previous next

RUKA 6

Ishe weSabata

1 Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.2 Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?”
3 Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?4 Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”5 Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
6 Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara.7 VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata.8 Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.
9 Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”
10 Akatarisa kwavari vose, ipapo akati kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukavandudzwa kwazvo.

11 Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.

Vapostori Gumi naVaviri
12 Nerimwe ramazuva iwayo, Jesu akabuda akaenda kugomo kuti andonyengetera, uye akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Mwari.13 Fume mangwana, akadana vadzidzi vake akasarudza gumi navaviri pakati pavo, avo vaakatumidza kuti vapostori:14 Simoni (uyo waakatumidza kuti Petro), munun’una wake Andirea, Jakobho, Johani, Firipi, Bhatoromeo,15 Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Simoni ainzi muZeroti,

16 Judhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskarioti, uyo akazova mupanduki.

Maropafadzo neNhamo
17 Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,18 vakanga vauya kuzomunzwa uye kuti vazoporeswa pahosha dzavo. Vaya vakanga vachimanikidzwa nemweya yakaipa vakaporeswa,19 uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.
20 Akatarira kuvadzidzi, akati:
“Makaropafadzwa imi varombo,
nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21 Makaropafadzwa imi vane nzara zvino,
nokuti muchaguta.
Makaropafadzwa imi vanochema zvino,
nokuti muchaseka.
22 Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai,
vachiramba zita renyu serakaipa,
nokuda kwoMwanakomana woMunhu.
23 “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.
24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,
nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.
25 “Mune nhamo imi makaguta zvino,
nokuti muchanzwa nzara.
Mune nhamo imi vanoseka zvino,
Nokuti muchaungudza uye muchachema.

26 Mune nhamo imi kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu,
nokuti madzibaba avo akaitira vaprofita venhema zvakadaro.

Idai vavengi venyu
27 “Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai,28 ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.29 Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati.30 Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.31 Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
32 “Kana uchida vaya vanokuda, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange navatadzi vanoda avo vanovada.33 Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.34 Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.35 Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.

36 Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.

Kutonga vamwe
37 “Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye imi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye imi muchazoregererwawo.38 Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
39 Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here?40 Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake.
41 “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako?

42 Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako.

Muti nomuchero wawo
43 “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.44 Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.

45 Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi
46 “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?47 Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.48 Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.

49 Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”

Luke 6

Lord of the Sabbath

1 Jesust was going through the grain fields ont a Sabbath,s and his disciples picked some heads of wheat,t rubbed them in their hands, and ate them.t2 But some of the Phariseess said, “Why are yout doing what is against the laws on the Sabbath?”3 Jesust answered them,t “Haven’t you read what David did when he and his companions were hungry –4 how he entered the house of God, tookt and ate the sacred bread,ts which is not lawfuls for any to eat but the priests alone, ands gave it to his companions?”ss

5 Thent he said to them, “The Son of Man is lordts of the Sabbath.”

Healing a Withered Hand

6 Ont another Sabbath, Jesust entered the synagogues and was teaching. Nowt a man was there whose right hand was withered.ts7 The experts in the lawt and the Phariseess watcheds Jesust closely to see ift he would heal on the Sabbath,s so that they could find a reason to accuse him.8 Butt he knews their thoughts,t and said to the man who had the withered hand, “Get up and stand here.”s Sot he rose and stood there.9 Thent Jesus said to them, “I ask you,s is it lawful to do good on the Sabbath or to do evil, to save a life or to destroy it?”10 Aftert looking aroundt at them all, he said to the man,t “Stretch out your hand.” The mant did so, and his hand was restored.s

11 But they were filled with mindless raget and began debating with one another what they would dot to Jesus.

Choosing the Twelve Apostles

12 Nowt it was during this time that Jesust went out to the mountaints to pray, and he spent all nights in prayer to God.t13 Whent morning came, he called his disciples and chose twelve of them, whom he also named apostles:s14 Simons (whom he named Peter), and his brother Andrew; and James, John, Philip, Bartholomew,s15 Matthew, Thomas,s James the son of Alphaeus, Simon who was called the Zealot,s

16 Judas the son of James, and Judas Iscariot,s who became a traitor.

The Sermon on the Plain

17 Thent he came down with them and stood on a level place.t And a large numbert of his disciples had gatheredtt along witht a vast multitude from all over Judea, fromt Jerusalem,s and from the seacoast of Tyres and Sidon.ss They came to hear him and to be healeds of their diseases,18 and those who suffered fromt uncleans spirits were cured.

