RUKA 11
Kudzidzisa kwaJesu pamusoro poKunyengetera
1 Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
2 Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti:
“‘Baba vedu vari kudenga,
zita renyu ngarikudzwe noutsvene.
Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
3 Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
4 Uye mutiregerere zvivi zvedu;
nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira.
Uye regai kutitungamirira mukuedzwa; asi mutinunure pane zvakaipa.’”
5 Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,6 nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
7 “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’8 Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushinga kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
9 “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai uye muchapiwa, tsvakai uye muchawana; gogodzai uye muchazarurirwa mukova.10 Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.
11 “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?12 Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?
13 Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
Jesu naBheerizebhubhi
14 Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.15 Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”16 Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.
17 Jesu akaziva ndangariro dzavo uye akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.18 Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.19 Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu.20 Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
21 “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka.22 Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba.
23 “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
24 “Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’25 Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka.26 Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
27 Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakarapofadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
28 Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”
Chiratidzo chaJona
29 Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.30 Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.31 Mambokadzi wezasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa huchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.32 Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
Mwenje woMuviri
33 “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.34 Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima.35 Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima.
36 Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.”
Matambudziko Matanhatu
37 Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.38 Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa.
39 Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.40 Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here?41 Asi ipai zviri mukati sezvipo kuvarombo, ipapo zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
42 “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa.
43 “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.”
44 “Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.”
45 Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
46 Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
47 “Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya.48 Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi mukavaka marinda avo.49 Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’50 Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika,51 kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
52 “Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.”
53 Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda,
54 vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.
Luke 11
Instructions on Prayer
1 Nowt Jesust was praying in a certain place. Whent he stopped, one of his disciples said to him, “Lord, teach us to pray, just as Johns taughts his disciples.”
2 So he said to them, “When you pray,s say:
Father,ss may your name be honored;t
may your kingdom come.ss
3 Give us each day our daily bread,t
4 and forgive us our sins,
for we also forgive everyone who sinst against us.
And do not lead us into temptation.”sts
5 Thent he said to them, “Suppose one of yout has a friend, and you go to himt at midnight and say to him, ‘Friend, lend me three loaves of bread,t6 because a friend of mine has stopped here while on a journey,t and I have nothing to set befores him.’7 Thent he will replyt from inside, ‘Do not bother me. The door is already shut, and my children and I are in bed.t I cannot get up and give you anything.’t
8 I tell you, even though the man insidet will not get up and give him anything because he is his friend, yet because of the first man’st sheer persistencet he will get up and give him whatever he needs.
9 “Sot I tell you: Ask,s and it will be given to you; seek, and you will find; knock, and the doort will be opened for you.10 For everyone who askss receives, and the one who seeks finds, and to the one who knocks, the doort will be opened.11 What father among you, if yourt son asks fors a fish, will give him a snakes instead of a fish?12 Or if he asks for an egg, will give him a scorpion?s
13 If you then, although you aret evil, know how to give good gifts to your children, how much more will the heavenly Father give the Holy Spirits to those who ask him!”
Jesus and Beelzebul
14 Nowt he was casting out a demon that was mute.t Whent the demon had gone out, the man who had been mute began to speak,s and the crowds were amazed.15 But some of them said, “By the power of Beelzebul,ts the rulert of demons, he casts out demons.”16 Others, to testt him,t began asking fort a signs from heaven.17 But Jesus,t realizing their thoughts, said to them,s “Every kingdom divided against itself is destroyed,t and a divided household falls.t18 Sot ift Satan too is divided against himself, how will his kingdom stand? I ask you this becauset you claim that I cast out demons by Beelzebul.19 Now if I cast out demons by Beelzebul, by whom do your sonss cast themt out? Therefore they will be your judges.20 But if I cast out demons by the fingers of God, then the kingdom of Gods has already overtakent you.21 When a strong man,t fully armed, guards his own palace,t his possessions are safe.t22 Butt when a stronger mant attackst and conquers him, he takes away the first man’st armor on which the man reliedt and divides upt his plunder.s
23 Whoever is not with me is against me,s and whoever does not gather with me scatters.s
Response to Jesus’ Work
24 “When an unclean spirits goes out of a person,t it passes through waterless placess looking for rest butt not finding any. Thens it says, ‘I will return to the home I left.’t25 When it returns,t it finds the houset swept clean and put in order.s
26 Then it goes and brings seven other spirits more evil than itself, and they go in and live there, sot the last state of that persont is worse than the first.”s
27 Ast he said these things, a woman in the crowd spoke outt to him, “Blessed is the wombt that bore you and the breasts at which you nursed!”s
