previous next

RUKA 19

Zakeo, Muteresi

1 Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
5 Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”6 Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
7 Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugunun’una vachiti, “Aenda kundova mueni wo‘mutadzi.’”
8 Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
9 Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.

10 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”

Mufananidzo weZviuru Gumi zvaMadhora
11 Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.12 Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.13 Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’
14 “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzindoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’
15 “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
16 “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’
17 “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
18 “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’
19 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’
20 “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.21 Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ano mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
22 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?23 Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’
24 “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’
25 “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’
26 “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.

27 Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’”

Jesu anogamuchirwa muJerusarema
28 Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwira kuJerusarema.29 Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,30 “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.31 Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’”
32 Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.33 Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”
34 Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”
35 Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.36 Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.

37 Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:

38 “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!”
“Rugare ngaruve kudenga, nembiri kumusoro-soro!”

39 Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!’
40 Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
41 Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro42 akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.43 Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.

44 Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”

Jesu paTemberi
45 Ipapo akapinda mutemberi akatanga kubudisa vaya vakanga vachitengesa.46 Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’”
47 Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.

48 Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.

Luke 19

Jesus and Zacchaeus

1 Jesust entered Jerichos and was passing through it.2 Nowt a man named Zacchaeus was there; he was a chief tax collectors and was rich.3 Het was trying to get a look at Jesus,t but being a short man he could not see over the crowd.t4 Sot he ran on ahead and climbed up into a sycamore trees to see him, because Jesust was going to pass that way.5 And when Jesus came to that place, he looked ups and said to him, “Zacchaeus, come down quickly,t because I musts stay at your house today.”s6 So he came down quicklyt and welcomed Jesust joyfully.ts7 And when the peoplet saw it, they all complained,t “He has gone in to be the guest of a man who is a sinner.”s8 But Zacchaeus stopped and said to the Lord, “Look, Lord, half of my possessions I now gives to the poor, and ift I have cheated anyone of anything, I am paying back four times as much!”9 Thent Jesus said to him, “Today salvations has come to this household,s because he too is a son of Abraham!s

10 For the Son of Man cames to seek and to save the lost.”

The Parable of the Ten Minas

11 While the people were listening to these things, Jesust proceeded to tell a parable, because he was near to Jerusalem,s and because they thoughtt that the kingdom of Gods was going tot appear immediately.12 Therefore he said, “A noblemant went to a distant country to receives for himself a kingdom and then return.s13 And he summoned ten of his slaves,t gave them ten minas,s and said to them, ‘Do business with these until I come back.’14 But his citizenst hatedt him and sent a delegation after him, saying, ‘We do not want this mant to be kingt over us!’15 Whent he returned after receiving the kingdom, he summonedt these slaves to whom he had given the money. He wantedt to know how much they had earneds by trading.16 Sot the first one came before him and said, ‘Sir,t your minat has made ten minas more.’17 And the kingt said to him, ‘Well done, good slave! Because you have been faithfult in a very small matter, you will have authoritys over ten cities.’18 Thent the second one came and said, ‘Sir, your mina has made five minas.’19 Sot the kingt said to him, ‘And you are to be over five cities.’20 Then anothers slavet came and said, ‘Sir, here ist your mina that I put away for safekeepingt in a piece of cloth.t21 For I was afraid of you, because you are a severet man. You withdrawt what you did not depositt and reap what you did not sow.’22 The kingt said to him, ‘I will judge you by your own words,t you wicked slave!t So you knew, did you, that I was a severet man, withdrawing what I didn’t deposit and reaping what I didn’t sow?23 Why then didn’t you putt my money in the bank,t so that when I returned I could have collected it with interest?’24 And he said to his attendants,t ‘Take the mina from him, and give it to the one who has ten.’t25 Butt they said to him, ‘Sir, he has ten minas already!’s26 ‘I tell you that everyone who has will be given more,ts but from the one who does not have, even what he has will be taken away.s

27 But as for these enemies of mine who did not want me to be their king,t bring them here and slaughtert thems in front of me!’”

The Triumphal Entry

28 After Jesust had said this, he continued on ahead,t going up to Jerusalem.ss29 Nowt when he approached Bethphages and Bethany, at the place called the Mount of Olives,ts he sent two of the disciples,30 telling them,t “Go to the village ahead of you.t Whent you enter it, you will find a colt tied there that has never been ridden.t Untie it and bring it here.31 If anyone asks you, ‘Why are you untying it?’ just say, ‘The Lord needss it.’”32 So those who were sent ahead foundt it exactlys as he had told them.33 Ast they were untying the colt, its owners asked them,t “Why are you untying that colt?”34 They replied, “The Lord needs it.”35 Thent they brought it to Jesus, threw their cloakst on the colt,s and had Jesus get ont it.36 Ast he rode along, theyt spread their cloaks on the road.37 As he approached the road leading down fromt the Mount of Olives,s the whole crowd of hist disciples began to rejoicet and praises God with a loud voice for all the mighty workst they had seen:t38 “Blessed is the kingswho comes in the name of the Lord!s Peace in heaven and glory in the highest!”39 Butt some of the Phariseess in the crowd said to him, “Teacher, rebuke your disciples.”s

40 He answered,t “I tell you, if theyt keep silent, the very stoness will cry out!”

Jesus Weeps for Jerusalem under Judgment

41 Nowt when Jesust approacheds and saw the city, he wept over it,42 saying, “If you had only known on this day,s even you, the things that make for peace!t But now they are hiddens from your eyes.43 For the days will come upon you when your enemies will builds an embankments against you and surround you and close in on you from every side.

44 They will demolish youts – you and your children within your wallst – and they will not leave within you one stones on top of another,t because you did not recognize the time of your visitation from God.”ts

Cleansing the Temple

45 Thent Jesust entered the temple courtsts and began to drive out those who were selling things there,s

46 saying to them, “It is written, ‘My house will be a house of prayer,’s but you have turned it into a dentof robbers!”s
47 Jesust was teaching daily in the temple courts. The chief priests and the experts in the lawt and the prominent leaders among the people were seeking to assassinatets him,

48 butt they could not find a way to do it,t for all the people hung on his words.s