19 Thet whole crowd was trying to touch him, because powers was coming out from him and healing them all.

20 Thent he looked upt at his disciples and said:
“Blesseds are you who are poor,s for the kingdom of God belongss to you.

21 “Blessed are you who hungers now, for you will be satisfied.s
“Blessed are you who weep now, for you will laugh.s
22 “Blessed are you when peoplet hate you, and when they exclude you and insult you and reject you as evilts on account of the Son of Man!

23 Rejoice in that day, and jump for joy, becauset your reward is great in heaven. For their ancestorst did the same things to the prophets.s

24 “But woes to you who are rich, for you have receiveds your comfortt already.

25 “Woe to you who are well satisfied with foodt now, for you will be hungry.
“Woe to yous who laughs now, for you will mourn and weep.

26 “Woe to yous when all peoplet speak well of you, for their ancestorst did the same things to the false prophets.
27 “But I say to you who are listening: Love your enemies,s do good to those who hate you,28 bless those who curse you, pray for those who mistreatt you.29 To the person who strikes you on the cheek,s offer the other as well,s and from the person who takes away your coat,t do not withhold your tunict either.s30 Give to everyone who asks you,s and do not ask for your possessionst backs from the person who takes them away.

31 Treat otherst in the same way that you would want them to treat you.s
32 “Ift you love those who love you, what credit is that to you? For even sinnerss love those who love them.s33 Ands if you do good to those who do good to you, what credit is that to you? Evens sinnerss do the same.34 And if you lend to those from whom you hope to be repaid,t what credit is that to you? Even sinnerss lend to sinners, so that they may be repaid in full.t35 But love your enemies, and do good, and lend, expecting nothing back.t Thent your reward will be great, and you will be sonss of the Most High,s because he is kind to ungrateful and evil people.t

36 Be merciful,s just as your Father is merciful.

Do Not Judge Others

37 “Dot not judge,s and you will not be judged;s do not condemn, and you will not be condemned; forgive,s and you will be forgiven.

38 Give, and it will be given to you: A good measure, pressed down, shaken together, running over,s will be pouredt into your lap. For the measure you use will be the measure you receive.”t
39 He also told them a parable: “Someone who is blind cannot lead another who is blind, can he?t Won’t they both falls into a pit?40 A disciplet is not greater thant his teacher, but everyone when fully trained will be like his teacher.41 Whyt do you see the specks in your brother’s eye, but fail to seet the beam of woods in your own?

42 How can you say to your brother, ‘Brother, let me remove the speck from your eye,’ while you yourself don’t see the beam in your own? You hypocrite! First remove the beam from your own eye, and then you can see clearly to remove the speck from your brother’s eye.
43 “Fort no good tree bears badt fruit, nor agains does a bad tree bear good fruit,44 for each tree is knowns by its own fruit. For figs are not gatheredt from thorns, nor are grapes pickedt from brambles.ts

45 The good person out of the good treasury of hist hearts produces good, and the evil person out of his evil treasuryt produces evil, for his mouth speakss from what fillst his heart.

46 “Whyt do you call me ‘Lord, Lord,’t and don’t do what I tell you?s
47 “Everyone who comes to me and listens to my words and puts them into practicet – I will show you what he is like:48 He is like a mant building a house, who dug down deep,t and laid the foundation on bedrock. Whent a flood came, the rivers burst against that house butt could not shake it, because it had been well built.s

49 But the person who hears and does not put my words into practicet is like a man who built a house on the ground without a foundation. Whent the river burst against that house,t it collapsed immediately, and was utterly destroyed!”ts