previous next

RUKA 2

Kuzvarwa kwaJesu

1 Mumazuva iwayo Kesari Ogasito akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe.2 Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria.3 Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.
4 Saka Josefawo akakwira achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi noworudzi rwake.5 Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.6 Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,

7 akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.

Vafudzi naVatumwa
8 Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.9 Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomba, uye vakatya kwazvo.10 Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.11 Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.12 Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”
13 Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:

14 “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro
soro, uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”

15 Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
16 Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo.17 Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu,18 uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi.19 Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.

20 Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.

Jesu anokumikidzwa muTemberi
21 Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.
22 Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She23 (sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa kuna She”)24 uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
25 Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.26 Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.27 Iye akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,

28 Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:

29 “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,
zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.
30 Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
31 rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,

32 chiedza chinovhenekera vaHedheni
uye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”

33 Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.34 Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,35 kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.
36 Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,37 ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.38 Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.
39 Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.

40 Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.

Jesu paTemberi
41 Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.42 Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo.43 Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.44 Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.45 Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.46 Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza mibvunzo.47 Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.48 Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
49 Iye akati, Manga muchinditsvakireiko? “Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”50 Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
51 Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.

52 Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, uye achidiwa naMwari uye navanhu.

Luke 2

The Census and the Birth of Jesus

1 Nowt in those days a decrees went out from Caesart Augustuss to registerts all the empiret for taxes.2 This was the first registration, taken when Quirinius was governort of Syria.3 Everyonet went to his own townt to be registered.4 Sot Joseph also went up from the town of Nazarethss in Galilee to Judea, to the cityt of David called Bethlehem,ss because he was of the houses and family linet of David.5 He wentt to be registered with Mary, who was promised in marriage to him,t and who was expecting a child.6 Whilet they were there, the time came for her to deliver her child.t

7 And she gave birth to her firstborn son and wrapped him in strips of cloths and laid him in a manger,t because there was no place for them in the inn.ts

The Shepherds’ Visit

8 Nowt there were shepherdss nearbyt living out in the field, keeping guardt over their flock at night.9 Ant angel of the Lordt appeared tot them, and the glory of the Lord shone around them, and they were absolutely terrified.ts10 But the angel said to them, “Do not be afraid! Listen carefully,t for I proclaim to you good newst that brings great joy to all the people:11 Todays your Savior is born in the cityt of David.t He is Christts the Lord.12 Thist will be a signs for you: You will find a baby wrapped in strips of cloth and lying in a manger.”t

13 Suddenlyt a vast, heavenly armyt appeared with the angel, praising God and saying,

14 “Glorys to God in the highest,
and on earth peace among peoplet with whom he is pleased!”s
15 Whent the angels left them and went back to heaven, the shepherds said to one another, “Let us go over to Bethlehems and see this thing that has taken place, that the Lords has made known to us.”16 So they hurried off and located Mary and Joseph, and found the baby lying in a manger.t17 Whent they saw him,t they related what they had been toldt about this child,18 and all who heard it were astonishedt at what the shepherds said.19 But Mary treasured up all these words, pondering in her heart what they might mean.t

20 Sot the shepherds returned, glorifying and praisings God for all they had heard and seen; everything was just as they had been told.ts

21 Att the end of eight days, when he was circumcised, he was named Jesus, the name given by the angels before he was conceived in the womb.

Jesus’ Presentation at the Temple

22 Nowt when the time came for theirsts purification according to the law of Moses, Joseph and Maryt brought Jesust up to Jerusalems to present him to the Lord23 (just as it is written in the law of the Lord, “Every firstborn maletwill be set apart to the Lord”s),

24 and to offer a sacrifice according to what is specified in the law of the Lord, a pair of dovessor two young pigeons.s

The Prophecy of Simeon

25 Nowt there was a man in Jerusalems named Simeon who was righteoust and devout, looking for the restorationts of Israel, and the Holy Spirits was upon him.26 Itt had been revealedt to him by the Holy Spirit that he would not diet beforet he had seen the Lord’s Christ.ts27 Sot Simeon,t directed by the Spirit,t came into the temple courts,ts and when the parents brought in the child Jesus to do for him what was customary according to the law,t

28 Simeont took him in his arms and blessed God, saying,t

29 “Now, according to your word,s Sovereign Lord,t permits your servantts to departt in peace.

30 For my eyes have seen your salvations

31 that you have prepared in the presence of all peoples:s

32 a light,t
for revelation to the Gentiles,
and for glorys to your people Israel.”
33 Sot the child’st fatherss and mother were amazedt at what was said about him.34 Thent Simeon blessed them and said to his mother Mary, “Listen carefully:t This childt is destined to be the cause of the falling and risings of many in Israel and to be a sign that will be rejected.t

35 Indeed, as a result of him the thoughtst of many hearts will be revealeds – and a swords will pierce your own soul as well!”s

The Testimony of Anna

36 There was also a prophetess, Anna the daughter of Phanuel, of the tribe of Asher. She was very old,t having been married to her husband for seven years until his death.37 She had lived as a widow since then for eighty-four years.t She never left the temple, worshiping with fasting and prayer night and day.s

38 At that moment,t she came up to themt and began to give thanks to God and to speakt about the childt to all who were waiting for the redemption of Jerusalem.ss
39 Sot when Joseph and Maryt had performedt everything according to the law of the Lord,s they returned to Galilee, to their own townt of Nazareth.s

40 And the child grew and became strong,s filled with wisdom,s and the favort of Gods was upon him.

Jesus in the Temple

41 Nowt Jesus’t parents went to Jerusalems everyt year for the feast of the Passover.s42 Whent he was twelve years old,s they went ups according to custom.43 Butt when the feast was over,t as they were returning home,t the boy Jesus stayed behind in Jerusalem. Hist parentss did not know it,44 but (because they assumed that he was in their group of travelers)s they went a day’s journey. Thent they began to look for him among their relatives and acquaintances.t45 Whent they did not find him, they returned to Jerusalems to look for him.46 Aftert three dayss they found him in the temple courts,t sitting among the teachers,t listening to them and asking them questions.47 And all who heard Jesust were astonisheds at his understanding and his answers.48 Whent his parentst saw him, they were overwhelmed. Hist mother said to him, “Child,t why have you treatedt us like this? Look, your father and I have been looking for you anxiously.”t49 Butt he replied,t “Why were you looking for me?t Didn’t you know that I must be in my Father’s house?”t50 Yett his parentst did not understands the remarkt he madet to them.

51 Thent he went down with them and came to Nazareth,s and was obedientt to them. Butt his mother kept all these thingst in her heart.s

52 And Jesus increasedt in wisdom and in stature, and in favor with God and with people.