previous next

VAFIRIPI 2

Kutevedzera Kuzvininipisa kwaKristu

1 Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi,2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.4 Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake, asi zvavamwewo.

5 Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:

6 Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye,
haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
7 asi akazviita chinhu pasina,
akatora chimiro chomuranda chaiye,
akaitwa somunhu.
8 Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa
uye akateerera kusvikira pakufa,
kunyange rufu pamuchinjikwa.
9 Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,
uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
10 kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,
mudenga napanyika uye napasi penyika,

11 uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye She,
kuti Mwari Baba vakudzwe.

Kupenya seNyeredzi
12 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,13 nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
14 Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,15 kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika16 sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.17 Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.

18 Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.

Timoti naEpafrodhito
19 Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.20 Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.21 Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.22 Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.23 Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.24 Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
25 Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhito, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azoona nezvokushayiwa kwangu.26 Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara.27 Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa.28 Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma.29 Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye,

30 nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake pangozi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.

Philippians 2

Christian Unity and Christ’s Humility

1 Therefore, if there is any encouragement in Christ, any comfort provided by love, any fellowship in the Spirit,t any affection or mercy,t2 complete my joy and be of the same mind,t by having the same love, being united in spirit,t and having one purpose.3 Instead of being motivated by selfish ambitiont or vanity, each of you should, in humility, be moved to treat one another as more important than yourself.4 Each of you should be concernedt not onlyt about your own interests, but about the interests of others as well.st

5 You should have the same attitude toward one another that Christ Jesus had,t

6 s who though he existed in the form of Gods
did not regard equality with God
as something to be grasped,

7 but emptied himself
by taking on the form of a slave,t
by looking like other men,ts
and by sharing in human nature.ts

8 He humbled himself,
by becoming obedient to the point of death
– even death on a cross!

9 As a result God exalted him
and gave him the name
that is above every name,

10 so that at the name of Jesus
every knee will bow
– in heaven and on earth and under the earth –

11 and every tongue confess
that Jesus Christ is Lord
to the glory of God the Father.

Lights in the World

12 So then, my dear friends, just as you have always obeyed, not only in my presence but even more in my absence, continue working out your salvation with awe and reverence,t13 for the one bringing forth in you both the desire and the effort – for the sake of his good pleasure – is God.14 Do everything without grumbling or arguing,15 so that you may be blameless and pure, children of God without blemish though you live in a crooked and perverse society, in which you shine as lights in the worldt16 by holding on tot the word of life so that on the day of Christ I will have a reason to boast that I did not run in vain nor labor in vain.17 But even if I am being poured out like a drink offering on the sacrifice and service of your faith, I am glad and rejoice together with all of you.

18 And in the same way you also should be glad and rejoice together with me.

Models for Ministry

19 Now I hope in the Lord Jesus to send Timothy to you soon, so that I too may be encouraged by hearing news about you.20 For there is no one here like him who will readily demonstrate his deep concern for you.t21 Others are busy with their own concerns, not those of Jesus Christ.22 But you know his qualifications, that like a son working with his father, he served with me in advancing the gospel.23 So I hope to send him as soon as I know more about my situation,

24 though I am confident in the Lord that I too will be coming to see yout soon.
25 But for nowt I have considered it necessary to send Epaphroditus to you. For he is my brother,ts coworker and fellow soldier, and your messengert and ministert to me in my need.t26 Indeed, he greatly missed all of you and was distressed because you heard that he had been ill.27 In fact he became so ill that he nearly died.t But God showed mercy to him – and not to him only, but also to me – so that I would not have grief on top of grief.28 Therefore I am all the more eager to send him,t so that when you see him again you can rejoicet and I can be free from anxiety.29 So welcome him in the Lord with great joy, and honor people like him,

30 since it was because of the work of Christ that he almost died. He risked his life so that he could make up for your inability to serve me.t