
20 (Jesust spoke these words near the offering boxtss while he was teaching in the temple courts.t No one seized him because his timet had not yet come.)s
Where Jesus Came From and Where He is Going
21 Then Jesust said to them again,t “I am going away, and you will look for met but will die in your sin.t Where I am going you cannot come.”22 So the Jewish leaderst began to say,t “Perhaps he is going to kill himself, because he says, ‘Where I am going you cannot come.’”23 Jesus replied,t “You peoplet are from below; I am from above. You people are from this world; I am not from this world.
24 Thus I told yout that you will die in your sins. For unless you believe that I am he,ts you will die in your sins.”
25 So they said to him, “Who are you?” Jesus replied,t “What I have told you from the beginning.26 I have many things to say and to judget about you, but the Fathert who sent me is truthful,t and the things I have heard from him I speak to the world.”t
27 (They did not understand that he was telling them about his Father.)s
28 Then Jesus said,t “When you lift up the Son of Man, then you will know that I am he,t and I do nothing on my own initiative,t but I speak just what the Father taught me.t29 And the one who sent me is with me. He has not left me alone,t because I always do those things that please him.”
30 While he was saying these things, many peoplet believed in him.
Abraham’s Children and the Devil’s Children
31 Then Jesus said to those Judeanst who had believed him, “If you continue to follow my teaching,t you are reallyt my disciples32 and you will know the truth, and the truth will set you free.”ts33 “We are descendantst of Abraham,” they replied,t “and have never been anyone’s slaves! How can you say,t ‘You will become free’?”34 Jesus answered them, “I tell you the solemn truth,t everyone who practicest sin is a slavet of sin.35 The slave does not remain in the familyt forever, but the son remains forever.s36 So if the sont sets you free, you will be really free.37 I know that you are Abraham’s descendants.t But you wantt to kill me, because my teachingt makes no progress among you.t
38 I am telling you the things I have seen while with thes Father;t as for you,t practice the things you have heard from thes Father!”
39 They answered him,t “Abraham is our father!”t Jesus replied,t “If you ares Abraham’s children, you would be doingst the deeds of Abraham.40 But now you are tryingt to kill me, a man who has told yout the truth I heard from God. Abraham did not do this!t
41 You peoplet are doing the deeds of your father.”
Thens they said to Jesus,t “We were not born as a result of immorality!s We have only one Father, God himself.”42 Jesus replied,t “If God were your Father, you would love me, for I have come from God and am now here.t It have not come on my own initiative,t but het sent me.43 Why don’t you understand what I am saying? It is because you cannot acceptt my teaching.t44 You peoplet are fromt your father the devil, and you want to do what your father desires.t Het was a murderer from the beginning, and does not uphold the truth,t because there is no truth in him. Whenever he lies,t he speaks according to his own nature,t because he is a liar and the father of lies.t45 But because I am telling yout the truth, you do not believe me.46 Who among you can prove me guiltyt of any sin?t If I am telling yout the truth, why don’t you believe me?
47 The one who belongs tot God listens and respondst to God’s words. You don’t listen and respond,t because you don’t belong to God.”t
48 The Judeanst replied,t “Aren’t we correct in sayingt that you are a Samaritan and are possessed by a demon?”t49 Jesus answered, “I am not possessed by a demon,t but I honor my Father – and yett you dishonor me.50 I am not trying to gett praise for myself.t There is one who demandst it, and he also judges.t
51 I tell you the solemn truth,t if anyone obeyst my teaching,t he will never see death.”ts
52 Thens the Judeanst responded,t “Now we know you’re possessed by a demon!t Both Abraham and the prophets died, and yett you say, ‘If anyone obeyst my teaching,t he will never experiencet death.’t53 You aren’t greater than our father Abraham who died, are you?t And the prophets died too! Who do you claim to be?”54 Jesus replied,t “If I glorify myself, my glory is worthless.t The one who glorifies me is my Father, about whom you peoplet say, ‘He is our God.’55 Yett you do not know him, but I know him. If I were to say that I do not know him,t I would be a liar like you. But I do know him, and I obeyt his teaching.t
56 Your father Abraham was overjoyedt to see my day, and he saw it and was glad.”t
57 Then the Judeanst replied,t “You are not yet fifty years old!t Havet you seen Abraham?”58 Jesus said to them, “I tell you the solemn truth,t before Abraham came into existence,t I am!”s
59 Then they picked upt stones to throw at him,s but Jesus hid himself and went out from the temple area.st