MAKO 16
Kumuka
1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magadharena, Maria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuwira kuti vagondozodza mutumbi waJesu.
2 Mangwanani-ngwanani pazuva rokutanga revhiki, zuva risati rabuda, vakanga vapinda munzira,3 uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko achatikungurutsira ibwe pamukova weguva?”
4 Asi vakati vatarira, vakaona kuti ibwe rakanga rakungurutswa.5 Pavakapinda muguva, vakaona jaya rakapfeka nguo chena rakagara kuruoko rworudyi, uye vakavhunduka.
6 Iye akati, “Musavhunduka. Muri kutsvaka Jesu weNazareta, uya akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka! Haapo pano. Tarisai pavakanga vamuisa.7 Asi chiendai mundoudza vadzidzi vake naPetro, kuti, ‘Iye afanotungamira kuGarirea. Muchandomuona ikoko sezvaakakuudzai.’”
8 Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
9 Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.10 Akaenda akandoudza vaya vaimbova naye uye vakanga vachiungudza uye vachichema.11 Vakati vanzwa kuti Jesu akanga ari mupenyu, uye kuti Maria akanga amuona, havana kuzvitenda.
12 Shure kwaizvozvo Jesu akaonekwazve neimwe nzira navaviri vavo pavakanga vachifamba kuruwa.13 Ava vakadzoka vakandozivisa vakasara; asi naivowo havana kuvatenda.
14 Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15 Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.16 Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.17 Uye zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda: Vachadzinga mweya yakaipa muzita rangu, vachataura nendimi itsva;18 vachabata nyoka namaoko avo, uye kunyange vakanwa muchetura unouraya haungavakuvadzi napaduku; vachaisa maoko avo pamusoro pavarwere, uye vachapora.”
19 Mushure mokunge Ishe Jesu ataura kwavari, akatorwa akakwidzwa kudenga uye akandogara kuruoko rworudyi rwaMwari.20 Ipapo vadzidzi vakabuda vakandoparidza kwose kwose, uye Ishe akashanda navo uye akasimbisa shoko rake nezviratidzo zvakatevera.
Mark 16
The Resurrection
1 When the Sabbath was over, Mary Magdalene, Mary the mother of James, and Salome bought aromatic spicests so that they might go and anoint him.2 And very early on the first day of the week, at sunrise, they went to the tomb.3 They had been asking each other, “Who will roll away the stone for us from the entrance to the tomb?”4 Butt when they looked up, they saw that the stone, which was very large, had been rolled back.5 Thent as they went into the tomb, they saw a young man dressed in a white robes sitting on the right side; and they were alarmed.6 But he said to them, “Do not be alarmed. You are looking for Jesus the Nazarene, who was crucified.s He has been raised!t He is not here. Look, there is the place where they laid him.7 But go, tell his disciples, even Peter, that he is going ahead of you into Galilee. You will see him there, just as he told you.”
8 Thent they went out and ran from the tomb, for terror and bewilderment had seized them.t And they said nothing to anyone, because they were afraid.
ss[[
The Longer Ending of Mark
9 Early on the first day of the week, after he arose, he appeared first to Mary Magdalene, from whom he had driven out seven demons.10 She went out and told those who were with him, while they were mourning and weeping.
11 And when they heard that he was alive and had been seen by her, they did not believe.
12 After this he appeared in a different form to two of them while they were on their way to the country.13 They went back and told the rest, but they did not believe them.14 Then he appeared to the eleven themselves, while they were eating, and he rebuked them for their unbelief and hardness of heart, because they did not believe those who had seen him resurrected.15 He said to them, “Go into all the world and preach the gospel to every creature.16 The one who believes and is baptized will be saved, but the one who does not believe will be condemned.17 These signs will accompany those who believe: In my name they will drive out demons; they will speak in new languages;t18 they will pick up snakes with their hands, and whatever poison they drink will not harm them;t they will place their hands on the sick and they will be well.”19 After the Lord Jesus had spoken to them, he was taken up into heaven and sat down at the right hand of God.
20 They went out and proclaimed everywhere, while the Lord worked with them and confirmed the word through the accompanying signs.]]