MATEO 5
Mharidzo yaJesu paGomo
1 Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari,
2 uye akatanga kuvadzidzisa achiti:
3 “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
4 Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
5 Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika.
6 Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.
7 Vakaropafadzwa vane tsitsi nokuti naivowo vachaitirwa tsitsi.
8 Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.
9 Vakaropafadzwa vanoyananisa nokuti vachanzi vana vaMwari.
10 Vakaropafadzwa vanotambudzwa nokuda kwokururama nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.
11 “Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikutukai, vachikutambudzai uye vachikupomerai zvakaipa zvose nokuda kwangu.
12 Farai mufarisise kwazvo nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti nenzira imwe cheteyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.
Munyu neChiedza
13 “Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
14 “Imi muri chiedza chenyika. Guta riri pamusoro pegomo haringavanziki.15 Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba.
16 Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
Kuzadziswa kwoMurayiro
17 “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Murayiro kana Vaprofita; handina kuuya kuzozviparadza asi kuzozvizadzisa.18 Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.19 Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
20 Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
Kuuraya
21 “Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’22 Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.
23 “Naizvozvo kana wada kupa chipo chako paaritari, ukayeuka pakarepo kuti wakatadzira hama yako,24 siya chipo chako ipapo pamberi pearitari. Tanga waenda undoyanana nehama yako, wozouya wopa chipo chako.
25 “Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
26 Ndinokuudzai chokwadi kuti haungabudimo kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
Upombwe
27 “Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’28 Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.29 Kana ziso rako rorudyi richikuita kuti utadze, ribvise urirase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako pano kuti muviri wako wose ukandwe mugehena.
30 Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.
Kurambana
31 “Zvakanzi, ‘Ani naani anoramba mukadzi wake anofanira kumupa gwaro rokurambana.’
32 Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
Mhiko
33 “Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’34 Asi ndinokuudzai kuti, Musatongopika: kunyange nedenga nokuti ndiro chigaro chaMwari choumambo;35 kana nenyika nokuti ndiyo chitsiko chetsoka dzake; kana Jerusarema nokuti ndiro guta raMambo Mukuru.36 Uye usapika nomusoro wako nokuti haugoni kuita kuti bvudzi rimwe chete rive jena kana dema.
37 Hongu yako ngaingova ‘Hongu’, ne‘Kwete’ yako ive ‘Kwete’; zvimwe zvinopfuura izvi zvinobva kuno wakaipa.
Ziso neziso
38 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso, uye zino rinotsiviwa nezino.’39 Asi ndinokuudzai kuti, ‘Musadzivisa munhu akaipa. Kana munhu akakurova padama rorudyi, murinzire roruboshwewo.40 Kana munhu akakukwirira kumatare achida kukutorera nguo yako, rega atorewo nejasi rako.41 Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
42 Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.’
Rudo kuVavengi Venyu
43 “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ida wokwako, uvenge muvengi wako.’44 Asi ini ndinokuudzai kuti, ‘Idai vavengi venyu, mugonyengeterera avo vanokutambudzai,’45 kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.46 Kana mukangoda avo vanokudai, muchawana mubayiro wei? Vateresi havaiti zvimwe chetezvo here?47 Kana muchingokwazisana nehama dzenyu bedzi, mungakunda vamwe pakudii? Ko, vasingatendi havaiti zvimwe chetezvo here?
48 Naizvozvo, ivai vakakwana, sezvo Baba venyu vari kudenga vari vakakwana.
Matthew 5
The Beatitudes
1 Whent he saw the crowds, he went up the mountain.ts After he sat down his disciples came to him.
2 Thent he began to teacht them by saying:
3 “Blesseds are the poor in spirit,s for the kingdom of heaven belongss to them.
4 “Blessed are those who mourn, for they will be comforted.s
5 “Blessed are the meek, for they will inherit the earth.
6 “Blessed are those who hungers and thirst for righteousness, for they will be satisfied.
7 “Blessed are the merciful, for they will be shown mercy.
8 “Blessed are the pure in heart, for they will see God.
9 “Blessed are the peacemakers, for they will be called the childrent of God.
