previous next

MATEO 18

Mukuru muUmambo hwoKudenga

1 Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pana vose muumambo hwokudenga?”
2 Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo.3 Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.4 Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
5 “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.6 Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika.
7 “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike.8 Ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri.

9 Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena.

Mufananidzo weGwai Rakarasika
10 “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.11 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika.
12 “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here?13 Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asina kurasika.

14 Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.

Kana hama yakutadzira
15 “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wodzora hama yako.16 Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’17 Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.
18 “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga.
19 “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa.

20 Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.

Mufananidzo woMuranda Akanga Asina Tsitsi
21 Ipapo Petro akauya kuna Jesu uye akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?”
22 Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
23 “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.24 Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumi akauyiswa kwaari.25 Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti.
26 “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’27 Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chose chiya, uye akamuregedza achienda zvake.
28 “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’
29 “Muranda uya saiye akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’
30 “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose.31 Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika.
32 “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru.33 Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’34 Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho.

35 “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”

Matthew 18

Questions About the Greatest

1 At that time the disciples came to Jesus saying, “Who is the greatest in the kingdom of heaven?”2 He called a child, had him stand among them,3 and said, “I tell you the truth,t unless you turn around and become like little children,s you will nevert enter the kingdom of heaven!4 Whoever then humbles himself like this little child is the greatest in the kingdom of heaven.

5 And whoever welcomest a child like this in my name welcomes me.
6 “But if anyone causes one of these little ones who believe in me to sin,t it would be better for him to have a huge millstonets hung around his neck and to be drowned in the open sea.t7 Woe to the world because of stumbling blocks! Itt is necessary that stumbling blocks come, but woe to the person through whom they come.8 Ift your hand or your foot causes you to sin,s cut it off and throw it away. It is better for you to enter life crippled or lame than to havet two hands or two feet and be thrown into eternal fire.

9 And if your eye causes you to sin, tear it out and throw it away. It is better for you to enter into life with one eye than to havet two eyes and be thrown into fiery hell.ts

The Parable of the Lost Sheep

10 “See that you do not disdain one of these little ones. For I tell you that their angels in heaven always see the face of my Father in heaven.ss12 What do you think? If someonet owns a hundreds sheep and one of them goes astray, will he not leave the ninety-nine on the mountains and go look for the one that went astray?s13 And if he finds it, I tell you the truth,t he will rejoice more over it than over the ninety-nine that did not go astray.

14 In the same way, your Father in heaven is not willing that one of these little ones be lost.

Restoring Christian Relationships

15 “Ift your brothert sins,s go and show him his faultt when the two of you are alone. If he listens to you, you have regained your brother.16 But if he does not listen, take one or two others with you, so that at the testimony of two or three witnesses every matter may be established.s

17 Ift he refuses to listen to them, tell it to the church. Ift he refuses to listen to the church, treat him liket a Gentilet or a tax collector.s
18 “I tell you the truth,t whatever you bind on earth will have been bound in heaven, and whatever you release on earth will have been released in heaven.19 Again, I tell you the truth,t if two of you on earth agree about whatever you ask, my Father in heaven will do it for you.t

20 For where two or three are assembled in my name, I am there among them.”
21 Then Peter came to him and said, “Lord, how many times must I forgive my brothert who sins against me? As many as seven times?”

22 Jesus said to him, “Not seven times, I tell you, but seventy-seven times!t

The Parable of the Unforgiving Slave

23 “For this reason, the kingdom of heaven is like a king who wanted to settle accounts with his slaves.t24 Ast he began settling his accounts, a man who owed ten thousand talentss was brought to him.25 Becauset he was not able to repay it,t the lord ordered him to be sold, along witht his wife, children, and whatever he possessed, and repayment to be made.26 Then the slave threw himself to the groundt before him, saying,s ‘Be patient with me, and I will repay you everything.’27 The lord had compassion on that slave and released him, and forgave him the debt.28 Aftert he went out, that same slave found one of his fellow slaves who owed him one hundred silver coins.t Sot he grabbed him by the throat and started to choke him,t saying, ‘Pay back what you owe me!’t29 Then his fellow slave threw himself down and begged him,t ‘Be patient with me, and I will repay you.’30 But he refused. Instead, he went out and threw him in prison until he repaid the debt.31 Whent his fellow slaves saw what had happened, they were very upset and went and told their lord everything that had taken place.32 Then his lord called the first slavet and said to him, ‘Evil slave! I forgave you all that debt because you begged me!33 Should you not have shown mercy to your fellow slave, just as I showed it to you?’34 And in anger his lord turned him over to the prison guards to torture himt until he repaid all he owed.

35 So also my heavenly Father will do to you, if each of you does not forgive yourt brothert from your heart.”