previous next

RUKA 7

Kutenda kwoMukuru weZana

1 Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume.2 Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, uyo aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa.3 Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake.4 Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Munhu uyu akafanira kuti mumuitire izvi,5 nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.”
6 Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzindoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu.7 Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, ipapo muranda wangu achapora.8 Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.”
9 Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.”

10 Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora.

Jesu anomutsa Mwanakomana weChirikadzi
11 Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.12 Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.13 Ishe akati achimuona, mwoyo wake wakamunzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.”
14 Ipapo akaswederako akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Iye akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!”15 Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake.
16 Vose vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.”

17 Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza.

Nhume dzakabva kuna Johani Mubhabhatidzi
18 Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo,19 akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?”
20 Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’”
21 Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, hosha nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu.22 Saka akapindura nhume akati, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo.23 Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.”
24 Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?25 Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda.26 Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uye anokunda muprofita.

27 Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi:

“‘Ndichatuma munyai wangu pamberi pako,
uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’
28 Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
29 Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani.30 Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani.
31 “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko?

32 Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti:

“ ‘Takakuridzirai hwamanda,
asi hamuna kutamba;
takaimba rwiyo rworufu,
uye hamuna kuchema.’

33 “Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’34 Mwanakomana Womunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi navatadzi.’

35 Asi uchenjeri hunoruramisa navana vahwo vose.”

Jesu anozodzwa mafuta noMukadzi Mutadzi
36 Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye.37 Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri,38 uye paakanga akamira shure kwake patsoka dzake achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuwira.
39 Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aiziva kuti amubata ndiani uye kuti mukadzi uyu akaita sei, uye kuti mutadzi.”
40 Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.”
Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.”
41 “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.42 Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?”
43 Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.”
Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”
44 Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.45 Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.46 Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuwira patsoka dzangu.47 Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
48 Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.”
49 Vamwe vakanga vakokwa vakatanga pakati pavo kuti, “Ndianiko anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”

50 Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”

Luke 7

Healing the Centurion’s Slave

1 After Jesust had finished teaching all this to the people,t he entered Capernaum.ss2 A centurions theret had a slavet who was highly regarded,t but who was sick and at the point of death.3 When the centuriont heardt about Jesus, he sent some Jewish elderss to him, asking him to comet and heal his slave.4 Whent they camet to Jesus, they urgedt him earnestly,t “He is worthyt to have you do this for him,5 because he loves our nation,t and event built our synagogue.”s6 Sot Jesus went with them. Whent he was not far from the house, the centurions sent friends to say to him, “Lord, do not trouble yourself,t for I am not worthys to have you come under my roof.7 That is whyt I did not presumet to come to you. Instead, say the word, and my servant must be healed.st8 For I too am a man set under authority, with soldiers under me.t I say to this one, ‘Go,’ and he goes,s and to another, ‘Come,’ and he comes, and to my slave, ‘Do this,’ and he does it.”t9 When Jesus heard this, he was amazedt at him. He turned and said to the crowd that followed him, “I tell you, not even in Israel have I found such faith!”s

10 Sot when those who had been sent returned to the house, they found the slaves well.

Raising a Widow’s Son

11 Soont afterwards Jesust went to a townt called Nain, and his disciples and a large crowd went with him.12 As he approached the town gate, a mant who had died was being carried out,t the only son of his mother (whot was a widows), and a large crowd from the townt was with her.13 Whent the Lord saw her, he had compassions for her and said to her, “Do not weep.”t14 Thent he came upt and toucheds the bier,s and those who carried it stood still. Het said, “Young man, I say to you, get up!”15 Sot the dead mant sat up and began to speak, and Jesust gave him backt to his mother.16 Feart seized them all, and they began to glorifyt God, saying, “A great prophets has appearedt among us!” and “God has come to helpt his people!”