28 But he replied,t “Blessed rather are those who hear the word of God and obeys it!”
The Sign of Jonah
29 Ast the crowds were increasing, Jesust began to say, “This generation is a wicked generation; it looks for a sign,s but no sign will be given to it except the sign of Jonah.s30 For just as Jonah became a sign to the people of Nineveh,t so the Son of Man will be a signt to this generation.s31 The queen of the Souths will rise up at the judgments with the peoplet of this generation and condemn them, because she came from the ends of the earth to hear the wisdom of Solomon – and now,t something greaters than Solomon is here!
32 The peoplet of Nineveh will stand up at the judgment with this generation and condemn it, because they repented when Jonah preached to themts – and now,t something greater than Jonah is here!
Internal Light
33 “No one after lighting a lamp puts it in a hidden placet or under a basket,st but on a lampstand, so that those who come in can see the light.34 Your eye is the lamp of your body. When your eye is healthy,t your whole body is full of light, but when it is diseased,ts your body is full of darkness.35 Therefore see to itt that the light in yous is not darkness.
36 Ift thent your whole body is full of light, with no part in the dark,t it will be as full of light as when the light of a lamp shines on you.”t
Rebuking the Pharisees and Experts in the Law
37 As he spoke,t a Pharisees invited Jesust to have a meal with him, so he went in and took his place at the table.t38 Thet Pharisee was astonished when he saw that Jesust did not first wash his handsts before the meal.39 But the Lord said to him, “Now you Pharisees cleans the outside of the cup and the plate, but inside you are full of greed and wickedness.t40 You fools!s Didn’t the one who made the outside make the inside as well?t
41 But give from your heart to those in need,ts andt then everything will be clean for you.s
42 “But woe to you Pharisees!t You give a tentht of your mint,s rue,ts and every herb, yet you neglect justices and love for God! But you should have done these things without neglecting the others.t43 Woe to you Pharisees! You love the best seatst in the synagoguess and elaborate greetingsts in the marketplaces!
44 Woe to you!s You are like unmarked graves, and peoplet walk over them without realizing it!”s
45 One of the experts in religious laws answered him, “Teacher, when you say these things you insultt us too.”46 But Jesust replied,t “Woe to you experts in religious law as well!t You load peoplet down with burdens difficult to bear, yet you yourselves refuse to toucht the burdens with even one of your fingers!47 Woe to you! You builds the tombs of the prophets whom your ancestorst killed.48 So you testify that you approve oft the deeds of your ancestors,t because they killed the prophetst and you build theirt tombs!s49 For this reason also the wisdoms of God said, ‘I will send them prophets and apostles, some of whom they will kill and persecute,’50 so that this generation may be held accountablet for the blood of all the prophets that has been shed since the beginningt of the world,t51 from the blood of Abels to the blood of Zechariah,s who was killedt between the altar and the sanctuary.t Yes, I tell you, it will be charged againstt this generation.
52 Woe to you experts in religious law! You have taken aways the key to knowledge! You did not go in yourselves, and you hinderedt those who were going in.”
53 When he went out from there, the experts in the lawt and the Pharisees began to oppose him bitterly,t and to ask him hostile questionst about many things,
54 plotting againstt him, to catcht him in something he might say.