previous next

RUKA 10

Jesu anotuma vana Makumi Manomwe

1 Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.2 Akavaudza kuti, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.3 Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.4 Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.
5 “Pamunopinda mumba, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’6 Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.7 Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapotapota nedzimba.
8 “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.9 Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’10 Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,11 ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’12 Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.
13 “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.14 Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.15 Uye iwe, Kaperinaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika.
16 “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
17 Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”
18 Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.19 Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.20 Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
21 Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.
22 “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana, uye naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
23 Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,

24 nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.”

Mufananidzo woMuSamaria Akanaka
25 Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”
26 Iye akapindura akati, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unouverenga seiko?”
27 Akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’”
28 Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”
29 Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”
30 Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.31 Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona munhu uyo, akamunyenyeredza.32 Saizvozvowo, muRevhi, akati asvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.33 Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano munhu; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.34 Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.35 Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
36 “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”

37 Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.”
Jesu akati kwaari, “Enda undoita saizvozvo.”

Jesu anoshanyira Marita naMaria
38 Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.39 Akanga ano munun’una wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.40 Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”
41 Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,

42 asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”

Luke 10

The Mission of the Seventy-Two

1 After thist the Lord appointed seventy-twos others and sent them on ahead of him two by two into every townt and place where he himself was about to go.2 Het said to them, “The harvest is plentiful, but the workers are few. Therefore ask the Lord of the harvests to send outt workers into his harvest.3 Go! It am sending you out like lambss surrounded by wolves.s4 Do not carrys a money bag,t a traveler’s bag,t or sandals, and greet no one on the road.t5 Whenevert you enter a house,t first say, ‘May peaces be on this house!’6 And if a peace-loving persont is there, your peace will remain on him, but if not, it will return to you.s7 Stayt in that same house, eating and drinking what they give you,t for the worker deserves his pay.s Do not move around from house to house.8 Whenevert you enter a townt and the peoplet welcome you, eat what is set before you.9 Healts the sick in that townt and say to them, ‘The kingdom of Gods has come upont you!’10 But whenevert you enter a townt and the peoplet do not welcomes you, go into its streetst and say,11 ‘Even the dust of your townt that clings to our feet we wipe offs against you.t Nevertheless know this: The kingdom of God has come.’t

12 I tell you, it will be more bearable on that day for Sodoms than for that town!t
13 “Woe to you, Chorazin!s Woe to you, Bethsaida! For ift the miraclest done in you had been done in Tyres and Sidon,ss they would have repented long ago, sitting in sackcloth and ashes.14 But it will be more bearable for Tyre and Sidon in the judgment than for you!

15 And you, Capernaum,ss will you be exalted to heaven?t No, you will be thrown down to Hades!s

16 “The one who listenst to you listens to me,s and the one who rejects you rejects me, and the one who rejects me rejectst the one who sent me.”s
17 Thent the seventy-twoss returned with joy, saying, “Lord, even the demons submit tot us in your name!”t18 Sot he said to them, “I sawt Satan fallt like lightningt from heaven.19 Look, I have given you authority to treadt on snakes and scorpionss and on the full force of the enemy,ts and nothing willt hurt you.

20 Nevertheless, do not rejoice thatt the spirits submit to you, but rejoicet that your names stand writtent in heaven.”
21 On that same occasiont Jesust rejoiceds in the Holy Spirit and said, “I praiset you, Father, Lords of heaven and earth, becauset you have hidden these things from the wises and intelligent, and revealed them to little children. Yes, Father, for this was your gracious will.t

22 All things have been given to me by my Father.s No one knows who the Son is except the Father, or who the Father is except the Son and anyone to whom the Son decidest to reveal him.”
23 Thent Jesust turnedt to hist disciples and said privately, “Blesseds are the eyes that see what you see!

24 For I tell you that many prophets and kings longed to sees what you see but did not see it, and to hear what you hear but did not hear it.”

The Parable of the Good Samaritan

25 Nowt an expert in religious lawt stood up to test Jesus,t saying, “Teacher, what must I do to inherit eternal life?”s26 He said to him, “What is written in the law? How do you understand it?”t27 The expertt answered, “Lovetthe Lord your God with all your heart, with all your soul, with all your strength, and with all your mind,s and love your neighbor as yourself.”t

28 Jesust said to him, “You have answered correctly;s do this, and you will live.”
29 But the expert,t wanting to justifyts himself, said to Jesus, “And who is my neighbor?”30 Jesus replied,t “A man was going downs from Jerusalems to Jericho,s and fell into the hands of robbers, who stripped him, beatt him up, and went off, leaving him half dead.s31 Now by chances a priest was going down that road, butt when he saw the injured mant he passed bys on the other side.s32 So too a Levite, when he came up tot the place and saw him,t passed by on the other side.33 Butt a Samaritant who was travelingt came to where the injured mant was, and when he saw him, he felt compassion for him.ts34 Het went up to himt and bandaged his wounds, pouring oils and wine on them. Thent he put him ont his own animal,s brought him to an inn, and took care of him.35 Thet next day he took out two silver coinsts and gave them to the innkeeper, saying, ‘Take care of him, and whatever else you spend, I will repay you when I come back this way.’t36 Which of these three do you think became a neighbors to the man who fell into the hands of the robbers?”

37 The expert in religious lawt said, “The one who showed mercys to him.” Sot Jesus said to him, “Go and dot the same.”

Jesus and Martha

38 Now as they went on their way, Jesust entered a certain village where a woman named Martha welcomed him as a guest.st39 Shet had a sister named Mary, who satt at the Lord’s feets and listened to what he said.40 But Martha was distracteds with all the preparations she had to make,t sot she came up to him and said, “Lord, don’t you caret that my sister has left me to do all the workt alone? Tellt her to help me.”41 But the Lords answered her,t “Martha, Martha,s you are worried and troubledt about many things,

42 but one things is needed. Mary has chosen the bestt part; it will not be taken away from her.”