previous next

MATEO 25

Mufananidzo waVasikana Gumi

1 Panguva iyoyo umambo hwokudenga huchange hwakafanana navasikana gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba.2 Vashanu vavo vakanga vari mapenzi uye vashanu vavo vakanga vakachenjera.3 Mapenzi vaya vakatora mwenje yavo asi havana kuisa mafuta mairi.4 Kunyange zvakadaro, vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo pamwe chete nemwenje yavo.5 Chikomba chakanonoka kusvika, vakabatwa nehope ndokuvata.
6 “Pava pakati pousiku vakanzwa nemheremhere: ‘Chikomba chauya! Budai mumuchingamidze!’
7 “Ipapo vasikana vose vakamuka uye vakagadziridza mwenje yavo.8 Mapenzi akati kuna vakachenjera, ‘Tipeiwo mamwe emafuta enyu; mwenje yedu yava kudzima.’
9 “Vakapindura vakati, ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose. Asi endai kuna vaya vanotengesa mafuta mugondozvitengera mamwe.’
10 “Asi vachiri munzira kundotenga mafuta, chikomba chakasvika. Vasikana vakanga vakagadzirira vakapinda naye mumutambo wesvitsa uye musuo ukapfigwa.
11 “Pashure vamwe vaya vakadzokawo. Vakati, ‘Ishe! Ishe! Tizarurireiwo musuo!’
12 “Asi akavapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivei.’

13 “Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.

Mufananidzo waMatarenda
14 “Zvakare, zvichaita somurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake.15 Kuno mumwe akapa matarenda mashanu emari, uye kuno mumwe matarenda maviri, uye kuno mumwe tarenda rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Ipapo akaenda zvake parwendo rwake.16 Murume akapiwa matarenda mashanu akaenda pakarepo akandoshandisa mari yake akawanazve mamwe mashanu.17 Saizvozvo uya aiva namatarenda maviri akawana mamwe maviri.18 Asi murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake.
19 “Shure kwenguva refu tenzi wavaranda vaya akadzoka akagadzirisa nezvemari idzi navo.20 Murume akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe mashanu, akati, ‘Tenzi, makandipa matarenda mashanu, tarirai ndakawana mamwe mashanu.’
21 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
22 “Murume akanga apiwa matarenda maviri akauyawo. Akati, ‘Tenzi makandipa matarenda maviri, tarirai ndakawanazve mamwe maviri.’
23 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
24 “Ipapo murume akanga apiwa tarenda rimwe chete akauya, akati, ‘Tenzi, ndakaziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kukusha mbeu.25 Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi.’
26 “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe muranda akaipa, ano usimbe! Saka wakanga uchiziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kukusha mbeu?27 Zvino ungadai wakachengetesa mari yangu kune vamabhangi kuitira kuti pakudzoka kwangu ndaizoiwana yabereka.
28 “‘Mutorerei tarenda iri mupe kune uyo ane matarenda gumi.29 Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, achava nezvakawanda. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa.

30 Uye chikandai muranda uyo asingabatsiri kunze kurima, uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

Makwai neMbudzi
31 “Mwanakomana woMunhu paanouya nokubwinya kwake, uye vatumwa vose vanaye, achagara pachigaro chake choushe mukubwinya kwokudenga.32 Ndudzi dzose dzichaunganidzwa pamberi pake, achatsaura vanhu mumwe kubva kuno mumwe somufudzi anotsaura makwai kubva kumbudzi.33 Achaisa makwai kurudyi rwake, uye mbudzi kuruboshwe rwake.
34 “Ipapo Mambo achati kuna avo vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makaropafadzwa naBaba vangu, mutore nhaka yenyu, umambo hwamakagadzirirwa kubva pakusikwa kwenyika.35 Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba,36 ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’
37 “Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa?38 Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai?39 Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’
40 “Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’
41 “Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake.42 Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa,43 ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’
44 “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’
45 “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.”

