previous next

MAKO 10

Kurambana

1 Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
2 Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”
3 Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”
4 Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”
5 Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.6 Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’7 Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,8 uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.9 Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
10 Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.11 Iye akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.

12 Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”

Jesu navana vaduku
13 Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.14 Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.15 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”

16 Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.

Jaya Mupfumi
17 Jesu akati achifamba munzira, mumwe munhu akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
18 Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.19 Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’”
20 Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”
21 Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
22 Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.
23 Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”
24 Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”
27 Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
28 Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”
29 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanun’una kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri30 achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun’una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.

31 Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”

Jesu anotaurazve nezvokufa kwake
32 Vakanga vari munzira vachikwira kuJerusarema, Jesu achivatungamirira nzira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.33 Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko avaHedheni,

34 avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”

Chikumbiro chaJakobho naJohani
35 Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”
36 Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
37 Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”
38 Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. “Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
39 Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,40 asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
41 Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.42 Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.43 Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,44 uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.

45 Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikunuro rwavazhinji.”

Bhatimeo Bofu anosvinudzwa
46 Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achikumbira.47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
48 Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
49 Jesu akamira akati, “Mudanei.”
Saka vakadana munhu uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
50 Akarasa jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
51 Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?”
Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”

52 Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.

Mark 10

Divorce

1 Thent Jesust left that place and went to the region of Judea ands beyond the Jordan River.t Again crowds gathered to him, and again, as was his custom, he taught them.2 Then some Phariseesss came, and to test himt they asked, “Is it lawful for a man to divorce hist wife?”ts3 He answered them,t “What did Moses command you?”4 They said, “Moses permitted a man to write a certificate of dismissal and to divorce her.”ts5 But Jesus said to them, “He wrote this commandment for you because of your hard hearts.t6 But from the beginning of creation hesmade them male and female.s7 For this reason a man will leave his father and mother,s8 and the two will become one flesh.ss So they are no longer two, but one flesh.

9 Therefore what God has joined together, let no one separate.”
10 In the house once again, the disciples asked him about this.11 Sot he told them, “Whoever divorces his wife and marries another commits adultery against her.

12 And if she divorces her husband and marries another, she commits adultery.”s

Jesus and Little Children

13 Nowt people were bringing little children to him for him to touch,t but the disciples scolded those who brought them.st14 But when Jesus saw this, he was indignant and said to them, “Let the little children come to me and do not try to stop them, for the kingdom of God belongs to such as these.s15 I tell you the truth,t whoever does not receives the kingdom of God like a childs will nevert enter it.”

16 After he took the children in his arms, he placed his hands on them and blessed them.

The Rich Man

17 Nowt as Jesusts was starting out on his way, someone ran up to him, fell on his knees, and said, “Good teacher, what must I do to inherit eternal life?”s18 Jesus said to him, “Why do you call me good?s No one is good except God alone.19 You know the commandments: ‘Do not murder, do not commit adultery, do not steal, do not give false testimony,do not defraud, honor your father and mother.’”s20 The mant said to him, “Teacher, I have wholeheartedly obeyedt all these lawsts since my youth.”s21 As Jesus looked at him, he felt love for him and said, “You lack one thing. Go, sell whatever you have and give the moneyt to the poor, and you will have treasures in heaven. Then come, follow me.”

22 But at this statement, the mant looked sad and went away sorrowful, for he was very rich.t
23 Thent Jesus looked around and said to his disciples, “How hard it is for the rich to enter the kingdom of God!”24 The disciples were astonished at these words. But again Jesus said to them,t “Children, how hard it iss to enter the kingdom of God!25 It is easier for a camels to go through the eye of a needles than for a rich person to enter the kingdom of God.”26 They were even more astonished and saidt to one another, “Thent who can be saved?”s

27 Jesus looked at them and replied, “This is impossible for mere humans,t but not for God; all things are possible for God.”
28 Peter began to speak to him, “Look,s we have left everything to follow you!”t29 Jesus said, “I tell you the truth,t there is no one who has left home or brothers or sisters or mother or father or children or fields for my sake and for the sake of the gospel30 who will not receive in this aget a hundred times as much – homes, brothers, sisters, mothers, children, fields, all with persecutionst – and in the age to come, eternal life.s

31 But many who are first will be last, and the last first.”

Third Prediction of Jesus’ Death and Resurrection

32 They were on the way, going up to Jerusalem.s Jesus was going ahead of them, and they were amazed, but those who followed were afraid. He took the twelve aside again and began to tell them what was going to happen to him.33 “Look, we are going up to Jerusalem, and the Son of Man will be handed over to the chief priests and experts in the law.t They will condemn him to death and will turn him over to the Gentiles.

34 They will mock him, spit on him, flogt him severely, and kill him. Yett after three days,s he will rise again.”

The Request of James and John

35 Thent James and John, the sons of Zebedee, came to him and said, “Teacher, we want you to do for us whatever we ask.”36 He said to them, “What do you want me to do for you?”37 They said to him, “Permit one of us to sit at your right hand and the other at your left in your glory.”38 But Jesus said to them, “You don’t know what you are asking! Are you able to drink the cup I drink or be baptized with the baptism I experience?”t39 They said to him, “We are able.”s Then Jesus said to them, “You will drink the cup I drink, and you will be baptized with the baptism I experience,

40 but to sit at my right or at my left is not mine to give. It is for those for whom it has been prepared.”s
41 Nowt when the other tent heard this,t they became angry with James and John.42 Jesus called them and said to them, “You know that those who are recognized as rulers of the Gentiles lord it over them, and those in high positions use their authority over them.43 But it is not this way among you. Instead whoever wants to be great among you must be your servant,44 and whoever wants to be first among you must be the slavet of all.

45 For even the Son of Man did not come to be served but to serve, and to give his life as a ransoms for many.”

Healing Blind Bartimaeus

46 They came to Jericho.s As Jesust and his disciples and a large crowd were leaving Jericho, Bartimaeus the son of Timaeus, a blind beggar, was sitting by the road.47 When he heard that it was Jesus the Nazarene, he began to shout,t “Jesus, Son of David,s have mercys on me!”48 Many scoldedt him to get him to be quiet, but he shouted all the more, “Son of David, have mercy on me!”49 Jesus stopped and said, “Call him.” Sot they called the blind man and said to him, “Have courage! Get up! He is calling you.”50 He threw off his cloak, jumped up, and came to Jesus.51 Thent Jesus said to him,t “What do you want me to do for you?” The blind man replied, “Rabbi,t let me see again.”t

52 Jesus said to him, “Go, your faith has healed you.” Immediately he regainedt his sight and followed him on the road.