MAKO 2
Jesu anoporesa Munhu Akanga Akafa Mutezo
1 Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha.2 Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari.3 Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana.4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.5 Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, “Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa.”
6 Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vachifunga mumwoyo yavo, vachiti,7 “Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?”
8 Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, “Seiko muchifunga zvinhu izvi?9 Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kuna akanga akafa mutezo,11 “Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba.”
12 Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
Kudanwa kwaRevhi
13 Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.14 Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
15 Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na “vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.16 Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”
17 Akati achinzwa izvozvo, Jesu akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
Vanobvunza Jesu pamusoro poKutsanya
18 Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”
19 Jesu akapindura akati, “Shamwari dzechikomba dzingatsanya seiko kana iye achinavo? Havangadaro, kana iye achinavo.20 Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.
21 “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.
22 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”
Ishe weSabata
23 Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakati vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.24 VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”
25 Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?26 Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
27 Ipapo akati kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kuitirwa Sabata.
28 Saka mwanakomana woMunhu ndiye Ishe kunyange weSabata.”
Mark 2
Healing and Forgiving a Paralytic
1 Nowt after some days, when he returned to Capernaum,ss the news spreadt that he was at home.2 So many gathered that there was no longer any room, not even byt the door, and he preached the word to them.3 Some peoplet came bringing to him a paralytic, carried by four of them.t4 When they were not able to bring him in because of the crowd, they removed the roofs above Jesus.t Then,t after tearing it out, they lowered the stretcher the paralytic was lying on.5 When Jesus saw theirs faith, he said to the paralytic, “Son, your sins are forgiven.”s6 Now some of the experts in the lawt were sitting there, turning these things over in their minds:t7 “Why does this man speak this way? He is blaspheming!s Who can forgive sins but God alone?”8 Nowt immediately, when Jesus realized in his spirit that they were contemplating such thoughts,t he said to them, “Why are you thinking such things in your hearts?t9 Which is easier,s to say to the paralytic, ‘Your sins are forgiven,’ or to say, ‘Stand up, take your stretcher, and walk’?10 But so that you may knows that the Son of Mans has authority on earth to forgive sins,” – he said to the paralytics –11 “I tell you, stand up, take your stretcher, and go home.”t
12 And immediately the mant stood up, took his stretcher, and went out in front of them all. They were all amazed and glorified God, saying, “We have never seen anything like this!”
The Call of Levi; Eating with Sinners
13 Jesust went out again by the sea. The whole crowd came to him, and he taught them.14 As he went along, he saw Levi, the son of Alphaeus, sitting at the tax booth.ts “Follow me,” he said to him. And he got up and followed him.15 As Jesust was having a mealts in Levi’st home, many tax collectorss and sinners were eating with Jesus and his disciples, for there were many who followed him.16 When the experts in the lawt and the Phariseess saw that he was eating with sinners and tax collectors, they said to his disciples, “Why does he eat with tax collectors and sinners?”s
17 When Jesus heard this he said to them, “Those who are healthy don’t need a physician, but those who are sick do.s I have not come to call the righteous, but sinners.”
The Superiority of the New
18 Nowt John’ss disciples and the Phariseess were fasting.s Sot they came to Jesust and said, “Why do the disciples of John and the disciples of the Pharisees fast, but your disciples don’t fast?”19 Jesust said to them, “The wedding guestst cannot fast while the bridegrooms is with them, can they?t As long as they have the bridegroom with them they do not fast.20 But the days are coming when the bridegroom will be taken from them,s and at that timet they will fast.21 No one sews a patch of unshrunk cloth on an old garment; otherwise, the patch pulls away from it, the new from the old, and the tear becomes worse.
22 And no one pours new wine into old wineskins;s otherwise, the wine will burst the skins, and both the wine and the skins will be destroyed. Instead new wine is poured into new wineskins.”s
Lord of the Sabbath
23 Jesust was going through the grain fields on a Sabbath, and his disciples began to pick some heads of wheatt as they made their way.24 Sot the Phariseess said to him, “Look, why are they doing what is against the law on the Sabbath?”25 He said to them, “Have you never read what David did when he was in need and he and his companions were hungry –26 how he entered the house of God when Abiathar was high priestt and ate the sacred bread,ts which is against the laws for any but the priests to eat, and also gave it to his companions?”s27 Thent he said to them, “The Sabbath was made for people,t not people for the Sabbath.
28 For this reason the Son of Man is lordts even of the Sabbath.”