previous next

RUKA 13

Tendeukai, kana kuti muchaparara

1 Zvino panguva iyoyo vamwe vaivapo vakaudza Jesu nezvavaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.2 Jesu akapindura akati, “Munofunga kuti vaGarirea ava vakanga vari vatadzi zvakanyanya kupfuura vose here zvavakatambudzika nenzira iyi?3 Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.4 Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here?5 Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”
6 Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri.7 Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’
8 “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze.9 Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’”
Mukadzi Chirema anoporeswa nomusi weSabata
10 Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata,11 uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka.12 Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masununungurwa pachirwere chenyu.”13 Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari.
14 Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.”
15 Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, uye achienda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here?16 Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?”

17 Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.

Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi noweMbiriso
18 Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko?19 Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.”
20 Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko?21 Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”
Musuo Wakamanikana
22 Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema.23 Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?”
Iye akati kwavari,
24 “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.25 Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’
“Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’
26 “Ipapo muchati, “Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’
27 “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’
28 “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.29 Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari.

30 Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”

Jesu anosuwa pamusoro peJerusarema
31 Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.”
32 Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’33 Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!
34 “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!

35 Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’”

Luke 13

A Call to Repent

1 Nowt there were some present on that occasion who told him about the Galileans whose blood Pilate had mixed with their sacrifices.s2 Het answered them, “Do you think these Galileans were worse sinnerss than all the other Galileans, because they suffered these things?3 No, I tell you! But unless you repent,s you will all perish as well!t4 Or those eighteen who were killedt when the tower in Siloam fell on them,s do you think they were worse offenders than all the others who live in Jerusalem?s

5 No, I tell you! But unless you repents you will all perish as well!”t

Warning to Israel to Bear Fruit

6 Thent Jesust told this parable: “A man had a fig trees planted in his vineyard, and he came looking for fruit on it and found none.7 Sot he said to the worker who tended the vineyard, ‘Fort three yearss now, I have come looking for fruit on this fig tree, and each time I inspect itt I find none. Cuts it down! Whyt should it continue to depletes the soil?’8 But the workert answered him, ‘Sir, leave it alone this year too, until I dig around it and put fertilizert on it.

9 Then ift it bears fruit next year,t very well,t but ift not, you can cut it down.’”

Healing on the Sabbath

10 Now he was teaching in one of the synagoguess on the Sabbath,11 and a woman was theret who had been disabled by a spiritt for eighteen years. Shet was bent over and could not straighten herself up completely.t12 Whent Jesus saw her, he called her to himt and said, “Woman,s you are freedt from your infirmity.”t13 Thent he placed his hands on her, and immediatelys she straightened up and praised God.14 But the president of the synagogue, indignant because Jesus had healed on the Sabbath, said to the crowd, “There are six days on which works should be done!t So comet and be healed on those days, and not on the Sabbath day.”15 Then the Lord answered him,t “You hypocrites! Does not each of you on the Sabbath untie his ox or his donkey from its stall,t and lead it to water?s16 Thent shouldn’tt this woman, a daughter of Abraham whom Satans bound for eighteen longt years, be released from this imprisonmentt on the Sabbath day?”

17 Whent he said this all his adversaries were humiliated,t butt the entire crowd was rejoicing at all the wonderful thingss he was doing.t

On the Kingdom of God

18 Thus Jesust asked,t “What is the kingdom of Gods like?s Tot what should I compare it?

19 It is like a mustard seeds that a man took and sowedt in his garden. Itt grew and became a tree,s and the wild birdst nested in its branches.”s
20 Againt he said, “To what should I compare the kingdom of God?s

21 It is like yeast that a woman took and mixed witht three measuress of flour until all the dough had risen.”ts

The Narrow Door

22 Thent Jesust traveled throughoutt townst and villages, teaching and making his way towardt Jerusalem.s23 Someonet askedt him, “Lord, will only a fews be saved?” Sot he said to them,24 “Exert every effortt to enter through the narrow door, because many, I tell you, will try to enter and will not be able to.25 Oncet the head of the houset gets upt and shuts the door, then you will stand outside and start to knock on the door and beg him, ‘Lord,t let us in!’t But he will answer you,t ‘I don’t know where you come from.’s26 Then you will begin to say, ‘We ate and drank in your presence, and you taught in our streets.’s27 Butt he will reply,st ‘I don’t know where you come from!s Go away from me, all you evildoers!’t28 There will be weeping and gnashing of teeths when you see Abraham, Isaac, Jacob,t and all the prophets in the kingdom of Gods but you yourselves thrown out.t29 Thent peoplet will come from east and west, and from north and south, and take their places at the banquet tablet in the kingdom of God.s

30 Butt indeed,t some are lasts who will be first, and some are first who will be last.”

Going to Jerusalem

31 At that time,t some Phariseess came up and said to Jesus,t “Get away from here,t because Herods wants to kill you.”32 Butt he said to them, “Got and tell that fox,s ‘Look, I am casting out demons and performing healings today and tomorrow, and on the third days I will complete my work.t33 Nevertheless I mustt go on my way today and tomorrow and the next day, because it is impossiblet that a prophet should be killedt outside Jerusalem.’ss34 O Jerusalem, Jerusalem,s you who kill the prophets and stone those who are sent to you!t How often I have longeds to gather your children together as a hen gathers her chicks under her wings, butt you would have none of it!t

35 Look, your house is forsaken!s And I tell you, you will not see me until you say, ‘Blessed is the one who comes in the name of the Lord!’”s