previous next

RUKA 21

Chipo cheChirikadzi

1 Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi.2 Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira.3 Akati kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, “Chirikadzi iyi, murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose.

4 Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose zvaanga achararama nazvo.”

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira
5 Vamwe vadzidzi vake vakanga vachitaura pamusoro pamashongedzerwo akanga akaitwa temberi namatombo akanaka uye nezvipo zvakanga zvakumikidzwa kuna Mwari. Asi Jesu akati,6 “Zvamuoona pano izvi, nguva ichasvika yokuti ibwe rimwe haringaregwi riri pamusoro perimwe; rimwe nerimwe rawo richarasirwa pasi.”
7 Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, zvinhu izvi zvichaitika rinhiko? Uye chiratidzo chichava chipi chokuti izvozvo zvava kuzoitika?”
8 Akapindura akati, “Chenjererai kuti murege kunyengerwa. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti ivo, ‘Ndini iye,’ uye ‘Nguva yava pedyo.’ Musavatevera.9 Kana mukanzwa zvehondo uye nokumukirana, musavhundutswa. Zvinhu izvozvi zvinofanira kutanga kuitika, asi kuguma hakuzosviki pakarepo.”
10 Ipapo akati kwavari, “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira humwe umambo.11 Kuchava nokudengenyeka kukuru, nzara nehosha kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye zvinhu zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.
12 “Asi izvi zvose zvisati zvaitika, vachakubatai vagokutambudzai. Vachakuisai kumasinagoge nokumatorongo uye muchamiswa pamberi pamadzimambo navabati, uye zvose nokuda kwezita rangu.13 Izvi zvichaita kuti imi muve zvapupu kwavari.14 Asi shingai mundangariro dzenyu, musatanga kufunganya kuti muchazvidzivirira sei.15 Nokuti ndichakupai mashoko nouchenjeri zvokuti hakuna munhu pavavengi venyu achagona kuzviramba kana kuzvipikisa.16 Muchapandukirwa kunyange navabereki venyu, vanun’una, hama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.17 Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu.18 Asi hapana bvudzi romusoro wenyu richaparara.19 Nokutsungirira kwenyu, muchawana upenyu.
20 “Pamunoona Jerusarema rakombwa nehondo, muchaziva kuti kuparadzwa kwaro kwava pedyo.21 Ipapo vaya vari muJudhea ngavatizire kumakomo, vari muguta ngavabude, uye vari muruwa ngavarege kupinda muguta.22 Nokuti iyi ndiyo nguva yokurangwa kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.23 Haiwa, zvichatyisa seiko mumazuva iwayo kumadzimai ane mimba navanoyamwisa! Kuchava nenhamo huru munyika nokutsamwa pamusoro porudzi urwu.24 Vachaurayiwa nomunondo uye vachaitwa vasungwa kundudzi dzose. Jerusarema richatsikwa navaHedheni kusvikira nguva dzavaHedheni dzazadziswa.
25 “Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa.26 Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti hondo dzokudenga dzichazungunuswa.27 Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru.28 Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.”
29 Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose.30 Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo.31 Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.
32 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika.33 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34 “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira.35 Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose.36 Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.”
37 Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi,

38 uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.

Luke 21

The Widow’s Offering

1 Jesust looked upt and saw the rich putting their gifts into the offering box.tss2 He also saw a poor widow put in two small copper coins.s3 Het said, “I tell you the truth,t this poor widow has put in more than all of them.s

4 For they all offered their gifts out of their wealth.t But she, out of her poverty, put in everything she had to live on.”t

The Signs of the End of the Age

5 Nowt while some were speaking about the temple, how it was adorneds with beautiful stones and offerings,t Jesust said,6 “As for these things that you are gazing at, the days will come when not one stone will be left on another.s All will be torn down!”t7 Sot they asked him,t “Teacher, when will these thingss happen? And what will be the sign thatt these things are about to take place?”8 Het said, “Watch outt that you are not misled. For many will come in my name, saying, ‘I am he,’t and, ‘The time is near.’ Do not follow them!

9 And when you hear of wars and rebellions,t do not be afraid.t For these things must happen first, but the end will not come at once.”s

Persecution of Disciples

10 Then he said to them, “Nation will rise up in armst against nation, and kingdom against kingdom.11 There will be great earthquakes, and faminess and plagues in various places, and there will be terrifying sightst and great signss from heaven.12 But before all this,s they will seizet you and persecute you, handing you over to the synagoguess and prisons. Yout will be brought before kings and governors because of my name.13 This will be a time for you to serve as witnesses.t14 Therefore be resolvedt not to rehearset ahead of time how to make your defense.15 For I will give you the wordst along with the wisdomt that none of your adversaries will be able to withstand or contradict.16 You will be betrayed even by parents,s brothers, relatives,t and friends, and they will have some of you put to death.17 You will be hated by everyone because of my name.s18 Yett not a hair of your head will perish.s

19 By your endurances you will gains your lives.t

The Desolation of Jerusalem

20 “But when you see Jerusalems surroundeds by armies, then know that itst desolations has come near.21 Then those who are in Judea must flees to the mountains. Thoset who are inside the city must depart. Thoset who are out in the country must not enter it,22 because these are days of vengeance,t to fulfillt all that is written.23 Woe to those who are pregnant and to those who are nursing their babies in those days! For there will be great distresss on the earth and wrath against this people.

24 Theyt will fall by the edget of the sword and be led away as captivess among all nations. Jerusalemt will be trampled down by the Gentiles until the times of the Gentiles are fulfilled.s

The Arrival of the Son of Man

25 “And there will be signs in the sun and moon and stars,s and on the earth nations will be in distress,t anxioust over the roaring of the sea and the surging waves.26 People will be fainting from feart and from the expectation of what is coming on the world, for the powers of the heavens will be shaken.s27 Thent they will see the Son of Manarriving in a clouds with power and great glory.

28 But when these thingss begin to happen, stand up and raise your heads, because your redemptions is drawing near.”

The Parable of the Fig Tree

29 Thent he told them a parable: “Look at the fig tree and all the other trees.t30 When they sprout leaves, you seet for yourselves and know that summer is now near.31 So also you, when you see these things happening, knowt that the kingdom of Gods is near.32 I tell you the truth,t this generations will not pass away until all these things take place.

33 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away.s

Be Ready!

34 “But be on your guardts so that your hearts are not weighed down with dissipation and drunkenness and the worries of this life, and that day close down upon you suddenly like a trap.s35 Fort it will overtaket all who live on the face of the whole earth.s

36 But stay alert at all times,s praying that you may have strength to escape all these things that mustt happen, and to stand before the Son of Man.”
37 Sot every day Jesust was teaching in the temple courts,t but at night he went and stayedt on the Mount of Olives.ts

38 And all the peoples came to him early in the morning to listen to him in the temple courts.st