RUKA 20
Vanobvunza kuti simba raJesu rinobvepi
1 Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.2 Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”
3 Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,4 ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’”
5 Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’6 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”
7 Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”
8 Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”
Mufananidzo waVarimi Vakaipa
9 Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.10 Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.11 Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.12 Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.
13 “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’
14 “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’15 Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.
“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?16 Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.”
Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”
17 Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti:
“‘Ibwe rakarambwa navavaki
ndiro razova musoro wekona’?
18 Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunikavhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”
19 Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.
Kuripa Mitero kuna Kesari
20 Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.21 Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.22 Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”
23 Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,24 “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvaani?”
25 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”
Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”
26 Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu.
Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.
Kumuka kwaVakafa noKuwanana
27 Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.28 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.29 Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.30 Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.31 Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.32 Pakupedzisira, mukadzi akafawo.33 Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”
34 Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.35 Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,36 uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.37 Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’38 Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”
39 Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”
40 Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.
Kristu Mwanakomana waani?
41 Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
42 Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:
“‘Ishe akati kuna She wangu:
Gara kuruoko rwangu rworudyi
43 kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako.’”
44 Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”
45 Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,46 “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
47 Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye kuti vaonekwe, vanoita minyengetero mirefu, Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”
Luke 20
The Authority of Jesus
1 Now onet day, as Jesust was teaching the people in the temple courtst and proclaimingt the gospel, the chief priests and the experts in the lawt with the elders came ups2 and said to him,t “Tell us: By what authorityt are you doing these things?s Or who it is who gave you this authority?”3 He answered them,t “I will also ask you a question, and you tell me:4 John’s baptisms – was it from heaven or from people?”ts5 Sot they discussed it with one another, saying, “If we say, ‘From heaven,’ he will say, ‘Why did you not believe him?’6 But if we say, ‘From people,’ all the people will stone us, because they are convinced that John was a prophet.”7 Sot they replied that they did not knows where it came from.
8 Thent Jesus said to them, “Neither will I tell yous by whose authorityt I do these things.”
The Parable of the Tenants
9 Thent he began to tell the people this parable: “A mans planted a vineyard,s leased it to tenant farmers,s and went on a journey for a long time.10 When harvest time came, he sent a slaves to the tenants so that they would gives him his portion of the crop.t However, the tenants beat his slavets and sent him away empty-handed.11 Sot he sent another slave. They beat this one too, treated him outrageously, and sent him away empty-handed.s12 Sot he sent still a third. They even wounded this one, and threw him out.13 Thent the owner of the vineyard said, ‘What should I do? I will send my one dear son;ts perhaps they will respect him.’14 But when the tenants saw him, they said to one another, ‘This is the heir; let’s kill him so the inheritance will be ours!’15 Sot they threw him out of the vineyard and killeds him. What then will the owner of the vineyard do to them?16 He will come and destroys those tenants and give the vineyard to others.”s When the peoplet heard this, they said, “May this never happen!”s17 But Jesust looked straight at them and said, “Then what is the meaning of that which is written: ‘The stone the builders rejected has become the cornerstone’?ts18 Everyone who falls on this stone will be broken to pieces,t and the one on whom it falls will be crushed.”ts
19 Thent the experts in the lawt and the chief priests wanted to arrestt him that very hour, because they realized he had told this parable against them. Butt they were afraid of the people.
Paying Taxes to Caesar
20 Thent they watched him carefully and sent spies who pretended to be sincere.t They wanted to take advantage of what he might sayt so that they could deliver him up to the authority and jurisdictiont of the governor.21 Thust they asked him, “Teacher, we know that you speak and teach correctly,t and show no partiality, but teach the way of God in accordance with the truth.s22 Is it rightt for us to pay the tribute taxt to Caesart or not?”23 But Jesust perceived their deceitt and said to them,24 “Show me a denarius.ts Whose imagets and inscription are on it?”t They said, “Caesar’s.”25 Sot he said to them, “Then give to Caesar the things that are Caesar’s, and to God the things that are God’s.”s
26 Thust they were unable in the presence of the people to trapt him with his own words.t And stunnedt by his answer, they fell silent.
Marriage and the Resurrection
27 Now some Sadduceess (who contend that there is no resurrection)s came to him.28 They asked him,t “Teacher, Moses wrote for us that if a man’s brother dies leaving a wife but no children, that mantmust marrytthe widow and father childrentfor his brother.s29 Now there were seven brothers. The first one married a womant and died without children.30 The seconds31 and then the third married her, and in this same way all seven died, leaving no children.32 Finally the woman died too.
33 In the resurrection, therefore, whose wife will the woman be?s For all seven had married her.”t
34 Sot Jesus said to them, “The people of this aget marry and are given in marriage.35 But those who are regarded as worthy to share int that age and in the resurrection from the dead neither marry nor are given in marriage.s36 In fact, they can no longer die, because they are equal to angelss and are sons of God, since they aret sonst of the resurrection.37 But even Moses revealed that the dead are raisedt in the passage about the bush,s where he calls the Lord the God of Abraham and the God of Isaac and the God of Jacob.s38 Now he is not God of the dead, but of the living,s for all live before him.”t39 Thent some of the experts in the lawt answered, “Teacher, you have spoken well!”s
40 For they did not dare any longer to asks him anything.
The Messiah: David’s Son and Lord
41 Buts he said to them, “How is it that they say that the Christts is David’s son?s
42 For David himself says in the book of Psalms,
‘The Lord said to myslord,
“Sit at my right hand,
43 until I make your enemies a footstool for your feet.”’s
44 If David then calls him ‘Lord,’ how can he be his son?”t
Jesus Warns the Disciples against Pride
45 Ast all the people were listening, Jesust said to his disciples,46 “Bewaret of the experts in the law.t Theyt like walking around in long robes, and they love elaborate greetingss in the marketplaces and the best seatss in the synagoguess and the places of honor at banquets.
47 Theyt devours widows’ property,t and as a show make long prayers. They will receive a more severe punishment.”