previous next

RUKA 15

Mufananidzo weGwai Rakarasika

1 Zvino vateresi na“vatadzi” vakanga vakaungana vose, vakamukomberedza kuti vamunzwe.2 Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakagunun’una vachiti, “Uyu munhu anogamuchira vatadzi uye anodya navo.”
3 Ipapo Jesu akavaudza mufananidzo uyu akati,4 “Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana?5 Uye kana ariwana, anoritakura pamapfudzi ake nomufaro6 agoenda kumba. Ipapo anodana shamwari dzake navavakidzani pamwe chete agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni nokuti ndawana gwai rangu rakanga rarasika.’

7 Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka.

Mufananidzo weMari Yakarasika
8 “Ndoupiko mukadzi ane mari yamasirivha anokwana gumi uye akarasikirwa neimwe chete angarega kubatidza mwenje, agotsvaira imba uye agotsvakisisa kusvikira aiwana here?9 Uye paanenge aiwana, achadana shamwari dzake navavakidzani agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni, ndawana mari yangu yakanga yarasika.’

10 Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.”

Mufananidzo woMwanakomana Akarasika
11 Jesu akaenderera mberi akati: “Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri.12 Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo.
13 “Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa.14 Shure kwokunge apedza zvose, kwakava nenzara huru munyika yose iyoyo, uye akatanga kushayiwa.15 Saka akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo, iye akamutumira kuminda yake kuti andofudza nguruve.16 Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu.
17 “Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa!18 Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo.19 Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’
20 “Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.
21 “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’
22 “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake.23 Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere.24 Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera.
25 “Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba.26 Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika.27 Muranda akapindura akati, ‘Munun’una wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’
28 “Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza.29 Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu.30 Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’
31 “Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako.

32 Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti munun’una wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’”

Luke 15

The Parable of the Lost Sheep and Coin

1 Now all the tax collectorss and sinners were comingt to hear him.

2 Butt the Phariseess and the experts in the lawt were complaining,t “This man welcomest sinners and eats with them.”
3 Sot Jesust told thems this parable:t4 “Which onet of you, if he has a hundreds sheep and loses one of them, would not leave the ninety-nine in the open pasturet and go look fort the one that is lost until he finds it?s5 Thent when he has found it, he places it on his shoulders, rejoicing.6 Returningt home, he calls togethers hist friends and neighbors, telling them, ‘Rejoice with me, because I have found my sheep that was lost.’

7 I tell you, in the same way there will be more joy in heaven over one sinners who repents than over ninety-nine righteous peoplet who have no need to repent.t
8 “Or what woman, if she has ten silver coinss and losest one of them,t does not light a lamp, sweept the house, and search thoroughly until she finds it?9 Thent when she has found it, she calls together hert friends and neighbors, saying, ‘Rejoices with me, for I have found the coint that I had lost.’

10 In the same way, I tell you, there is joy in the presence of God’s angelss over one sinner who repents.”

The Parable of the Compassionate Father

11 Thent Jesust said, “A man had two sons.12 Thet younger of them said to hist father, ‘Father, give me the share of the estatet that will belongt to me.’ Sot he divided hist assets between them.s13 Aftert a few days,t the younger son gathered together all he had and left on a journey to a distant country, and there he squanderedt his wealtht with a wild lifestyle.14 Thent after he had spent everything, a severe famine took place in that country, and he began to be in need.15 So he went and worked fort one of the citizens of that country, whot sent him to his fields to feed pigs.s16 Het was longing to eatt the carob podst the pigs were eating, butt no one gave him anything.17 But when he came to his sensest he said, ‘How many of my father’s hired workers have foodt enough to spare, but here I am dying from hunger!18 I will get up and go to my father and say to him, “Father, I have sinneds against heavens and againstt you.19 I am no longer worthy to be called your son; treat met like one of your hired workers.”’20 Sot he got up and went to his father. But while he was still a long way from homet his father saw him, and his heart went out to him;ts he ran and huggedt his sont and kissed him.21 Thent his son said to him, ‘Father, I have sinned against heavens and against you; I am no longer worthy to be called your son.’s22 But the father said to his slaves,t ‘Hurry! Bring the best robe,s and put it on him! Put a ring on his fingert and sandalss on his feet!23 Bringt the fattened calft and kill it! Let us eatt and celebrate,

24 because this son of mine was dead, and is alive again – he was lost and is found!’s Sot they began to celebrate.
25 “Now his older son was in the field. Ast he came and approached the house, he heard musics and dancing.26 Sot he called one of the slavest and asked what was happening.27 The slave replied,t ‘Your brother has returned, and your father has killed the fattened calft because he got his sont back safe and sound.’28 But the older sont became angryt and refuseds to go in. His father came out and appealed to him,29 but he answeredt his father, ‘Look! These many years I have worked like a slavet for you, and I never disobeyed your commands. Yett you never gave me even a goats so that I could celebrate with my friends!30 But when this son of yourss came back, who has devoureds your assets with prostitutes,s you killed the fattened calfs for him!’31 Thent the fathert said to him, ‘Son, you are always with me, and everything that belongs to me is yours.

32 It was appropriatet to celebrate and be glad, for your brothers was dead, and is alive; he was lost and is found.’”s