46 “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”

Matthew 25

The Parable of the Ten Virgins

1 “At that time the kingdom of heaven will be like ten virgins who took their lamps and went out to meet the bridegroom.2 Fivet of the virginst were foolish, and five were wise.3 Whent the foolish ones took their lamps, they did not take extrat olive oilt with them.4 But the wise ones took flasks of olive oil with their lamps.5 Whent the bridegroom was delayed a long time, they all became drowsy and fell asleep.6 But at midnight there was a shout, ‘Look, the bridegroom is here! Come out to meet him.’s7 Then all the virgins woke up and trimmed their lamps.8 Thet foolish ones said to the wise, ‘Give us some of your oil, because our lamps are going out.’9 ‘No,’ they replied.t ‘There won’t be enough for you and for us. Go instead to those who sell oil and buy some for yourselves.’10 But while they had gone to buy it, the bridegroom arrived, and those who were ready went inside with him to the wedding banquet. Thent the door was shut.11 Later,t the other virgins came too, saying, ‘Lord, lord! Let us in!’t12 But he replied,t ‘I tell you the truth,t I do not know you!’

13 Therefore stay alert, because you do not know the day or the hour.s

The Parable of the Talents

14 “For it is like a man going on a journey, who summoned his slavest and entrusted his property to them.15 Tot one he gave five talents,s to another two, and to another one, each according to his ability. Then he went on his journey.16 The one who had received five talents went off right away and put his money to workt and gained five more.17 In the same way, the one who had two gained two more.18 But the one who had received one talent went out and dug a hole in the ground and hid his master’s money in it.19 Aftert a long time, the master of those slaves came and settled his accounts with them.20 Thet one who had received the five talents came and brought five more, saying, ‘Sir,t you entrusted me with five talents. See, I have gained five more.’21 His master answered,t ‘Well done, good and faithful slave! You have been faithful in a few things. I will put you in charge of many things. Enter into the joy of your master.’22 Thet one with the two talents also came and said, ‘Sir, you entrusted two talents to me. See, I have gained two more.’23 His master answered, ‘Well done, good and faithful slave! You have been faithful with a few things. I will put you in charge of many things. Enter into the joy of your master.’24 Then the one who had received the one talent came and said, ‘Sir, I knew that you were a hard man, harvesting where you did not sow, and gathering where you did not scatter seed,25 sot I was afraid, and I went and hid your talent in the ground. See, you have what is yours.’26 But his master answered,t ‘Evil and lazy slave! So you knew that I harvest where I didn’t sow and gather where I didn’t scatter?27 Then you should have deposited my money with the bankers,t and on my return I would have received my money back with interest!s28 Therefore take the talent from him and give it to the one who has ten.t29 For the one who has will be given more,ts and he will have more than enough. But the one who does not have, even what he has will be taken from him.s

30 And throw that worthless slave into the outer darkness, where there will be weeping and gnashing of teeth.’

The Judgment

31 “Whent the Son of Man comes in his glory and all the angels with him, then he will sit on his glorious throne.32 Allt the nations will be assembled before him, and he will separate people one from another like a shepherd separates the sheep from the goats.33 Het will put the sheep on his right and the goats on his left.34 Then the king will say to those on his right, ‘Come, you who are blessed by my Father, inherit the kingdom prepared for you from the foundation of the world.35 For I was hungry and you gave me food, I was thirsty and you gave me something to drink, I was a stranger and you invited me in,36 I was naked and you gave me clothing, I was sick and you took care of me, I was in prison and you visited me.’37 Then the righteous will answer him,t ‘Lord, when did we see you hungry and feed you, or thirsty and give you something to drink?38 Whent did we see you a stranger and invite you in, or naked and clothe you?39 Whent did we see you sick or in prison and visit you?’

40 And the king will answer them,t ‘I tell you the truth,t just as you did it for one of the least of these brothers or sisterst of mine, you did it for me.’
41 “Then he will sayt to those on his left, ‘Depart from me, you accursed, into the eternal fire that has been prepared for the devil and his angels!42 For I was hungry and you gave me nothing to eat, I was thirsty and you gave me nothing to drink.43 I was a stranger and you did not receive me as a guest, naked and you did not clothe me, sick and in prison and you did not visit me.’44 Then they too will answer,t ‘Lord, when did we see you hungry or thirsty or a stranger or naked or sick or in prison, and did not give you whatever you needed?’45 Then he will answer them,t ‘I tell you the truth,t just as you did not do it for one of the least of these, you did not do it for me.’

46 And these will depart into eternal punishment, but the righteous into eternal life.”