previous next

MATEO 23

Jesu anotuka Vanyori nevaFarisi

1 Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,2 “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.3 Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.4 Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.5 Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.6 Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusorosoro mumasinagoge.7 Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.”
8 “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.9 Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba mumwe chete uye vari kudenga.10 Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.11 Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.12 Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
13 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.14 Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.
15 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.
16 “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’17 Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?18 Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’19 Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?20 Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.21 Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.22 Uye uyo anopika netemberi anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.
23 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi moshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.24 Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.
25 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.26 Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.
27 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anotaridzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.28 Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.
29 “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.30 Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.31 Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.32 Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!
33 “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?34 Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.35 Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZakaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.36 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.
37 “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.38 Tarira, wasiyirwa imba yako rangova dongo.

39 Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’”

Matthew 23

Seven Woes

1 Then Jesus said to the crowds and to his disciples,2 “Thet experts in the lawt and the Phariseess sit on Moses’ seat.3 Therefore pay attention to what they tell you and do it. But do not do what they do, for they do not practice what they teach.t4 Theyt tie up heavy loads, hard to carry, and put them on men’s shoulders, but they themselves are not willing even to lift a finger to move them.5 Theyt do all their deeds to be seen by people, for they make their phylacteriess wide and their tasselsts long.6 Theyt love the place of honor at banquets and the best seats in the synagoguess7 and elaborate greetingss in the marketplaces, and to have people call them ‘Rabbi.’8 But you are not to be called ‘Rabbi,’ for you have one Teacher and you are all brothers.9 And call no one your ‘father’ on earth, for you have one Father, who is in heaven.10 Nor are you to be called ‘teacher,’ for you have one teacher, the Christ.ts11 Thet greatest among you will be your servant.

12 And whoever exalts himself will be humbled, and whoever humbles himself will be exalted.

13 “But woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites!t You keep locking people out of the kingdom of heaven!t For you neither enter nor permit those trying to enter to go in.ss

15 “Woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites! You cross land and sea to make one convert,t and when you get one,t you make him twice as much a child of hellts as yourselves!
16 “Woe to you, blind guides, who say, ‘Whoever swears by the temple is bound by nothing.t But whoever swears by the gold of the temple is bound by the oath.’17 Blind fools! Which is greater, the gold or the temple that makes the gold sacred?18 And, ‘Whoever swears by the altar is bound by nothing.t But if anyone swears by the gift on it he is bound by the oath.’19 You are blind! For which is greater, the gift or the altar that makes the gift sacred?20 So whoever swears by the altar swears by it and by everything on it.21 And whoever swears by the temple swears by it and the one who dwells in it.

22 And whoever swears by heaven swears by the throne of God and the one who sits on it.
23 “Woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites! You give a tentht of mint, dill, and cumin,s yet you neglect what is more important in the law – justice, mercy, and faithfulness! Yous should have done these things without neglecting the others.

24 Blind guides! You strain out a gnat yet swallow a camel!t
25 “Woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites! You clean the outside of the cup and the dish, but inside they are full of greed and self-indulgence.

26 Blind Pharisee! First clean the inside of the cup,s so that the outside may become clean too!
27 “Woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites! You are like whitewashed tombs that look beautiful on the outside but inside are full of the bones of the dead and of everything unclean.s

28 In the same way, on the outside you look righteous to people, but inside you are full of hypocrisy and lawlessness.
29 “Woe to you, experts in the lawt and you Pharisees, hypocrites! Yout build tombs for the prophets and decorate the gravest of the righteous.30 And you say, ‘If we had lived in the days of our ancestors,t we would not have participated with them in shedding the blood of the prophets.’31 By saying this you testify against yourselves that you are descendants of those who murdered the prophets.32 Fill up then the measure of your ancestors!

33 You snakes, you offspring of vipers! How will you escape being condemned to hell?ts
34 “For this reason It am sending you prophets and wise men and experts in the law,t some of whom you will kill and crucify,s and some you will flogt in your synagoguess and pursue from town to town,35 so that on you will come all the righteous blood shed on earth, from the blood of righteous Abel to the blood of Zechariah son of Barachiah,s whom you murdered between the temple and the altar.

36 I tell you the truth,t this generation will be held responsible for all these things!t

Judgment on Israel

37 “O Jerusalem, Jerusalem,ss you who kill the prophets and stone those who are sent to you!t How often I have longeds to gather your children together as a hen gathers her chicks under her wings, butt you would have none of it!t38 Look, your house is left to you desolate!

39 For I tell you, you will not see me from now until you say, ‘Blessed is the one who comes in the name of the Lord!’”s