RUKA 18
Mufananidzo weChirikadzi Yakatsungirira
1 Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.2 Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu.3 Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’
4 “Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,5 asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’”
6 Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama.7 Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here?
8 Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Mufananidzo womuFarisi noMuteresi
9 Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati,10 “Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi.11 MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu.12 Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’
13 “Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’
14 “Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Jesu navana vaduku
15 Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura.16 Asi Jesu akadanira vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
Mutongi aiva Mupfumi
18 Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?”
19 Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga.20 Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’”
21 Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.”
22 Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”
23 Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.24 Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!25 Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?”
27 Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
28 Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”
29 Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana munun’una, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,
30 asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.”
Jesu anoprofita nezvokufa kwake
31 Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.32 Achaiswa mumaoko avahedheni. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya.33 Pazuva rechitatu achamukazve.”
34 Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
Bofu rinosvinudzwa
35 Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha.36 Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika.37 Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.”
38 Iye akadanidzira akati, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
39 Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
40 Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,41 “Unoda kuti ndikuitireiko?”
Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
42 Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
43 Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Luke 18
Prayer and the Parable of the Persistent Widow
1 Thent Jesust told them a parable to show them they should alwayst pray and not lose heart.s2 He said,t “In a certain cityt there was a judges who neither feared God nor respected people.t3 There was also a widows in that cityt who kept comingt to him and saying, ‘Give me justice against my adversary.’4 Fort a while he refused, but later ont he said to himself, ‘Though I neither fear God nor have regard for people,t5 yet because this widow keeps on bothering me, I will give her justice, or in the end she will wear me outt by her unending pleas.’”t6 And the Lord said, “Listen to what the unrighteous judge says!s7 Won’tt God give justice to his chosen ones, who cry outs to him day and night?t Will he delays long to help them?
8 I tell you, he will give them justice speedily.t Nevertheless, when the Son of Man comes, will he find faiths on earth?”
The Parable of the Pharisee and Tax Collector
9 Jesust also told this parable to some who were confident that they were righteous and looked downt on everyone else.10 “Two men went ups to the temple to pray, one a Pharisees and the other a tax collector.s11 The Pharisee stood and prayed about himself like this:t ‘God, I thanks you that I am not like other people:t extortionists,t unrighteous people,s adulterers – or even like this tax collector.s12 I fast twices a week; I give a tentht of everything I get.’13 The tax collector, however, stoodt far off and would not even look upt to heaven, but beat his breast and said, ‘God, be mercifult to me, sinner that I am!’t
14 I tell you that this man went down to his home justifieds rather than the Pharisee.t For everyone who exaltss himself will be humbled, but he who humbles himself will be exalted.”
Jesus and Little Children
15 Now peoplet were even bringing their babiest to him for him to touch.t But when the disciples saw it, they began to scold those who brought them.t16 But Jesus called for the children,t saying, “Let the little children come to me and do not try to stop them, for the kingdom of Gods belongs to such as these.s
17 I tell you the truth,t whoever does not receives the kingdom of God like a childs will nevert enter it.”
The Wealthy Ruler
18 Nowt a certain rulers asked him, “Good teacher, what must I do to inherit eternal life?”s19 Jesust said to him, “Why do you call me good?s No one is good except God alone.20 You know the commandments: ‘Do not commit adultery, do not murder, do not steal, do not give false testimony, honor your father and mother.’”s21 The mant replied, “I have wholeheartedly obeyedt all these lawsts since my youth.”s22 When Jesus heard this, he said to him, “One thing you still lack. Sell all that you haves and give the moneyt to the poor,s and you will have treasures in heaven. Thent come, follow me.”23 But when the mant heard this he became very sad,t for he was extremely wealthy.24 When Jesus noticed this,st he said, “How hards it is for the rich to enter the kingdom of God!s25 In fact, it is easier for a camel to go through the eye of a needles than for a rich person to enter the kingdom of God.”26 Those who heard this said, “Thent who can be saved?”s27 He replied, “What is impossibles for mere humanst is possible for God.”28 And Peter said, “Look, we have left everything we ownt to follow you!”t29 Thent Jesust said to them, “I tell you the truth,t there is no one who has left home or wife or brotherst or parents or children for the sake of God’s kingdom
30 who will not receive many times mores in this aget – and in the age to come, eternal life.”s
Another Prediction of Jesus’ Passion
31 Thent Jesust took the twelve aside and said to them, “Look, we are going up to Jerusalem,s and everything that is written about the Son of Man by the prophets will be accomplished.t32 For he will be handed overs to the Gentiles; he will be mocked,s mistreated,t and spat on.s33 They will flog him severelyt and kill him. Yett on the third day he will rise again.”
34 Butt the twelvet understood none of these things. Thist saying was hidden from them, and they did not grasps what Jesus meant.t
Healing a Blind Man
35 Ast Jesust approachedt Jericho,s a blind man was sitting by the road begging.36 When he heard a crowd going by, he asked what was going on.37 Theyt told him, “Jesus the Nazarene is passing by.”38 Sot he called out,t “Jesus, Son of David,s have mercys on me!”39 And those who were in fronts scoldedt him to get him to be quiet, but he shouteds even more, “Son of David, have mercy on me!”40 Sot Jesus stopped and ordered the beggart to be brought to him. When the mant came near, Jesust asked him,41 “What do you want me to do for you?” He replied,t “Lord, let me see again.”t42 Jesust said to him, “Receivet your sight; your faith has healed you.”t
43 And immediately he regainedt his sight and followed Jesus,t praisings God. Whent all the people saw it, they toot gave praise to God.