previous next

VAFIRIPI 4

1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!

Kurudziro
2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremendi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
4 Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!5 Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ari pedyo.6 Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari.7 Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8 Pakupedzisira hama, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

9 Zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Anovonga Zvipo Zvavo
10 Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.11 Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.12 Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
14 Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.15 Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;16 nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.17 Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.18 Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhito chipo chamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.19 Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.

20 Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

Mashoko Okupedzisira
21 Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.22 Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.

Philippians 4

Christian Practices

1 So then, my brothers and sisters,t dear friends whom I long to see, my joy and crown, stand in the Lord in this way, my dear friends!
2 I appeal to Euodia and to Syntyche to agree in the Lord.3 Yes, I say also to you, true companion,t help them. They have struggled together in the gospel ministryt along with me and Clement and my other coworkers, whose names are in the book of life.4 Rejoice in the Lord always. Again I say, rejoice!5 Let everyone see your gentleness.t The Lord is near!6 Do not be anxious about anything. Instead, in every situation, through prayer and petition with thanksgiving, tell your requests to God.

7 And the peace of God that surpasses all understanding will guard your hearts and mindst in Christ Jesus.
8 Finally, brothers and sisters,t whatever is true, whatever is worthy of respect, whatever is just, whatever is pure, whatever is lovely, whatever is commendable, if something is excellent or praiseworthy, think about these things.

9 And what you learned and received and heard and saw in me, do these things. And the God of peace will be with you.

Appreciation for Support

10 I have great joy in the Lord because now at last you have again expressed your concern for me. (Now I know you were concerned before but had no opportunity to do anything.)t11 I am not saying this because I am in need, for I have learned to be content in any circumstance.12 I have experienced times of need and times of abundance. In any and every circumstance I have learned the secret of contentment,t whether I go satisfied or hungry, have plenty or nothing.13 I am able to do all thingst through the ones who strengthens me.

14 Nevertheless, you did well to share with me in my trouble.
15 And as you Philippians know, at the beginning of my gospel ministry, when I left Macedonia, no church shared with me in this matter of giving and receiving except you alone.16 For even in Thessalonicas on more than one occasiont you sent something for my need.17 I do not say this because I am seeking a gift.t Rather, I seek the credit that abounds to your account.18 For I have received everything, and I have plenty. I have all I need because I received from Epaphroditus what you sent – a fragrant offering, an acceptable sacrifice, very pleasing to God.19 And my God will supply your every need according to his glorious richest in Christ Jesus.

20 May glory be given to God our Father forever and ever. Amen.

Final Greetings

21 Give greetings to all the saints in Christ Jesus. The brotherst with me here send greetings.22 All the saints greet you, especially those who belong to Caesar’s household.

23 The grace of the Lord Jesus Christ be with your spirit.s