10 “Blessed are those who are persecuted for righteousness, for the kingdom of heaven belongs to them.
11 “Blessed are you when peoplet insult you and persecute you and say all kinds of evil things about you falselys on account of me.
12 Rejoice and be glad because your reward is great in heaven, for they persecuted the prophets before you in the same way.
Salt and Light
13 “You are the salts of the earth. But if salt loses its flavor,s how can it be made salty again? It is no longer good for anything except to be thrown out and trampled on by people.14 You are the light of the world. A city located on a hill cannot be hidden.15 Peoplet do not light a lamp and put it under a baskett but on a lampstand, and it gives light to all in the house.
16 In the same way, let your light shine before people, so that they can see your good deeds and give honor to your Father in heaven.
Fulfillment of the Law and Prophets
17 “Do not think that I have come to abolish the law or the prophets. I have not come to abolish these things but to fulfill them.t18 It tell you the truth,t until heaven and earth pass away not the smallest letter or stroke of a letterts will pass from the law until everything takes place.19 So anyone who breaks one of the least of these commands and teaches otherst to do so will be called least in the kingdom of heaven, but whoever obeys them and teaches others to do so will be called great in the kingdom of heaven.
20 For I tell you, unless your righteousness goes beyond that of the experts in the lawt and the Pharisees,s you will never enter the kingdom of heaven.
Anger and Murder
21 “You have heard that it was said to an older generation,t ‘Do not murder,’s and ‘whoever murders will be subjected to judgment.’22 But I say to you that anyone who is angry with a brothers will be subjected to judgment. And whoever insultst a brother will be brought beforet the council,t and whoever says ‘Fool’t will be sentt to fiery hell.ts23 So then, if you bring your gift to the altar and there remember that your brother has something against you,24 leave your gift there in front of the altar. First go and be reconciled to your brother and then come and present your gift.25 Reach agreementt quickly with your accuser while on the way to court,t or het may hand you over to the judge, and the judge hand you over to the warden, and you will be thrown into prison.
26 I tell you the truth,t you will never get out of there until you have paid the last penny!ts
Adultery
27 “You have heard that it was said, ‘Do not commit adultery.’s28 But I say to you that whoever looks at a woman to desire her has already committed adultery with her in his heart.29 If your right eye causes you to sin, tear it out and throw it away! It is better to lose one of your members than to have your whole body thrown into hell.s
30 If your right hand causes you to sin, cut it off and throw it away! It is better to lose one of your members than to have your whole body go into hell.
Divorce
31 “It was said, ‘Whoever divorces his wife must give her a legal document.’s
32 But I say to you that everyone who divorces his wife, except for immorality, makes her commit adultery, and whoever marries a divorced woman commits adultery.
Oaths
33 “Again, you have heard that it was said to an older generation,t ‘Do not break an oath, but fulfill your vows to the Lord.’s34 But I say to you, do not take oaths at all – not by heaven, because it is the throne of God,35 not by earth, because it is his footstool, and not by Jerusalem,s because it is the city of the great King.36 Do not take an oath by your head, because you are not able to make one hair white or black.
37 Let your word be ‘Yes, yes’ or ‘No, no.’ More than this is from the evil one.t
Retaliation
38 “You have heard that it was said, ‘An eye for an eye and a tooth for a tooth.’s39 But I say to you, do not resist the evildoer.t But whoever strikes you on thes right cheek, turn the other to him as well.40 And if someone wants to sue you and to take your tunic,t give him your coat also.41 And if anyone forces you to go one mile,s go with him two.
42 Give to the one who asks you,s and do not rejectt the one who wants to borrow from you.
Love for Enemies
43 “You have heard that it was said, ‘Love your neighbor’s and ‘hate your enemy.’44 But I say to you, love your enemy ands pray for those who persecute you,45 so that you may be liket your Father in heaven, since he causes the sun to rise on the evil and the good, and sends rain on the righteous and the unrighteous.46 For if you love those who love you, what reward do you have? Even the tax collectorss do the same, don’t they?47 And if you only greet your brothers, what more do you do? Even the Gentiles do the same, don’t they?
48 So then, be perfect, as your heavenly Father is perfect.s