MATEO 22
Mufananidzo woMutambo weSvitsa
1 Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,2 “Umambo hwokudenga hwaka-fanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.3 Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
4 “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
5 “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.6 Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.7 Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
8 “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.9 Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’10 Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
11 “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.12 Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
13 “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
14 “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
Kuripa Mutero kuna Kesari
15 Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.16 Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.17 Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
18 Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?19 Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari20 uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
21 Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
22 Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
Waniso paKumuka kwaVakafa
23 Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.24 Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana munun’una wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.25 Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira munun’una wake mukadzi.26 Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.27 Pakupedzisira mukadzi akazofawo.28 Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
29 Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.30 Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.31 Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,32 ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakhobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
33 Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
Murayiro Mukuru
34 Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.35 Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo unoti,36 “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
37 Jesu akapindura akati, “‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’38 Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.39 Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
40 Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
Ko, Kristu Mwanakomana waani?
41 VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,42 “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?”
Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
43 Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe?’ nokuti anoti,
44 “‘Ishe akati kuna Ishe wangu:
Gara kuruoko rwangu rworudyi,
kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’”
45 “Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
46 Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.
Matthew 22
The Parable of the Wedding Banquet
1 Jesus spoket to them again in parables, saying:2 “The kingdom of heaven can be compared to a king who gave a wedding banquet for his son.3 He sent his slavest to summon those who had been invited to the banquet, but they would not come.4 Again he sent other slaves, saying, ‘Tell those who have been invited, “Look! The feast I have prepared for you is ready.t My oxen and fattened cattle have been slaughtered, and everything is ready. Come to the wedding banquet.”’5 But they were indifferent and went away, one to his farm, another to his business.6 Thet rest seized his slaves, insolently mistreated them, and killed them.7 Thet king was furious! He sent his soldiers, and they put those murderers to deatht and set their cityt on fire.8 Then he said to his slaves, ‘The wedding is ready, but the ones who had been invited were not worthy.9 So go into the main streets and invite everyone you find to the wedding banquet.’10 And those slaves went out into the streets and gathered all they found, both bad and good, and the wedding hall was filled with guests.11 But when the king came in to see the wedding guests, he saw a man there who was not wearing wedding clothes.12 And he said to him, ‘Friend, how did you get in here without wedding clothes?’ But he had nothing to say.t13 Then the king said to his attendants, ‘Tie him up hand and foot and throw him into the outer darkness, where there will be weeping and gnashing of teeth!’
14 For many are called, but few are chosen.”
Paying Taxes to Caesar
15 Then the Phariseess went out and planned together to entrap him with his own words.t16 They sent to him their disciples along with the Herodians,s saying, “Teacher, we know that you are truthful, and teach the way of God in accordance with the truth.s You do not court anyone’s favor because you show no partiality.t
17 Tell us then, what do you think? Is it rightt to pay taxests to Caesart or not?”
18 But Jesus realized their evil intentions and said, “Hypocrites! Why are you testing me?19 Show me the coin used for the tax.” Sot they brought him a denarius.ts20 Jesust said to them, “Whose imagets is this, and whose inscription?”21 They replied,t “Caesar’s.” He said to them,t “Then give to Caesar the things that are Caesar’s, and to God the things that are God’s.”s
22 Now when they heard this they were stunned,t and they left him and went away.
Marriage and the Resurrection
23 The same day Sadduceess (who say there is no resurrection)s came to him and asked him,t24 “Teacher, Moses said, ‘If a man dies without having children, his brother must marry the widow and father childrentfor his brother.’s25 Now there were seven brothers among us. The first one married and died, and since he had no children he left his wife to his brother.26 The second did the same, and the third, down to the seventh.27 Lastt of all, the woman died.28 In the resurrection, therefore, whose wife of the seven will she be? For they all had married her.”t29 Jesust answered them, “You are deceived,t because you don’t know the scriptures or the power of God.30 For in the resurrection they neither marry nor are given in marriage, but are like angelsss in heaven.31 Now as for the resurrection of the dead, have you not read what was spoken to you by God,t32 ‘I am the God of Abraham, the God of Isaac, and the God of Jacob’?s He is not the God of the dead but of the living!”s
33 When the crowds heard this, they were amazed at his teaching.
The Greatest Commandment
34 Now when the Phariseess heard that he had silenced the Sadducees,s they assembled together.t35 And one of them, an expert in religious law,t asked him a question to testt him:36 “Teacher, which commandment in the law is the greatest?”t37 Jesust said to him, “‘Lovetthe Lord your God with all your heart, with all your soul, and with all your mind.’s38 This is the first and greatestt commandment.39 The second is like it: ‘Love your neighbor as yourself.’s
40 All the law and the prophets dependt on these two commandments.”
The Messiah: David’s Son and Lord
41 Whilet the Phariseess were assembled, Jesus asked them a question:t42 “What do you think about the Christ?ts Whose son is he?” They said, “The son of David.”s
43 He said to them, “How then does David by the Spirit call him ‘Lord,’ saying,
44 ‘The Lord said to my lord,s
“Sit at my right hand,
until I put your enemies under your feet”’?s
45 If David then calls him ‘Lord,’ how can he be his son?”t
46 No onet was able to answer him a word, and from that day on no one dared to question him any longer.