JOHANI 9
Jesu anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu
1 Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu.2 Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”
3 Jesu akapindura akati, “Murume uyu haana kutadza kunyange navabereki vake, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.4 Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”
6 Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.7 Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
8 Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”9 Vamwe vakati, “Ndiye.”
Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.”
Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10 Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11 Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akariisa pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12 Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”
Iye akati, “Handizivi.”
VaFarisi vanobvunzisisa pamusoro poKuporeswa
13 Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.14 Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata.15 Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
16 Vamwe vaFarisi vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.”
Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
17 Pakupedzisira vakadzokerazve kumunhu uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.”
Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”
18 Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.19 Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”
20 Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu.21 Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.”22 Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge.23 Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”
24 Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
25 Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”
26 Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”
27 Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”
28 Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!29 Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”
30 Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.31 Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.32 Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu.33 Dai munhu uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”
34 Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.
Ubofu hwapamweya
35 Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, zvino akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”
36 Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”
37 Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”
38 Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.
39 Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”
40 Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”
41 Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”
John 9
Healing a Man Born Blind
1 Now as Jesus was passing by,ts he saw a man who had been blind from birth.2 His disciples asked him,t “Rabbi, who committed the sin that caused him to be born blind, this mant or his parents?”ts3 Jesus answered, “Neither this mant nor his parents sinned, but he was born blind so thatt the actst of God may be revealedt through what happens to him.t4 We must perform the deedst of the one who sent met as long ast it is daytime. Night is coming when no one can work.5 As long as I am in the world, I am the light of the world.”s6 Having said this,t he spat on the ground and made some mudt with the saliva. Het smeared the mud on the blind man’st eyes
7 and said to him, “Go wash in the pool of Siloam”t (which is translated “sent”).s So the blind mant went away and washed, and came back seeing.
8 Then the neighbors and the people who had seen him previouslyt as a beggar began saying,t “Is this not the mant who used to sit and beg?”9 Some people said,t “This is the man!”t while others said, “No, but he looks like him.”t The man himselft kept insisting, “I am the one!”t10 So they asked him,t “How then were you made to see?”t11 He replied,t “The man called Jesus made mud,t smeared itt on my eyes and told me,t ‘Go to Siloam and wash.’ So I went and washed, and was able to see.”t
12 They saidt to him, “Where is that man?”t He replied,t “I don’t know.”
The Pharisees’ Reaction to the Healing
13 They brought the man who used to be blindt to the Pharisees.s14 (Now the day on which Jesus made the mudt and caused him to seet was a Sabbath.)s
15 So the Pharisees asked him again how he had gained his sight.ts He replied,t “He put mudt on my eyes and I washed, and nowt I am able to see.”
16 Then some of the Pharisees began to say,t “This man is not from God, because he does not observet the Sabbath.”s But others said, “How can a man who is a sinner performt such miraculous signs?” Thus there was a divisiont among them.
17 So again they asked the man who used to be blind,t “What do you say about him, since he caused you to see?”t “He is a prophet,” the man replied.ts
18 Now the Jewish religious leaderst refused to believet that he had really been blind and had gained his sight until at last they summonedt the parents of the man who had become able to see.t19 They asked the parents,t “Is this your son, whom you sayt was born blind? Then how does he now see?”20 So his parents replied,t “We know that this is our son and that he was born blind.21 But we do not know how he is now able to see, nor do we know who caused him to see.t Ask him, he is a mature adult.t He will speak for himself.”22 (His parents said these things because they were afraid of the Jewish religious leaders.t For the Jewish leaders had already agreed that anyone who confessed Jesust to be the Christts would be put outt of the synagogue.s
23 For this reason his parents said, “He is a mature adult,t ask him.”)s
24 Then they summonedt the man who used to be blindt a second time and said to him, “Promise before God to tell the truth.t We know that this mant is a sinner.”25 He replied,t “I do not know whether he is a sinner. I do know one thing – that although I was blind, now I can see.”26 Then they said to him, “What did he do to you? How did he cause you to see?”t
27 He answered,t “I told you already and you didn’t listen.t Why do you want to hear itt again? You peoplet don’t want to become his disciples too, do you?”
28 Theyt heaped insultst on him, saying,t “You are his disciple!t We are disciples of Moses!29 We know that God has spoken to Moses! We do not know where this mant comes from!”30 The man replied,t “This is a remarkable thing,t that you don’t know where he comes from, and yet he caused me to see!t31 We know that God doesn’t listen tot sinners, but if anyone is devoutt and does his will, Godt listens tot him.t32 Never beforet has anyone heard of someone causing a man born blind to see.t33 If this mant were not from God, he could do nothing.”
34 They replied,t “You were born completely in sinfulness,t and yet you presume to teach us?”t So they threw him out.
The Man’s Response to Jesus
35 Jesus heard that they had thrown him out, so he found the mant and said to him, “Do you believe in the Son of Man?”s36 The mant replied,t “And who is he, sir, thatt I may believe in him?”37 Jesus told him, “You have seen him; het is the one speaking with you.”t [38 He said, “Lord, I believe,” and he worshiped him.ss
39 Jesust said,]s “For judgment I have come into this world, so that those who do not see may gain their sight,t and the ones who see may become blind.”
40 Some of the Phariseess who were with him heard thist and asked him,t “We are not blind too, are we?”t
41 Jesus replied,t “If you were blind, you would not be guilty of sin,t but now because you claim that you can see,t your guiltt remains.”s