RUKA 14
Jesu pamusha womuFarisi
1 Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.2 Pamberi pake ipapo pakanga pane munhu akanga ane chirwere chorukandwe.3 Jesu akabvunza vaFarisi navadudziri vomurayiro achiti, “Zvinotenderwa here nomurayiro kuporesa nomusi weSabata, kana kuti kwete?”4 Asi vakaramba vanyerere. Naizvozvo akabata ruoko rwomunhu uya, akamuporesa ndokubva amuti aende.
5 Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”6 Ipapo vakashayiwa chokureva.
7 Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,8 “Kana mumwe akakukoka kumuchato, usazvisarudzira nzvimbo yapamberi, nokuti mumwe munhu anokudzwa kupfuura iwe angadaro akakokwa.9 Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.10 Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.11 Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
12 Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanun’una vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.13 Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu,14 ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”
Mufananidzo waMabiko Makuru
15 Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
16 Jesu akapindura akati, “Mumwe murume akanga achigadzira mabiko makuru uye akakoka vanhu vazhinji.17 Panguva yamabiko, akatuma varanda vake kuti vandoudza vaya vakanga vakokwa kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa.’
18 “Asi vose vakatanga zvimwe chetezvo kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndichangotenga munda izvozvi, uye ndinofanira kundouona. Ndapota hangu, ndiregererei.’
19 “Mumwe akati, ‘Ndichangotenga nzombe dzamajoko mashanu izvozvi, uye ndiri kuenda kumbonodziedza. Ndapota ndiregererei.’
20 “Mumwezve akati, ‘Ndichangowana mukadzi izvozvi, saka handingauyi.’
21 “Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta undouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.
22 “Muranda akati, ‘Ishe, zvamandirayira zvaitwa, asi nzvimbo ichiripo.’
23 “Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
24 Ndinoti kwamuri, hakuna kana mumwe chete wavaya vakanga vakokwa acharavira mabiko angu.’”
Mutengo wokuva Mudzidzi
25 Vazhinji zhinji vakanga vachifamba naJesu, uye iye akatendeukira kwavari akati,26 “Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanun’una vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.27 Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.
28 “Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?29 Nokuti kana akavaka hwaro akasagona kuipedza, munhu wose anomuona achamuseka,30 achiti, ‘Munhu uyu akatanga kuvaka asi akasagona kupedza.’
31 “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri?32 Kana asingagoni, achatuma nhume mumwe wacho achiri kure uye okumbira mashoko orugare kwaari.33 Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.
34 “Munyu wakanaka, asi kana warasikirwa nokuvava kwawo, ucharungwa neiko?
35 Hauchabatsiri muvhu kana padutu romupfudze; unorasirwa kunze.
“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Luke 14
Healing Again on the Sabbath
1 Nowt one Sabbath when Jesus went to dinet at the house of a leadert of the Pharisees,s they were watchings him closely.2 Theret rightt in front of him was a man suffering from dropsy.s3 Sot Jesus askedt the experts in religious lawt and the Pharisees, “Is it lawful to heal on the Sabbaths or not?”4 But they remained silent. Sot Jesust took hold of the man,t healed him, and sent him away.t5 Thent he said to them, “Which of you, if you have a sons or an ox that has fallen into a well on a Sabbath day, will not immediately pull him out?”
6 Butt they could not replys to this.
On Seeking Seats of Honor
7 Thent when Jesust noticed how the guestst chose the places of honor,t he told them a parable. He said to them,8 “When you are invited by someone to a wedding feast,t do not taket the place of honor, because a person more distinguished than you may have been invited by your host.t9 Sot the host who invited both of you will come and say to you, ‘Give this man your place.’ Then, ashamed,t you will begin to move to the least importantt place.10 But when you are invited, go and take the least important place, so that when your hostt approaches he will say to you, ‘Friend, move up here to a better place.’t Then you will be honored in the presence of all who share the meal with you.
11 For everyone who exalts himself will be humbled, butt the one who humbless himself will be exalted.”
12 Het said also to the mans who had invited him, “When you host a dinner or a banquet,t don’t invite your friends or your brothers or your relatives or rich neighbors so you can be invited by them in return and get repaid.13 But when you host an elaborate meal,t invite the poor, the crippled,s the lame, andt the blind.s
14 Thent you will be blessed,s because they cannot repay you, for you will be repaids at the resurrection of the righteous.”
The Parable of the Great Banquet
15 Whent one of those at the meal with Jesust heard this, he said to him, “Blessed is everyonet who will feastt in the kingdom of God!”s16 But Jesust said to him, “A man once gave a great banquett and inviteds many guests.t17 Att the time for the banquett he sent his slavet to tell those who had been invited, ‘Come, because everything is now ready.’18 But one after another they allt began to make excuses.s The first said to him, ‘I have bought a field,s and I must go out and see it. Please excuse me.’s19 Anothert said, ‘I have bought five yoke of oxen,s and I am going outt to examine them. Please excuse me.’20 Anothert said, ‘I just got married, and I cannot come.’s21 Sot the slave came back and reported this to his master. Then the master of the household was furioust and said to his slave, ‘Go out quicklys to the streets and alleys of the city,t and bring in the poor,s the crippled,t the blind, and the lame.’22 Thent the slave said, ‘Sir, what you instructed has been done, and there is still room.’s23 Sot the master said to hist slave, ‘Go out to the highwayss and country roadst and urget peoplet to come in, so that my house will be filled.s
24 For I tell you, not one of those individualst who were inviteds will taste my banquet!’”t
Counting the Cost
25 Now large crowdss were accompanying Jesus,t and turning to them he said,26 “If anyone comes to me and does not hatet his own father and mother, and wife and children, and brothers and sisters, and even his own life,t he cannot be my disciple.27 Whoever does not carry his own crosss and followt me cannot be my disciple.28 For which of you, wanting to build a tower, doesn’t sit downt first and compute the costt to see if he has enough money to complete it?29 Otherwise,t when he has laidt a foundation and is not able to finish the tower,t all who see itt will begin to make fun oft him.30 They will say,t ‘This mans began to build and was not able to finish!’s31 Or what king, going out to confront another king in battle, will not sit downt first and determine whether he is able with ten thousand to opposet the one coming against him with twenty thousand?32 If he cannot succeed,t he will send a representativet while the other is still a long way off and ask for terms of peace.s
33 In the same way therefore not one of you can be my disciple if he does not renounce all his own possessions.ts
34 “Saltts is good, but if salt loses its flavor,s how can its flavor be restored?
35 It is of no valuet for the soil or for the manure pile; it is to be thrown out.t The one who has ears to hear had better listen!”t