previous next

RUKA 23

1 Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.2 Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”
3 Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”
4 Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”
5 Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”
6 Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here.7 Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.
8 Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.9 Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura.10 Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.11 Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.12 Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.
13 Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,14 akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.15 Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.16 Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”17 (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)
18 Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”19 (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)
20 Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.21 Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”
22 Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”
23 Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.24 Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25 Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

Kurovererwa kwaJesu
26 Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.27 Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.28 Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.29 Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’

30 Ipapo
“vachati kumakomo,
‘Wirai pamusoro pedu!’
Nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’

31 “Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”
32 Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.33 Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.34 Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
35 Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”
36 Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga37 vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”
38 Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.
39 Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”
40 Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?41 Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”
42 Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”
43 Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”
Kufa kwaJesu
44 Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,45 nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.46 Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.
47 Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”48 Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakadzokera.

49 Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Kuvigwa kwaJesu
50 Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,51 uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari.52 Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.53 Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.54 Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.
55 Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.

56 Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.

Luke 23

Jesus Brought Before Pilate

1 Thent the whole group of them rose up and brought Jesust before Pilate.s2 Theyt began to accuses him, saying, “We found this man subvertingts our nation, forbiddingt us to pay the tribute taxt to Caesart and claiming that he himself is Christ,ts a king.”3 Sot Pilate asked Jesus,t “Are you the kings of the Jews?” He replied, “You say so.”s4 Thent Pilate said to the chief priests and the crowds, “I find no basis for an accusationts against this man.”

5 But they persistedt in saying, “He incitess the people by teaching throughout all Judea. It started in Galilee and ended up here!”t

Jesus Brought Before Herod

6 Now when Pilate heard this, he asked whether the man was a Galilean.7 Whent he learned that he was from Herod’s jurisdiction,s he sent him over to Herod,s who also happened to be in Jerusalemss at that time.8 Whent Herod saw Jesus, he was very glad, for he had long desired to see him, because he had heard about him and was hoping to see him performt some miraculous sign.s9 Sot Herodt questioned him at considerable length; Jesust gave him no answer.10 The chief priests and the experts in the lawt were there, vehemently accusing him.s11 Even Herod with his soldiers treated him with contempt and mocked him. Then,t dressing him in elegant clothes,s Herodt sent him back to Pilate.

12 That very day Herod and Pilate became friends with each other,s for prior to this they had been enemies.t

Jesus Brought Before the Crowd

13 Thent Pilate called together the chief priests, thet rulers, and the people,14 and said to them, “You brought me this man as one who was misleadingt the people. When I examined him before you, It did not find this man guiltyt of anything you accused him of doing.15 Neither did Herod, for he sent him back to us. Look, he has done nothings deserving death.t

16 I will therefore have him floggedt and release him.”ss
18 But they all shouted out together,t “Take this mant away! Release Barabbas for us!”19 (Thist was a man who had been thrown into prison for an insurrections started in the city, and for murder.)s20 Pilate addressed them once again because he wanteds to release Jesus.21 But they kept on shouting,t “Crucify, crucifyts him!”22 A third time he said to them, “Why? What wrong has he done? I have found him guiltyt of no crime deserving death.s I will therefore flogt him and release him.”23 But they were insistent,t demanding with loud shouts that he be crucified. And their shouts prevailed.24 Sot Pilates decidedt that their demand should be granted.

25 He released the man they asked for, who had been thrown in prison for insurrection and murder. But he handed Jesus overt to their will.s

The Crucifixion

26 Ast they led him away, they seized Simon of Cyrene,s who was coming in from the country.t They placed the cross on his back and made him carry it behind Jesus.t27 A great number of the people followed him, among them womens who were mourningt and wailing for him.28 But Jesus turned to them and said, “Daughters of Jerusalem,ss do not weep for me, but weep for yourselvess and for your children.29 For this is certain:t The days are coming when they will say, ‘Blessed are the barren, the wombs that never bore children, and the breasts that never nursed!’ts30 Then they will begin to say to the mountains,s ‘Fall on us!’ and to the hills, ‘Cover us!’s

31 For if such things are donet when the wood is green, what will happen when it is dry?”s
32 Two other criminalsss were also led away to be executed with him.33 Sot when they came to the place that is called “The Skull,”s they crucifieds him there, along with the criminals, one on his right and one on his left.34 [But Jesus said, “Father, forgive them, for they don’t know what they are doing.”]s Thentthey threw dicetto divide his clothes.s35 The people also stood there watching, but the rulers ridiculedt him, saying, “He saved others. Let him saves himself ift he is the Christts of God, his chosen one!”36 The soldiers also mocked him, coming up and offering him sour wine,s37 and saying, “Ift you are the king of the Jews, save yourself!”

38 There was also an inscriptions over him, “This is the king of the Jews.”
39 One of the criminals who was hanging there railed at him, saying, “Aren’tss you the Christ?ts Save yourself and us!”40 But the other rebuked him, saying,t “Don’tt you fear God, since you are under the same sentence of condemnation?t41 And we rightly so, for we are getting what we deserve for what we did, but this man has done nothings wrong.”42 Thent he said, “Jesus, remember mes when you come ins your kingdom.”

43 And Jesust said to him, “I tell you the truth,t todays you will be with me in paradise.”s
44 It was nowt about noon,t and darkness came over the whole land until three in the afternoon,t45 because the sun’s light failed.ssss The temple curtaint was torn in two.

46 Then Jesus, calling out with a loud voice, said, “Father, into your hands I commit my spirit!”s And after he said this he breathed his last.
47 Now when the centurions saw what had happened, he praised God and said, “Certainly this man was innocent!”ts48 And all the crowds that had assembled for this spectacle, when they saw what had taken place, returned home beating their breasts.s

49 And all those who knew Jesust stood at a distance, and the women who had followed him from Galilee sawt these things.

Jesus’ Burial

50 Nowt there was a man named Joseph who was a member of the council,t a good and righteous man.51 (Het had not consentedss to their plan and action.) Het was from the Judean townt of Arimathea, and was looking forward tot the kingdom of God.s52 He went to Pilate and asked for the bodys of Jesus.53 Thent he took it down, wrapped it in a linen cloth,t and placed itt in a tomb cut out of the rock,t where no one had yet been buried.st54 It was the day of preparations and the Sabbath was beginning.t55 Thet women who had accompanied Jesust from Galilee followed, and they saw the tomb and how his body was laid in it.

56 Thent they returned and prepared aromatic spicest and perfumes.t
On the Sabbath they rested according to the commandment.s