previous next

VAFIRIPI 1

1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu,
Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:

2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu.

Kuvonga noKunyengetera
3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro5 nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,6 ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
7 Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.8 Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.
9 Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,10 kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,

11 muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.

Kusungwa kwaPauro kunofambisa vhangeri
12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.13 Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wose nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu.14 Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.
15 Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka.16 Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri.17 Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.18 Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara.
Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
19 nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.20 Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, hungava upenyu kana rufu.21 Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.22 Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!23 Ndiri pakati pezvinhu zviviri izvi: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;24 asi zvinokosha zvikuru kwamuri kuti ndigare mumuviri uyu.25 Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda,26 kuitira kuti ndichinge ndinemi zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.
27 Zvisinei hazvo, mufambe henyu nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,28 musingatyiswi nenzira ipi zvayo naavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa, uye naiye Mwari.29 Nokuti makapiwa imi nokuda kwaKristu kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake,

30 sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.

Philippians 1

Salutation

1 From Pault and Timothy, slavests of Christ Jesus, to all the saints in Christ Jesus who are in Philippi,s with the overseerss and deacons.

2 Grace and peace to yout from God our Father and the Lord Jesus Christ!

Prayer for the Church

3 I thank my God every time I remember you.t4 I always pray with joy in my every prayer for all of you5 because of your participations in the gospel from the first day until now.t6 For I am sure of this very thing,t that the onet who began a good work int you will perfect itt until the day of Christ Jesus.7 Fort it is right for me to think this about all of you, because I have you in my heart,t since both in my imprisonmentt and in the defense and confirmation of the gospel all of you became partners in God’s gracet together with me.8 For God is my witness that I long for all of you with the affection of Christ Jesus.9 And I pray this, that your love may abound even more and more in knowledge and every kind of insight10 so that you can decide what is best, and thus be sincere and blameless for the day of Christ,

11 filled with the fruit of righteousness that comes through Jesus Christ to the glory and praise of God.

Ministry as a Prisoner

12 I want you to know, brothers and sisters,t that my situation has actually turned out to advance the gospel:t13 Thet whole imperial guards and everyone else knowst that I am in prisont for the sake of Christ,

14 and most of the brothers and sisters,t having confidence in the Lordt because of my imprisonment, now more than evert dare to speak the words fearlessly.
15 Some, to be sure, are preaching Christ from envy and rivalry, but others from goodwill.16 The latter do so from love because they know that I am placed here for the defense of the gospel.17 The former proclaim Christ from selfish ambition, not sincerely, because they think they can cause trouble for me in my imprisonment.t

18 What is the result? Only that in every way, whether in pretense or in truth, Christ is being proclaimed, and in this I rejoice.
Yes,t and I will continue to rejoice,
19 for I know that this will turn out for my deliverancets through your prayers and the help of the Spirit of Jesus Christ.20 My confident hopet is that I will in no way be ashamedt but that with complete boldness, even now as always, Christ will be exalted in my body, whether I live or die.t21 For to me, living is Christ and dying is gain.22 Now if I am to go on living in the body,t this will mean productive workt for me, yet I don’t know which I prefer:ts23 I feel torn between the two,t because I have a desire to depart and be with Christ, which is better by far,24 but it is more vital for your sake that I remaint in the body.t25 And since I am sure of this, I know that I will remain and continue with all of you for the sake of your progresst and joy in the faith,s

26 so that what you can be proud of may increaset because of me in Christ Jesus, when I come back to you.t
27 Only conduct yourselvests in a manner worthy of the gospel of Christ so that – whether I come and see you or whether I remain absent – I should hear thatt you are standing firm in one spirit, with one mind, by contending side by side for the faith of the gospel,t28 and by not being intimidated in any way by your opponents. This ists a sign of theirts destruction, but of your salvation – a sign whicht is from God.29 For it has been granted to yout not only to believe in Christ but also to suffer for him,

30 since you are encounteringt the same conflict that you saw me face and now hear that I am facing.t