previous next

MATEO 24

Zviratidzo zvaMazuva Okupedzisira

1 Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi.2 Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.
3 Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?”
4 Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu.5 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji.6 Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika.7 Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana.8 Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa kwokubereka.
9 “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu.10 Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana,11 uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji.12 Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora.13 Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa.14 Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.
15 “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga nganzwisise,16 ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.17 Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make.18 Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake.19 Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa!20 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata.21 Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve.22 Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa.23 Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda.24 Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka.25 Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika.
26 “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.27 Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.28 Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.

29 “Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,
‘zuva richasviba,
uye mwedzi hauzovheneki;
nyeredzi dzichawa kubva kudenga,
namasimba omuchadenga achazungunuswa.’

30 “Ipapo chiratidzo choMwanakomana woMunhu chichaonekwa kudenga, uye ndudzi dzose dzenyika dzichachema. Vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.31 Uye achatuma vatumwa vake nokurira kwehwamanda kukuru uye vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina dzenyika, kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe.
32 “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava padyo.33 Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo.34 Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.

35 Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Musi neNguva hazvizivikanwi
36 “Hapana anoziva musi kana nguva kunyange vatumwa vokudenga kana Mwanakomana, asi Baba chete.37 Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.38 Nokuti sapamazuva iwayo mafashamu asati auya, vanhu vaidya nokunwa, vaiwana, nokuwanikwa kusvikira pazuva iro Noa akapinda muareka,39 uye vakanga vasingazivi chinhu pamusoro pezvaizoitika kusvikira mafashamu avakukura vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu.40 Varume vaviri vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.41 Vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.
42 “Naizvozvo, garai makagadzirira nokuti hamuzivi zuva iro Ishe wenyu achauya naro.43 Asi nzwisisai izvi: Dai muridzi weimba aiziva kuti inguva ipi yousiku ichauya mbavha, angadai airinda uye haaizotendera kuti imba yake ipazwe.44 Naizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.
45 “Ndiani zvino muranda akatendeka uye akachenjera uyo akaiswa natenzi wake kuti atarire varanda veimba yake kuti agovapa zvokudya panguva yakafanira?46 Akaropafadzwa muranda uyo anowanikwa achiita izvozvo pakudzoka kwatenzi wake.47 Ndinokuudzai chokwadi kuti achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.48 Asi ngatimboti muranda uyo akaipa uye oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu achange asipo kwenguva refu,’49 uye ipapo iye otanga kurova vamwe varanda uye kudya nokunwa nezvidhakwa.50 Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingatarisire napanguva yaasingazivi.

51 Achasvikomugura-gura agomuisa panzvimbo imwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokurumanya kwameno.

Matthew 24

The Destruction of the Temple

1 Nowt as Jesus was going out of the temple courts and walking away, his disciples came to show him the temple buildings.s

2 And he said to them,t “Do you see all these things? I tell you the truth,t not one stone will be left on another.s All will be torn down!”t

Signs of the End of the Age

3 Ast he was sitting on the Mount of Olives, his disciples came to him privately and said, “Tell us, when will these thingss happen? And what will be the sign of your coming and of the end of the age?”4 Jesus answered them,t “Watch outt that no one misleads you.5 For many will come in my name, saying, ‘I am the Christ,’ts and they will mislead many.6 You will hear of wars and rumors of wars. Make sure that you are not alarmed, for this must happen, but the end is still to come.t7 For nation will rise up in armst against nation, and kingdom against kingdom. And there will be faminess and earthquakess in various places.

8 Allt these things are the beginning of birth pains.

Persecution of Disciples

9 “Then they will hand you over to be persecuted and will kill you. You will be hated by all the nationst because of my name.s10 Then many will be led into sin,t and they will betray one another and hate one another.11 And many false prophets will appear and deceivet many,12 and because lawlessness will increase so much, the love of many will grow cold.13 But the person who endures to the end will be saved.s

14 And this gospel of the kingdom will be preached throughout the whole inhabited earth as a testimony to all the nations,t and then the end will come.

The Abomination of Desolation

15 “So when you see the abomination of desolations – spoken about by Daniel the prophet – standing in the holy place (let the reader understand),16 then those in Judea must flees to the mountains.17 The one on the roofs must not come downs to take anything out of his house,18 and the one in the field must not turn back to get his cloak.19 Woet to those who are pregnant and to those who are nursing their babies in those days!20 Prayt that your flight may not be in winter or on a Sabbath.21 For then there will be great sufferingt unlike anything that has happeneds from the beginning of the world until now, or ever will happen.22 And if those days had not been cut short, no one would be saved. But for the sake of the elect those days will be cut short.23 Then if anyone says to you, ‘Look, here is the Christ!’ts or ‘There he is!’ do not believe him.24 For false messiahst and false prophets will appear and perform great signs and wonders to deceive, if possible, even the elect.25 Remember,t I have told you ahead of time.26 So then, if someonet says to you, ‘Look, he is in the wilderness,’t do not go out, or ‘Look, he is in the inner rooms,’ do not believe him.27 For just like the lightnings comes from the east and flashes to the west, so the coming of the Son of Man will be.

28 Wherever the corpse is, there the vulturests will gather.t

The Arrival of the Son of Man

29 “Immediatelyt after the sufferingt of those days, the sun will be darkened, and the moon will not give its light; the stars will fall from heaven, and the powers of heaven will be shaken.s30 Thent the sign of the Son of Man will appear in heaven,t andt all the tribes of the earth will mourn. Theyt will see the Son of Man arriving on the clouds of heavens with power and great glory.

31 And he will send his angels with a loud trumpet blast, and they will gather his elect from the four winds, from one end of heavent to the other.

The Parable of the Fig Tree

32 “Learnt this parable from the fig tree: Whenever its branch becomes tender and puts out its leaves, you know that summer is near.33 So also you, when you see all these things, knowt that he is near, right at the door.34 I tell you the truth,t this generations will not pass away until all these things take place.

35 Heaven and earth will pass away, but my words will never pass away.s

Be Ready!

36 “But as for that day and hour no one knows it – not even the angels in heavens – except the Father alone.37 For just like the days of Noahs were, so the coming of the Son of Man will be.38 For in those days before the flood, peoplet were eating and drinking, marrying and giving in marriage, until the day Noah entered the ark.39 And they knew nothing until the flood came and took them all away.s It will be the same at the coming of the Son of Man.t40 Then there will be two men in the field; one will be taken and one left.s

41 There will be two women grinding grain with a mill;t one will be taken and one left.
42 “Therefore stay alert, because you do not know on what days your Lord will come.43 But understand this: If the owner of the house had known at what time of night the thiefs was coming, he would have been alert and would not have let his house be broken into.

44 Therefore you also must be ready, because the Son of Man will come at an hour when you do not expect him.s

The Faithful and Wise Slave

45 “Who then is the faithful and wise slave,t whom the master has put in charge of his household, to give the other slavest their food at the proper time?46 Blessed is that slave whom the master finds at workt when he comes.47 I tell you the truth,t the mastert will put him in charge of all his possessions.48 But ift that evil slave should say to himself,t ‘My master is staying away a long time,’49 and he begins to beat his fellow slaves and to eat and drink with drunkards,50 then the master of that slave will come on a day when he does not expect him and at an hour he does not foresee,

51 and will cut him in two,t and assign him a place with the hypocrites, where there will be weeping and gnashing of teeth.