previous next

MAKO 1

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira

1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

2 Zvakanyorwa muna Isaya muprofita zvichinzi:
“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,
uyo achagadzira nzira yako,”

3 “inzwi rounodana murenje, richiti,
‘Gadzirai nzira yaShe,
ruramisai migwagwa yake.’”

4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.5 Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.6 Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.7 Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.

8 Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”

Kubhabhatidzwa noKuedzwa kwaJesu
9 Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.10 Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.11 Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”
12 Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,13 uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.
Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga
14 Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.15 Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”
16 Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun’una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.17 Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”18 Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.
19 Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20 Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

Jesu anodzinga Mweya Wakaipa
21 Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.22 Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.23 Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,24 “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani – ndimi Mutsvene waMwari!”
25 Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”26 Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.
27 Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”

28 Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.

Jesu anoporesa vazhinji
29 Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.30 Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.31 Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.
32 Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.33 Guta rose rakaungana pamukova,

34 uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Jesu anonyengetera ari oga
35 Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.36 Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,37 uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”
38 Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”

39 Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.

Murume akanga ana maperembudzi
40 Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”
41 Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”42 Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.
43 Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,44 “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”

45 Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.

Mark 1

The Ministry of John the Baptist

1 The beginning of the gospels of Jesus Christ,t the Son of God.ss

2 As it is written in Isaiah the prophet,s
“Look, I am sending my messenger ahead of you,
who will prepare your way,s

3 the voice of one shouting in the wilderness,
‘Prepare the way for the Lord,
makeshis paths straight.’”s
4 In the wildernesst John the baptizert began preaching a baptism of repentance for the forgiveness of sins.s5 Peoplet from the whole Judean countryside and all of Jerusalems were going out to him, and he was baptizing themt in the Jordan River as they confessed their sins.6 John wore a garment made of camel’s hair with a leather belt around his waist, and he ate locusts and wild honey.s7 He proclaimed,t “One more powerful than I am is coming after me; I am not worthyts to bend down and untie the strapt of his sandals.

8 I baptize you with water, but he will baptize you with the Holy Spirit.”

The Baptism and Temptation of Jesus

9 Nowt in those days Jesus came from Nazareths in Galilee and was baptized by John in the Jordan River.t10 And just as Jesust was coming up out of the water, he saw the heavenst splitting apart and the Spirit descending on him like a dove.s11 And a voice came from heaven: “You are my one dear Son;t in you I take great delight.”ts12 The Spirit immediately drove him into the wilderness.

13 He was in the wilderness forty days,s enduring temptations from Satan. Het was with wild animals, and angels were ministering to his needs.t

Preaching in Galilee and the Call of the Disciples

14 Now after John was imprisoned,t Jesus went into Galilee and proclaimed the gospels of God.t15 Het said, “The time is fulfilled and the kingdom of Gods is near. Repent and believe the gospel!”16 As he went along the Sea of Galilee, he saw Simon and Andrew, Simon’s brother, casting a net into the sea (for they were fishermen).s17 Jesus said to them, “Follow me, and I will turn you into fishers of people.”ts18 They left their nets immediately and followed him.s19 Going on a little farther, he saw James, the son of Zebedee, and John his brother in theirt boat mending nets.

20 Immediately he called them, and they left their father Zebedee in the boat with the hired men and followed him.

Jesus’ Authority

21 Thent they went to Capernaum.ss When the Sabbath came,t Jesust went into the synagogues and began to teach.22 The people theret were amazed by his teaching, because he taught them like one who had authority,s not like the experts in the law.t23 Just then there was a man in their synagogue with an unclean spirit,s and he cried out,t24 “Leave us alone,ts Jesus the Nazarene! Have you come to destroy us? I know who you are – the Holy Ones of God!”25 Butt Jesus rebuked him:t “Silence! Come out of him!”s26 After throwing him into convulsions, the unclean spirit cried out with a loud voice and came out of him.27 They were all amazed so that they asked each other, “What is this? A new teaching with authority! He even commands the unclean spirits and they obey him.”

28 Sot the news about him spread quickly throughout all the region around Galilee.

Healings at Simon’s House

29 Nowt as soon as they left the synagogue,s they entered Simon and Andrew’s house, with James and John.30 Simon’s mother-in-law was lying down, sick with a fever, sot they spoke to Jesust at once about her.31 He came and raised her up by gently taking her hand. Then the fever left her and she began to servet them.32 When it was evening, after sunset, they brought to him all who were sick and demon-possessed.33 The whole town gathered by the door.

34 Sot he healed many who were sick with various diseases and drove out many demons.s Butt he would not permit the demons to speak,s because they knew him.s

Praying and Preaching

35 Thent Jesust got up early in the morning when it was still very dark, departed, and went out to a deserted place, and there he spent time in prayer.t36 Simon and his companions searched for him.37 When they found him, they said, “Everyone is looking for you.”38 He replied,t “Let us go elsewhere, into the surrounding villages, so that I can preach there too. For that is what I came out here to do.”t

39 Sot he went into all of Galilee preaching in their synagoguess and casting out demons.

Cleansing a Leper

40 Nowt a lepers came to him and fell to his knees, asking for help. “Ift you are willing, you can make me clean,” he said.41 Moved with compassion,s Jesust stretched out his hand and toucheds him, saying, “I am willing. Be clean!”42 The leprosy left him at once, and he was clean.43 Immediately Jesust sent the mant away with a very strong warning.44 He told him,t “See that you do not say anything to anyone,s but go, show yourself to a priest, and bring the offering that Moses commandeds for your cleansing, as a testimony to them.”t

45 But as the mant went out he began to announce it publicly and spread the story widely, so that Jesust was no longer able to enter any town openly but stayed outside in remote places. Stillt they kept comingt to him from everywhere.