RUKA 8
Mufananidzo woMukushi
1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta memisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navavari vakanga vanaye,2 uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari,3 Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo.
4 Ungano huru yakati yakaungana uye vanhu vakanga vachibva kumaguta namaguta vakauya kuna Jesu, ipapo akavataurira mufananidzo uyu:5 “Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. Paakanga achikusha mbeu, imwe yakawira munzira, ikatsikwa-tsikwa uye shiri dzedenga dzikaidya.6 Imwe yakawira parukangarahwe, uye payakamera, yakasvava nokuti pakanga pasina unyoro.7 Imwe mbeu yakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura pamwe chete nayo ikavhunga.8 Asi imwe mbeu yakawira pavhu rakanaka. Yakamera ikabereka zvibereko, zvakapetwa kazana pane zvakanga zvadyarwa.”
Akati ataura izvi, akadanidzira akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
9 Vadzidzi vake vakamubvunza kuti mufananidzo uyu wairevei.
10 Iye akati, “Kuziva zvakavanzika zvoumambo hwaMwari kwakapiwa kwamuri, asi kuna vamwe, ndinotaura nomufananidzo kuitira kuti,
“‘kunyange vachitarira, varege kuona;
kunyange vachinzwa, varege kunzwisisa.’
11 “Izvi ndizvo zvinoreva mufananidzo: Mbeu ndiro shoko raMwari.12 Dziya dzakawira munzira ndivo vaya vanonzwa, ipapo dhiabhori anouya uye agovatorera shoko pamwoyo yavo, kuitira kuti varege kutenda vagoponeswa.13 Dziya dzakawira parukangarahwe, ndivo vaya vanogamuchira shoko nomufaro kana varinzwa, asi havana mudzi. Vanongotenda kwechinguva, asi munguva dzokuedzwa vanowira pasi.14 Mbeu yakawira muminzwa yakamirira vaya vanonzwa asi pakufamba kwavo vanovhungwa nokufunganya kwoupenyu, upfumi namafaro, havazosviki pakubereka zvibereko.
15 Asi mbeu yapavhu rakanaka inomirira vaya vane mwoyo yakatendeka uye yakanaka, vanonzwa shoko, vorichengeta, uye nokuda kwokutsungirira kwavo vanobereka zvibereko.
Mwenje uri paChigadziko
16 “Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe.17 Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena.
18 Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.”
Mai vaJesu naVanun’una Vake
19 Zvino mai vaJesu navanun’una vake vakauya kuzomuona, asi vakanga vasingagoni kuswedera pedyo naye nokuda kwavanhu vazhinji.20 Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanun’una venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.”
21 Asi akapindura akati, “Mai vangu navanun’una vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”
Jesu anonyaradza Dutu
22 Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa.” Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba.23 Pavakanga vachifamba, iye akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru.
24 Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Tenzi, Tenzi, tava kunyura!” Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo.
25 Akabvunza vadzidzi vake akati, “Kutenda kwenyu kuripiko?”
Mukutya kwavo uye nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera.”
Kuporeswa kwoMunhu Akanga Akabatwa noMweya Wakaipa
26 Vakasvika kunyika yavaGerasa, iri mhiri kwegungwa reGarirea.27 Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomunhu akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Munhu uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva.28 Akati aona Jesu, akadanidzira uye akawira pamakumbo ake, akati nenzwi guru, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, regai kunditambudza!”29 Nokuti Jesu akanga arayira mweya wakaipa kuti ubude maari. Kazhinji waimubata, uye kunyange akange akasungwa nengetani mumaoko nomumakumbo uye akarindwa, aidambura ngetani uye oendeswa nedhimoni kurenje.
30 Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”
Akapindura akati, “Regioni” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.31 Uye akaramba achimunyengetedza kuti arege kuarayira kuti aende kwakadzika.
32 Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera.33 Madhimoni akati abuda mumunhu uyo akandopinda munguruve, uye boka renguruve rakamhanyira kumawere kugungwa rikanyuramo.
