previous next

MATEO 13

Mufananidzo woMukushi

1 Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa.2 Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, ipapo vanhu vakamira kumahombekombe.3 Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya.5 Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika.6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.7 Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga.8 Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.9 Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
10 Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
11 Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.12 Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.

13 Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo:

“Kunyange vachiona asi havaoni,
kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.

14 Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:
“‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi:
Muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.

15 Nokuti mwoyo yavanhu ava
mikukutu, havatombonzwi nenzeve
dzavo, uye vakatsinzina meso avo.
Zvichida vangaona nameso avo,
vakanzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakapinduka, uye ndigovaporesa.’

16 “Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.17 Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
18 “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:19 Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.20 Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.21 Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.22 Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko.

23 Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”

Mufananidzo waMasawi
24 Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.25 Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.26 Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.
27 “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’
28 “Iye akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’
“Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’
29 “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.

30 Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’”

Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi neweMbiriso
31 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.32 Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi kana painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
33 Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, igoita kuti furawa iyi ifute.”
34 Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.

35 Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi:
“Ndichataura nemifananidzo
Ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”

Kududzirwa kwoMufananidzo waMasawi
36 Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzisi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”
37 Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.38 Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,39 muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.
40 “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika.41 Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.42 Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.

43 Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Mufananidzo wePfuma Yakavigwa noweParera
44 “Umambo hwaMwari hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.
45 “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka.

46 Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.

Mufananidzo woUsvasvi
47 “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.48 Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa.49 Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama,50 uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
51 Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?”
Vakapindura vakati, “Hongu.”

52 Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”

Muprofita haakudzwi munyika yake
53 Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.54 Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?55 Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanun’una vake vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?56 Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”57 Vakagumburwa naye.
Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”

58 Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.

Matthew 13

The Parable of the Sower

1 On that day after Jesus went out of the house, he sat by the lake.2 And such a large crowd gathered around him that he got into a boat to sit whilet the whole crowd stood on the shore.3 Het told them many things in parables,s saying: “Listen!t A sower went out to sow.s4 And as he sowed, some seedst fell along the path, and the birds came and devoured them.5 Othert seeds fell on rocky grounds where they did not have much soil. They sprang up quickly because the soil was not deep.t6 But when the sun came up, they were scorched, and because they did not have sufficient root, they withered.7 Other seeds fell among the thorns,s and they grew up and choked them.s8 But other seeds fell on good soil and produced grain, some a hundred times as much, some sixty, and some thirty.

9 The one who has ears had better listen!”t
10 Thent the disciples came to him and said, “Why do you speak to them in parables?”11 He replied,t “You have been givent the opportunity to knowt the secretsts of the kingdom of heaven, but they have not.12 For whoever has will be given more, and will have an abundance. But whoever does not have, even what he has will be taken from him.s13 For this reason I speak to them in parables: Although they see they do not see, and although they hear they do not hear nor do they understand.

14 And concerning them the prophecy of Isaiah is fulfilled that says:
‘You will listen carefullytyet will never understand,
you will look closelytyet will never comprehend.

15 For the heart of this people has become dull;
they are hard of hearing,
and they have shut their eyes,
so that they would not see with their eyes
and hear with their ears
and understand with their hearts
and turn, and I would heal them.’s
16 “But your eyes are blesseds because they see, and your ears because they hear.

17 For I tell you the truth,t many prophets and righteous people longed to sees what you see but did not see it, and to hear what you hear but did not hear it.
18 “So listen to the parable of the sower:19 When anyone hears the word about the kingdom and does not understand it, the evil ones comes and snatches what was sown in his heart;s this is the seed sown along the path.20 Thet seed sown on rocky groundt is the person who hears the word and immediately receives it with joy.21 But he has no root in himself and does not endure;t whent trouble or persecution comes because of the word, immediately he falls away.22 Thet seed sown among thorns is the person who hears the word, but worldly cares and the seductiveness of wealtht choke the word,s so it produces nothing.

