previous next

MATEO 6

Kupa kuVarombo

1 “Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.
2 “Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.3 Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi,

4 kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.

Kunyengetera
5 “Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.7 Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.8 Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.

9 “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita:

“‘Baba vedu vari kudenga,
zita renyu ngarikudzwe,
10 umambo hwenyu ngahuuye,
kuda kwenyu ngakuitwe panyika
sezvinoitwa kudenga.
11 Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.
12 Tiregererei zvatinokutadzirai,
sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

13 Uye musatitungamirira mukuedzwa,
asi mutinunure kubva kuno wakaipa.’

14 “Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.

15 Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.

Kutsanya
16 “Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.17 Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu,

18 kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.

Pfuma yoKudenga
19 “Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba.20 Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.21 Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.
22 “Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza.23 Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!

24 “Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

Musafunganya
25 “Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hausi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?26 Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?27 Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?
28 “Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka.29 Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya.30 Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?31 Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’32 Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.33 Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

34 Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

Matthew 6

Pure-hearted Giving

1 “Bes careful not to display your righteousness merely to be seen by people.t Otherwise you have no reward with your Father in heaven.2 Thus whenever you do charitable giving,t do not blow a trumpet before you, as the hypocrites do in synagoguess and on streets so that people will praise them. I tell you the truth,t they have their reward.3 But when you do your giving, do not let your left hand know what your right hand is doing,

4 so that your gift may be in secret. And your Father, who sees in secret, will reward you.s

Private Prayer

5 “Whenever you pray, do not be like the hypocrites, because they love to pray while standing in synagoguess and on street corners so that people can see them. Truly I say to you, they have their reward.6 But whenever you pray, go into your room,s close the door, and pray to your Father in secret. And your Father, who sees in secret, will reward you.ss7 Whent you pray, do not babble repetitiously like the Gentiles, because they think that by their many words they will be heard.8 Dot not be like them, for your Father knows what you need before you ask him.

9 So pray this way:s
Our Fathers in heaven, may your name be honored,t

10 may your kingdom come,s
may your will be done on earth as it is in heaven.

11 Give us today our daily bread,t

12 and forgive us our debts, as we ourselvest have forgiven our debtors.

13 And do not lead us into temptation,ts but deliver us from the evil one.st
14 “For if you forgive otherst their sins, your heavenly Father will also forgive you.

15 But if you do not forgive others, your Father will not forgive you your sins.

Proper Fasting

16 “Whent you fast, do not look sullen like the hypocrites, for they make their faces unattractivet so that people will see them fasting. I tell you the truth,t they have their reward.17 Whent you fast, put oil on your head and wash your face,

18 so that it will not be obvious to others when you are fasting, but only to your Father who is in secret. And your Father, who sees in secret, will reward you.

Lasting Treasure

19 “Do not accumulate for yourselves treasures on earth, where motht and rust destroy and where thieves break in and steal.20 But accumulate for yourselves treasures in heaven, where moth and rust do not destroy, and thieves do not break in and steal.

21 For where yourt treasures is, there your heart will be also.
22 “The eye is the lamp of the body. If then your eye is healthy,t your whole body will be full of light.

23 But if your eye is diseased,ts your whole body will be full of darkness. If then the light in you is darkness, how great is the darkness!

24 “No one can serve two masters, for either he will hates the one and love the other, or he will be devoted to the one and despiset the other. You cannot serve God and money.ts

Do Not Worry

25 “Therefore I tell you, do not worryt about your life, what you will eat or drink, or about your body, what you will wear. Isn’t there more to life than food and more to the body than clothing?26 Look at the birds in the sky:t They do not sow, or reap, or gather into barns, yet your heavenly Father feedst them. Aren’t you more valuablet than they are?27 And which of you by worrying can add even one hour to his life?t28 Why do you worry about clothing? Think about how the flowerst of the field grow; they do not workt or spin.29 Yet I tell you that not even Solomon in all his glory was clothed like one of these!30 And if this is how God clothes the wild grass,t which is here today and tomorrow is tossed into the fire to heat the oven,ts won’t he clothe you even more,s you people of little faith?31 So then, don’t worry saying, ‘What will we eat?’ or ‘What will we drink?’ or ‘What will we wear?’32 For the unconvertedt pursue these things, and your heavenly Father knows that you need them.33 But above all pursue his kingdomss and righteousness, and all these things will be given to you as well.

34 So then, do not worry about tomorrow, for tomorrow will worry about itself. Today has enough trouble of its own.t