previous next

MATEO 7

Kutonga vamwe

1 “Usatonga kuti newewo urege kutongwa.2 Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.
3 “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?4 Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?5 Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.

Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai
7 “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.8 Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
9 “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?10 Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?11 Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!

12 Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti uyu ndiwo Murayiro naVaprofita.

Suo Rakamanikana neSuo Rakapamhamha
13 “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.

14 Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Muti nomuchero wawo
15 “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.16 Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?17 Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.18 Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.19 Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.20 Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
21 “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.22 Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’

23 Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi
24 “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.25 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.26 Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.27 Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya uye ikawa nokuwa kukuru.”
28 Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,

29 nokuti akadzidzisa somunhu aiva nesimba kwete samadzidzisiro aitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

Matthew 7

Do Not Judge

1 “Do not judge so that you will not be judged.s2 For by the standard you judge you will be judged, and the measure you use will be the measure you receive.t3 Whyt do you see the specks in your brother’s eye, but fail to seet the beam of woods in your own?4 Or how can you sayt to your brother, ‘Let me remove the speck from your eye,’ while there is a beam in your own?5 You hypocrite! First remove the beam from your own eye, and then you can see clearly to remove the speck from your brother’s eye.

6 Do not give what is holy to dogs or throw your pearls before pigs; otherwise they will trample them under their feet and turn around and tear you to pieces.t

Ask, Seek, Knock

7 “Asks and it will be given to you; seek and you will find; knock and the doort will be opened for you.8 For everyone who askss receives, and the one who seeks finds, and to the one who knocks, the door will be opened.9 Ist there anyone among you who, if his son asks for bread, will give him a stone?10 Or if he asks for a fish, will give him a snake?s11 If you then, although you are evil,t know how to give good gifts to your children, how much more will your Father in heaven give good giftss to those who ask him!

12 Int everything, treat others as you would want themt to treat you,s for this fulfillst the law and the prophets.

The Narrow Gate

13 “Enter through the narrow gate, because the gate is wide and the way is spacious that leads to destruction, and there are many who enter through it.

14 But the gate is narrow and the way is difficult that leads to life, and there are few who find it.

A Tree and Its Fruit

15 “Watch out for false prophets, who come to you in sheep’s clothing but inwardly are voracious wolves.s16 You will recognize them by their fruit. Grapes are not gatheredt from thorns or figs from thistles, are they?s17 In the same way, every good tree bears good fruit, but the badt tree bears bad fruit.18 A good tree is not able to bear bad fruit, nor a bad tree to bear good fruit.19 Every tree that does not bear good fruit is cut down and thrown into the fire.

20 So then, you will recognize them by their fruit.

Judgment of Pretenders

21 “Not everyone who says to me, ‘Lord, Lord,’s will enter into the kingdom of heaven – only the one who does the will of my Father in heaven.22 On that day, many will say to me, ‘Lord, Lord, didn’t we prophesy in your name, and in your name cast out demons and dot many powerful deeds?’

23 Then I will declare to them, ‘I never knew you. Go away from me, you lawbreakers!’t

Hearing and Doing

24 “Everyonet who hears these words of mine and does them is liket a wise mant who built his house on rock.25 The rain fell, the floodt came, and the winds beat against that house, but it did not collapse because it had been founded on rock.26 Everyone who hears these words of mine and does not do them is like a foolish man who built his house on sand.

27 The rain fell, the flood came, and the winds beat against that house, and it collapsed; it was utterly destroyed!”t
28 Whent Jesus finished saying these things, the crowds were amazed by his teaching,

29 because he taught them like one who had authority,s not like their experts in the law.t