23 But as for the seed sown on good soil, this is the person who hears the word and understands. He bears fruit, yielding a hundred, sixty, or thirty times what was sown.”t

The Parable of the Weeds

24 He presented them with another parable:t “The kingdom of heaven is like a person who sowed good seed in his field.25 But while everyone was sleeping, an enemy came and sowed weedst among the wheat and went away.26 Whent the plants sprouted and bore grain, then the weeds also appeared.27 So the slavest of the owner came and said to him, ‘Sir, didn’t you sow good seed in your field? Then where did the weeds come from?’28 He said, ‘An enemy has done this.’ Sot the slaves replied, ‘Do you want us to go and gather them?’29 But he said, ‘No, since in gathering the weeds you may uproot the wheat with them.

30 Let both grow together until the harvest. Att harvest time I will tell the reapers, “First collect the weeds and tie them in bundles to be burned, but thent gathert the wheat into my barn.”’”

The Parable of the Mustard Seed

31 He gavet them another parable:t “The kingdom of heaven is like a mustard seeds that a man took and sowed in his field.

32 It is the smallest of all the seeds, but when it has grown it is the greatest garden plant and becomes a tree,s so that the wild birdst come and nest in its branches.”s

The Parable of the Yeast

33 He told them another parable: “The kingdom of heaven is like yeast that a woman took and mixed witht three measuress of flour until all the dough had risen.”ts

The Purpose of Parables

34 Jesus spoke all these things in parables to the crowds; he did not speak to them without a parable.

35 This fulfilled what was spoken by the prophet:st
“I will open my mouth in parables,
I will announce what has been hidden from the foundation of the world.”s

Explanation for the Disciples

36 Then he left the crowds and went into the house. And his disciples came to him saying, “Explain to us the parable of the weeds in the field.”37 Het answered, “The one who sowed the good seed is the Son of Man.38 The field is the world and the good seed are the peoplet of the kingdom. The weeds are the peoplet of the evil one,39 and the enemy who sows them is the devil. The harvest is the end of the age, and the reapers are angels.40 Ast the weeds are collected and burned with fire, so it will be at the end of the age.41 The Son of Man will send his angels, and they will gather from his kingdom everything that causes sin as well as all lawbreakers.t42 They will throw them into the fiery furnace,s where there will be weeping and gnashing of teeth.

43 Then the righteous will shine like the sun in the kingdom of their Father.s The one who has ears had better listen!t

Parables on the Kingdom of Heaven

44 “The kingdom of heaven is like a treasure, hidden in a field, that a person found and hid. Then because of joy he went and sold all that he had and bought that field.
45 “Again, the kingdom of heaven is like a merchant searching for fine pearls.

46 When he found a pearl of great value, he went out and sold everything he had and bought it.
47 “Again, the kingdom of heaven is like a net that was cast into the sea that caught all kinds of fish.48 When it was full, they pulled it ashore, sat down, and put the good fish into containers and threw the bad away.49 It will be this way at the end of the age. Angels will come and separate the evil from the righteous

50 and throw them into the fiery furnace,s where there will be weeping and gnashing of teeth.
51 “Have you understood all these things?” They replied, “Yes.”

52 Then he said to them, “Therefore every expert in the lawt who has been trained for the kingdom of heaven is like the owner of a house who brings out of his treasure what is new and old.”

Rejection at Nazareth

53 Now whent Jesus finished these parables, he moved on from there.54 Thent he came to his hometowns and began to teach the peoplet in their synagogue.s Theyt were astonished and said, “Where did this man get such wisdom and miraculous powers?55 Isn’t this the carpenter’s son? Isn’t his mother named Mary?s And aren’t his brothers James, Joseph, Simon, and Judas?56 And aren’t all his sisters here with us? Where did he get all this?”t57 And so they took offense at him. But Jesus said to them, “A prophet is not without honor except in his hometown and in his own house.”

58 And he did not do many miracles there because of their unbelief.