MAKO 3
1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.3 Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”
4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.
5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.6 Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.
Vazhinji vanotevera Jesu
7 Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.8 Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.9 Akaudza vadzidzi vake kuti vamuswededzere igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.10 Ainge aporesa vazhinji, zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.11 Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”12 Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti iye ndiani.
Kusarudzwa kwaVapostori Gumi naVaviri
13 Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya kwaari.14 Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.16 Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro);17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun’una wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira);18 Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifasi, Tadheo, Simoni muZeroti
19 naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira.
Jesu naBheerizebhubhi
20 Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uyezve vazhinji vakaungana, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.21 Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
22 Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”
23 Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?24 Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.26 Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.27 Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.28 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.29 Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”
30 Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”
Mai vaJesu naVanun’una Vake
31 Ipapo mai vaJesu navanun’una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun’una venyu vari kukutsvakai panze.”
33 Iye akati, “Vanamai vangu navanun’una vangu ndivanaaniko?”
34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun’una vangu!
35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye munun’una wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”
Mark 3
Healing a Withered Hand
1 Thent Jesust entered the synagogues again, and a man was there who had a withereds hand.2 They watcheds Jesust closely to see if he would heal him on the Sabbath,s so that they could accuse him.3 So he said to the man who had the withered hand, “Stand up among all these people.”ts4 Thent he said to them, “Is it lawful to do good on the Sabbath, or evil, to save a life or destroy it?” But they were silent.5 After looking aroundt at them in anger, grieved by the hardness of their hearts,t he said to the man, “Stretch out your hand.” He stretched it out, and his hand was restored.s
6 Sot the Phariseess went out immediately and began plotting with the Herodians,ts as to how they could assassinatet him.
Crowds by the Sea
7 Thent Jesus went away with his disciples to the sea, and a great multitude from Galilee followed him.t And from Judea,8 Jerusalem,s Idumea, beyond the Jordan River,t and around Tyres and Sidonss a great multitude came to him when they heard about the things he had done.9 Because of the crowd, he told his disciples to have a small boat ready for him so the crowdt would not press toward him.10 For he had healed many, so that all who were afflicted with diseases pressed toward him in order to touch him.11 And whenever the unclean spiritss saw him, they fell down before him and cried out, “You are the Son of God.”
12 Butt he sternly ordered them not to make him known.s
Appointing the Twelve Apostles
13 Nowt Jesus went up the mountaints and called for those he wanted, and they came to him.14 Het appointed twelve (whom he named apostless),s so that they would be with him and he could send them to preach15 and to have authority to cast out demons.16 He appointed twelve:s To Simons he gave the name Peter;17 to James and his brother John, the sons of Zebedee,t he gave the name Boanerges (that is, “sons of thunder”);18 and Andrew, Philip, Bartholomew,s Matthew, Thomas,s James the son of Alphaeus, Thaddaeus,s Simon the Zealot,t
19 and Judas Iscariot,s who betrayed him.t
Jesus and Beelzebul
20 Nowt Jesust went home, and a crowd gathered so that they were not able to eat.21 When his familysts heard this they went out to restrain him, for they said, “He is out of his mind.”22 The experts in the lawt who came down from Jerusalems said, “He is possessed by Beelzebul,”ts and, “By the rulert of demons he casts out demons.”23 Sot he called them and spoke to them in parables:s “How can Satan cast out Satan?24 Ifs a kingdom is divided against itself, that kingdom will not be able to stand.25 If a house is divided against itself, that house will not be able to stand.26 And if Satan rises against himself and is divided, he is not able to stand and his end has come.27 But no one is able to enter a strong man’ss house and steal his property unless he first ties up the strong man. Then he can thoroughly plunder his house.s28 I tell you the truth,t people will be forgiven for all sins, even all the blasphemies they utter.t29 But whoever blasphemes against the Holy Spirit will never be forgiven, but is guilty of an eternal sin”s
30 (because they said, “He has an unclean spirit”s).
Jesus’ True Family
31 Thent Jesus’t mother and his brotherss came. Standingt outside, they sent word to him, to summon him.32 A crowd was sitting around him and they said to him, “Look, your mother and your brotherss are outside looking for you.”33 He answered them and said, “Who are my mother and my brothers?”t34 And looking at those who were sitting around him in a circle, he said, “Heret are my mother and my brothers!
35 For whoever does the will of God ist my brother and sister and mother.”