previous next

RUKA 22

Judhasi anopandukira Jesu

1 Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,2 uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.3 Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.4 Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.5 Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.

6 Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.

Chirariro Chokupedzisira
7 Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.8 Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.”
9 Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”
10 Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,11 mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’12 Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”
13 Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.
14 Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.15 Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.16 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”
17 Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.18 Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”
19 Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”
20 Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.21 Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.22 Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”23 Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pavari angaita chinhu ichi.
24 Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.25 Jesu akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.26 Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.27 Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.28 Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.29 Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,30 kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.
31 “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.32 Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”
33 Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”
34 Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”
35 Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”
Ivo vakati, “Hapana.”
36 Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.37 Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadzisika.”

38 Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”
Akapindura akati, “Zvaringana.”

Jesu anonyengetera paGomo reMiorivhi
39 Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.40 Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.41 Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,42 “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu,asi kuda kwenyu kuitwe.”43 Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.44 Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.
45 Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.46 Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”
Kusungwa kwaJesu
47 Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,48 asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”
49 Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”50 Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.
51 Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
52 Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?53 Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”
Petro anoramba Jesu
54 Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.55 Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.56 Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan’anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”
57 Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”
58 Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”
Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”
59 Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”
60 Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!”
Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.
61 Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”62 Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
Varindi vanoseka Jesu
63 Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.64 Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65 uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

Jesu pamberi paPirato naHerodhi
66 Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.67 Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”
Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,
68 uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.69 Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”
70 Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71 Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

Luke 22

Judas’ Decision to Betray Jesus

1 Now the Feast of Unleavened Bread,s which is called the Passover, was approaching.

2 Thet chief priests and the experts in the lawt were trying to find some wayt to executet Jesus,t for they were afraid of the people.s
3 Thent Satans entered Judas, the one called Iscariot, who was one of the twelve.t4 He went away and discussed with the chief priests and officers of the temple guardt how he mightt betray Jesus,t handing him over to them.t5 Theyt were delighteds and arranged to give him money.s

6 Sot Judast agreed and began looking for an opportunity to betray Jesust when no crowd was present.ts

The Passover

7 Then the day for the feastt of Unleavened Bread came, on which the Passover lamb had to be sacrificed.s8 Jesust sent Peter and John, saying, “Go and prepare the Passovers for us to eat.”t9 Theyt said to him, “Where do you want us to preparet it?”10 He said to them, “Listen,t when you have entered the city, a man carrying a jar of waters will meet you.s Follow him into the house that he enters,11 and tell the owner of the house,t ‘The Teacher says to you, “Where is the guest room where I may eat the Passover with my disciples?”’12 Then he will show you a large furnished room upstairs. Make preparations there.”

13 Sot they went and found thingst just as he had told them,s and they prepared the Passover.

The Lord’s Supper

14 Nowt when the hour came, Jesust took his place at the tablet and the apostles joinedt him.15 And he said to them, “I have earnestly desiredt to eat this Passover with you before I suffer.16 For I tell you, I will not eat it againt until it is fulfilleds in the kingdom of God.”s17 Thent he took a cup,s and after giving thanks he said, “Take this and divide it among yourselves.18 For I tell you that from now on I will not drink of the fruitt of the vine until the kingdom of God comes.”s19 Thent he took bread, and after giving thanks he broke it and gave it to them, saying, “This is my bodys which is given for you.s Do this in remembrance of me.”

20 And in the same way he tookt the cup after they had eaten,t saying, “This cup that is poured out for you is the new covenants in my blood.

A Final Discourse

21 “But look, the hand of the one who betrayss me is with me on the table.s22 For the Son of Man is to go just as it has been determined,s but woe to that man by whom he is betrayed!”

23 Sot they began to question one another as to which of them it could possibly be who would do this.
24 A dispute also startedt among them over which of them was to be regarded as the greatest.t25 Sot Jesust said to them, “The kings of the Gentiles lord it over them, and those in authority over them are called ‘benefactors.’s26 Not so with you;t instead the one who is greatest among you must become like the youngest, and the leadert like the one who serves.s

27 For who is greater, the one who is seated at the table,t or the one who serves? Is it nott the one who is seated at the table? But I am among you as ones who serves.
28 “You are the ones who have remainedt with me in my trials.29 Thust I grants to you a kingdom,t just as my Father granted to me,

