previous next

MAKO 4

Mufananidzo woMukushi

1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.5 Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.8 Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
9 Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
10 Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.11 Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo12 kuitira kuti,
“‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa;
uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa;
kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’”
13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?14 Murimi anokusha shoko.15 Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.16 Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarabwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.17 Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.18 Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;19 asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuwo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko.

20 Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”

Mwenje paChigadziko
21 Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.23 Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24 Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.

25 Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”

Mufananidzo weTsanga Inomera
26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.27 Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.28 Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.29 Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
Mufananidzo weMbeu yeMastadhi
30 Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?31 Hwakafanana netsanga yemastadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.32 Asi kana yadyarwa, inokura uye igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
33 Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose zvavaigona kunzwisisa.

34 Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.

Jesu anonyaradza Dutu
35 Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”36 Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.37 Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.38 Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
39 Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
40 Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”

41 Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”

Mark 4

The Parable of the Sower

1 Again he began to teach by the lake. Such a large crowd gathered around him that he got into a boat on the lake and sat there whilet the whole crowd was on the shore by the lake.2 He taught them many things in parables,s and in his teaching said to them:3 “Listen! A sower went out to sow.s4 And as he sowed, some seedt fell along the path, and the birds came and devoured it.5 Other seed fell on rocky grounds where it did not have much soil. It sprang up at once because the soil was not deep.t6 When the sun came up it was scorched, and because it did not have sufficient root,t it withered.7 Other seed fell among the thorns,s and they grew up and choked it,s and it did not produce grain.8 Butt other seed fell on good soil and produced grain, sprouting and growing; some yielded thirty times as much, some sixty, and some a hundred times.”

9 And he said, “Whoever has ears to hear had better listen!”t

The Purpose of Parables

10 When he was alone, those around him with the twelve asked him about the parables.

11 He said to them, “The secretts of the kingdom of God has been givent to you. But to those outside, everything is in parables,

12 so that although they look they may look but not see,
and although they hear they may hear but not understand,
so they may not repent and be forgiven.”s
13 He said to them, “Don’t you understand this parable? Thent how will you understand any parable?14 The sower sows the word.15 These are the ones on the path where the word is sown: Whenever they hear, immediately Satans comes and snatches the words that was sown in them.16 These are the ones sown on rocky ground: As soon as they hear the word, they receive it with joy.17 Butt they have no root in themselves and do not endure.t Then, when trouble or persecution comes because of the word, immediately they fall away.18 Others are the ones sown among thorns: They are those who hear the word,19 butt worldly cares, the seductiveness of wealth,t and the desire for other things come in and choke the word,s and it produces nothing.

20 Butt these are the ones sown on good soil: They hear the word and receive it and bear fruit, one thirty times as much, one sixty, and one a hundred.”

The Parable of the Lamp

21 He also said to them, “A lamps isn’t brought to be put under a baskett or under a bed, is it? Isn’t it to be placed on a lampstand?22 For nothing is hidden except to be revealed,t and nothing concealed except to be brought to light.23 If anyone has ears to hear, he had better listen!”t24 And he said to them, “Take care about what you hear. The measure you use will be the measure you receive,t and more will be added to you.

25 For whoever has will be given more, butt whoever does not have, even what he has will be taken from him.”s

The Parable of the Growing Seed

26 He also said, “The kingdom of God is like someone who spreads seed on the ground.27 He goes to sleep and gets up, night and day, and the seed sprouts and grows, though he does not know how.28 By itself the soil produces a crop, first the stalk, then the head, then the full grain in the head.

29 And when the grain is ripe, he sends in the sicklet because the harvest has come.”s

The Parable of the Mustard Seed

30 He also asked, “To what can we compare the kingdom of God, or what parable can we use to present it?31 It is like a mustard seeds that when sown in the ground, even though it is the smallest of all the seeds in the ground –

32 when it is sown, it grows up,t becomes the greatest of all garden plants, and grows large branches so that the wild birdst can nest in its shade.”s

The Use of Parables

33 Sot with many parables like these, he spoke the word to them, as they were able to hear.

34 He did not speak to them without a parable. But privately he explained everything to his own disciples.

Stilling of a Storm

35 On that day, when evening came, Jesust said to his disciples, “Let’s go across to the other side of the lake.”t36 Sot after leaving the crowd, they took him along, just as he was, in the boat,ts and other boats were with him.37 Nowt a great windstormts developed and the waves were breaking into the boat, so that the boat was nearly swamped.38 Butt he was in the stern, sleeping on a cushion. They woke him up and said to him, “Teacher, don’t you care that we are about to die?”39 Sot he got up and rebukedt the wind, and said to the sea,s “Be quiet! Calm down!” Thent the wind stopped, and it was dead calm.40 And he said to them, “Why are you cowardly? Do you still not have faith?”

41 They were overwhelmed by fear and said to one another, “Who then is this?s Even the wind and sea obey him!”s