34 Vaifudza nguruve vakati vaona zvakanga zvaitika, vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomuruwa,35 uye vanhu vakabuda kunoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu vakawana munhu akanga abuda madhimoni maari, agere pamakumbo aJesu, apfeka uye ava munhu kwaye, vakatya.36 Vaya vakanga vazviona vakaudza vanhu kuti munhu akanga ane dhimoni ainge aporeswa sei.37 Ipapo vanhu vose vomunyika yeGerasa vakakumbira Jesu kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya. Saka akapinda mugwa akaenda.
38 Munhu akanga abuda madhimoni maari akamukumbirisa kuti aende naye, asi Jesu akamuendesa, achiti,
39 “Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakadaro sei.” Saka munhu uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.
Musikana Akanga Afa uye noMukadzi Airwara
40 Zvino Jesu akati adzoka, akagamuchirwa navanhu vazhinji, nokuti vakanga vakamutarisira.41 Ipapo murume ainzi Jairosi, mubati wesinagoge, akauya akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti auye kumba kwake42 nokuti mwanasikana wake akanga achingova mumwe oga, musikana aiva namakore anenge gumi namaviri, akanga afa. Jesu akati achiendako, vanhu vazhinji vakange vachamutsikirira.43 Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa.44 Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.
45 Jesu akati, “Ndianiko andibata?”
Vakati varamba kuzvibvuma vose, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.”
46 Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.”
47 Ipapo mukadzi, akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera uye akasvikowira patsoka dzake. Akamuudza kuti sei akanga amubata pamberi pavanhu vose, uye kuti akanga apora sei pakarepo.48 Ipapo iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
49 Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.”
50 Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, uye achaporeswa.”
51 Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye baba namai vomwana.52 Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.”
53 Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa.54 Asi akamubata noruoko akati, “Mwanangu, muka!”55 Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya.
56 Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.
Luke 8
Jesus’ Ministry and the Help of Women
1 Some timet afterwardt he went on through townst and villages, preaching and proclaiming the good newss of the kingdom of God.s Thet twelve were with him,2 and also some womens who had been healed of evil spirits and disabilities:t Marys (called Magdalene), from whom seven demons had gone out,
3 and Joanna the wife of Cuzas (Herod’ss household manager),t Susanna, and many others who provided for thems out of their own resources.
The Parable of the Sower
4 While a large crowd was gathering and people were coming to Jesust from one town after another,t he spoke to themt in a parable:5 “A sower went out to sows his seed.t And as he sowed, some fell along the path and was trampled on, and the wild birdst devoured it.6 Other seed fell on rock,s and when it came up, it withered because it had no moisture.7 Other seed fell among the thorns,s and they grew up with it and chokeds it.
8 Butt other seed fell on good soil and grew,t and it produced a hundred times as much grain.”s As he said this,t he called out, “The one who has ears to hear had better listen!”t
9 Thent his disciples asked him what this parable meant.t
10 Het said, “You have been givent the opportunity to knowt the secretsts of the kingdom of God,s but for others they are in parables, so that although they see they may not see, and although they hear they may not understand.s
11 “Now the parable meanst this: The seed is the word of God.12 Those along the path are the ones who have heard; then the devils comes and takes away the words from their hearts, so that they may not believet and be saved.13 Thoset on the rock are the ones who receive the word with joy when they hear it, but they have no root. They believe for a while,s butt in a time of testingt fall away.s14 As for the seed thatt fell among thorns, these are the ones who hear, butt as they go on their way they are chokeds by the worries and riches and pleasures of life,s and their fruit does not mature.t
15 But as for the seed that landed on good soil, these are the ones who, after hearingt the word, cling to its with an honest and goods heart, and bear fruit with steadfast endurance.s
Showing the Light
16 “No one lightst a lamps and then covers it with a jar or puts it under a bed, but puts it on a lampstand so that those who come in can see the light.t17 For nothing is hiddens that will not be revealed,t and nothing concealed that will not be made known and brought to light.
18 So listen carefully,t for whoever has will be given more, butt whoever does not have, even what he thinks he hass will be taken from him.”
Jesus’ True Family
19 Now Jesus’t mother and his brotherss came to him, butt they could not get near him because of the crowd.20 Sot he was told, “Your mother and your brothers are standing outside, wanting to see you.”