30 that you may eat and drink at my table in my kingdom, and you will sitt on thrones judgings the twelve tribes of Israel.
31 “Simon,s Simon, pay attention!t Satan has demanded to have you all,s to sift you like wheat,s32 but I have prayed for you, Simon,s that your faith may not fail.s Whent you have turned back,t strengthens your brothers.”33 But Petert said to him, “Lord, I am ready to go with you both to prison and to death!”s

34 Jesus replied,t “I tell you, Peter, the rooster will not crows today until you have denieds three times that you know me.”
35 Thent Jesust said to them, “When I sent you out with no money bag,t or traveler’s bag,t or sandals, you didn’t lacks anything, did you?” They replied,t “Nothing.”36 He said to them, “But now, the one whot has a money bag must take it, and likewise a traveler’s bagt too. And the one who has no sword must sell his cloak and buy one.37 For I tell you that this scripture must bes fulfilled in me, ‘And he was counted with the transgressors.’ts For what is written about me is being fulfilled.”t

38 Sot they said, “Look, Lord, here are two swords.”s Then he told them, “It is enough.”s

On the Mount of Olives

39 Thent Jesust went out and made his way,t as he customarily did, to the Mount of Olives,s and the disciples followed him.40 When he came to the place,s he said to them, “Pray that you will not fall into temptation.”s41 He went away from them about a stone’s throw, knelt down, and prayed,42 “Father, if you are willing, taket this cups away from me. Yet not my will but yourss be done.”43 Then an angel from heaven appeared to him and strengthened him.44 And in his anguisht he prayed more earnestly, and his sweat was like drops of blood falling to the ground.]sss45 Whent he got up from prayer, he came to the disciples and found them sleeping, exhaustedt from grief.

46 Sot he said to them, “Why are you sleeping? Get up and pray that you will not fall into temptation!”s

Betrayal and Arrest

47 While he was still speaking, suddenly a crowd appeared,t and the man named Judas, one of the twelve, was leading them. He walked upt to Jesus to kiss him.s48 But Jesus said to him, “Judas, would you betray the Son of Man with a kiss?”s49 Whent those who were around him saw what was about to happen, they said, “Lord, shouldt we use our swords?”s50 Thent one of thems struck the high priest’s slave,t cutting off his right ear.51 But Jesus said,t “Enough of this!” And he touched the man’st ear and healeds him.52 Thent Jesus said to the chief priests, the officers of the temple guard,t and the elders who had come out to get him, “Have you come out with swords and clubs like you would against an outlaw?t

53 Day after day when I was with you in the temple courts,t you did not arrest me.t But this is your hour,t and that of the powert of darkness!”

Jesus’ Condemnation and Peter’s Denials

54 Thent they arrestedt Jesus,t led him away, and brought him into the high priest’s house.s But Peter was following at a distance.55 When they had made a fire in the middle of the courtyard and sat down together, Peter sat down among them.56 Then a slave girl,t seeing him as he sat in the firelight, stared at him and said, “This man was with him too!”57 But Petert denied it: “Woman,s I don’t knows him!”58 Thent a little later someone elses saw him and said, “You are one of them too.” But Peter said, “Man,t I am not!”59 And after about an hour still another insisted,t “Certainly this man was with him, because he too is a Galilean.”s60 But Peter said, “Man, I don’t know what you’re talking about!” At that moment,t while he was still speaking, a rooster crowed.t61 Thent the Lord turned and looked straight at Peter, and Peter remembered the word of the Lord,t how he had said to him, “Before a rooster crows today, you will deny me three times.”

62 And he went outside and wept bitterly.s
63 Nowt the men who were holding Jesust under guard began to mock him and beat him.64 Theyt blindfolded him and asked him repeatedly,t “Prophesy! Who hit you?”ts

65 They also said many other things against him, revilingt him.
66 When day came, the council of the elders of the people gathered together, both the chief priests and the experts in the law.t Thent they led Jesust away to their councils67 and said, “Ift you are the Christ,ts tell us.” But he said to them, “Ift I tell you, you will nott believe,68 and ift I ask you, you will nott answer.69 But from now onsthe Son of Man will be seated at the right hands of the powers of God.”70 Sot they all said, “Are you the Son of God,s then?” He answeredt them, “You says that I am.”

71 Thent they said, “Why do we need further testimony? We have heard it ourselvess from his own lips!”t