17 Thist reports about Jesust circulatedt throughoutt Judea and all the surrounding country.

Jesus and John the Baptist

18 John’st disciples informed him about all these things. Sot John calledt two of his disciples19 and sent them to Jesuss to ask,t “Are you the one who is to come,s or should we look for another?”20 Whent the men came to Jesus,t they said, “John the Baptist has sent us to you to ask,t ‘Are you the one who is to come, or should we look for another?’”t21 At that very timet Jesust cured many people of diseases, sicknesses,t and evil spirits, and grantedt sight to many who were blind.22 Sot he answered them,t “Go tells John what you have seen and heard:s The blind see, the lame walk, lepers are cleansed, thet deaf hear, the dead are raised, the poor have good news proclaimed to them.

23 Blessed is anyonet who takes no offense at me.”
24 Whent John’s messengers had gone, Jesust began to speak to the crowds about John: “What did you go out into the wildernesst to see? A reed shaken by the wind?t25 Whatt did you go out to see? A man dressed in fancyt clothes?s Look, those who wear fancy clothes and live in luxuryt are in kings’ courts!t26 What did you go out to see? A prophet? Yes, I tell you, and moret than a prophet.27 This is the one about whom it is written, ‘Look, I am sending my messenger ahead of you,twho will prepare your way before you.’s28 I tell you, among those born of women no one is greaters than John.s Yet the one who is leasts in the kingdom of Gods is greater than he is.”29 (Nowt all the people who heard this, even the tax collectors,s acknowledgedt God’s justice, because they had been baptizedt with John’s baptism.

30 However, the Phariseess and the experts in religious lawt rejected God’s purposet for themselves, because they had not been baptizedt by John.t)s
31 “To what then should I compare the peoplet of this generation, and what are they like?

32 They are like children sitting in the marketplace and calling out to one another,t
‘We played the flute for you, yet you did not dance;s
we wailed in mourning,t yet you did not weep.’
33 For John the Baptist has comet eating no bread and drinking no wine,t and you say, ‘He has a demon!’s34 The Son of Man has come eating and drinking, and you say, ‘Look at him,t a glutton and a drunk, a friend of tax collectors and sinners!’s

35 But wisdom is vindicatedt by all her children.”t

Jesus’ Anointing

36 Now one of the Phariseess asked Jesust to have dinner with him, sot he went into the Pharisee’s house and took his place at the table.t37 Thent when a woman of that town, who was a sinner, learned that Jesust was diningt at the Pharisee’s house, she brought an alabaster jars of perfumed oil.ts38 Ast she stoodt behind him at his feet, weeping, she began to wet his feet with her tears. Shet wiped them with her hair,t kissedt them,t and anointeds them with the perfumed oil.39 Now when the Pharisee who had invited him saw this,t he said to himself, “If this man were a prophet,t he would know who and what kind of womans this is who is touching him, that she is a sinner.”40 Sot Jesus answered him,ts “Simon, I have something to say to you.” He replied,t “Say it, Teacher.”41 “A certain creditors had two debtors; one owed himt five hundred silver coins,ts and the other fifty.42 When they could not pay, he canceledt the debts of both. Now which of them will love him more?”43 Simon answered,t “I suppose the one who had the bigger debt canceled.”t Jesust said to him, “You have judged rightly.”44 Then,t turning toward the woman, he said to Simon, “Do you see this woman? I entered your house. You gave me no water for my feet,s but she has wet my feet with her tears and wiped them with her hair.45 You gave me no kiss of greeting,t but from the time I entered she has not stopped kissing my feet.46 You did not anoint my head with oil, but she has anointed my feets with perfumed oil.47 Therefore I tell you, her sins, which were many, are forgiven, thus she loved much;ts but the one who is forgiven little loves little.”48 Thent Jesust said to her, “Your sins are forgiven.”s49 Butt those who were at the tablet with him began to say among themselves, “Who is this, who even forgives sins?”

50 Het said to the woman, “Your faiths has saved you;s go in peace.”