21 But he repliedt to them, “My mother and my brothers are thoset who hear the word of God and do it.”s
Stilling of a Storm
22 Onet day Jesust got into a boats with his disciples and said to them, “Let’s go across to the other side of the lake.” Sot they set out,23 and as they sailed he fell asleep. Now a violent windstormt came down on the lake,s and the boatt started filling up with water, and they were in danger.24 Theyt camet and woke him, saying, “Master, Master,t we are about to die!” Sot he got up and rebukedt the wind and the raging waves;s they died down, and it was calm.
25 Thent he said to them, “Where is your faith?”s But they were afraid and amazed,s saying to one another, “Who then is this? He commands even the winds and the water,s and they obey him!”
Healing of a Demoniac
26 Sot they sailed over to the region of the Gerasenes,ss which is opposites Galilee.27 Ast Jesust stepped ashore,t a certain man from the townt met him who was possessed by demons.t For a long time this mant had worn no clothes and had not lived in a house, but amongt the tombs.28 When he sawt Jesus, he cried out, fellt down before him, and shouted with a loud voice, “Leave me alone,t Jesus, Son of the Most Highs God! I beg you, do not torments me!”29 For Jesust had started commandings the evilt spirit to come out of the man. (For it had seized him many times, sot he would be bound with chains and shacklest and kept under guard. Butt he would break the restraints and be driven by the demon into desertedt places.)s30 Jesus thent asked him, “What is your name?” Het said, “Legion,”s because many demons had entered him.31 And they began to begt him not to ordert them to depart into the abyss.t32 Now a large herd of pigs was feeding there on the hillside,t and the demonic spiritst begged Jesust to let them go into them. He gave them permission.s33 Sot the demons came out of the man and went into the pigs, and the herd of pigst rushed down the steep slope into the lake and drowned.34 Whent the herdsmen saw what had happened, they ran off and spread the newst in the townt and countryside.35 Sot the people went out to see what had happened, and they came to Jesus. Theyt found the man from whom the demons had gone out, sitting at Jesus’ feet, clothed and in his right mind, and they were afraid.36 Thoset who had seen it told them how the man who had been demon-possessed had been healed.t37 Thent all the people of the Gerasenesss and the surrounding regiont asked Jesust to leave them alone,t for they were seized with great fear.s Sot he got into the boat and left.t38 The man from whom the demons had gone out begged to got with him, but Jesust sent him away, saying,
39 “Return to your home,t and declaret what God has done for you.”s Sot he went away, proclaiming throughout the whole townt what Jesuss had done for him.
Restoration and Healing
40 Now when Jesus returned,ts the crowd welcomed him, because they were all waiting for him.41 Thent a man named Jairus, who was a rulert of the synagogue,s came up. Fallingt at Jesus’ feet, he pleadedt with him to come to his house,
42 because he had an only daughter, about twelve years old, and she was dying.t
As Jesus was on his way, the crowds presseds around him.43 Nowt a woman was there who had been suffering from a hemorrhaget for twelve yearss but could not be healed by anyone.44 Shet came up behind Jesust and touched the edges of his cloak,t and at once the bleedingts stopped.45 Thent Jesus asked,t “Who was it who touched me?” When they all denied it, Peters said, “Master, the crowds are surrounding you and pressings against you!”46 But Jesus said, “Someone touched me, for I know that power has gone outt from me.”47 Whent the woman saw that she could not escape notice,t she came trembling and fell down before him. Int the presence of all the people, she explained whyt she had touched him and how she had been immediately healed.
48 Thent he said to her, “Daughter, your faith has made you well.t Go in peace.”
49 While he was still speaking, someone from the synagogue ruler’st house came and said, “Your daughter is dead; do not trouble the teacher any longer.”50 But when Jesus heard this, he toldt him, “Do not be afraid; just believe, and she will be healed.”t51 Now when he came to the house, Jesust did not let anyone go in with him except Peter, John,t and James, and the child’s father and mother.52 Now they were alls wailing and mourningt for her, but he said, “Stop your weeping; she is not dead but asleep.”53 And they began making funt of him, because they knewt that she was dead.t54 But Jesust gently took her by the hand and said,t “Child, get up.”55 Hert spirit returned,s and she got up immediately. Thent he told them to give her something to eat.
56 Hert parents were astonished, but he ordered them to tell no ones what had happened.