previous next

ZVAKAZARURWA 12

Mukadzi neShato

1 Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.2 Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.3 Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo.4 Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.5 Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.6 Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
7 Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo.8 Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga.9 Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.

10 Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:

“Zvino ruponeso nesimba
noumambo hwaMwari wedu zvasvika,
uye nesimba raKristu wake.
Nokuti mupomeri wehama dzedu,
Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,
akandwa panyika.
11 Vakamukunda
neropa reGwayana
uye neshoko rokupupura kwavo;
havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya
zvokuti vangatya kufa.

12 Naizvozvo farai, imi matenga
nemi munogara maari!
Asi mune nhamo imi nyika negungwa,
nokuti dhiabhori aburuka kwamuri!
Akatsamwa kwazvo,
nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”

13 Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana.14 Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.
15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu.
16 Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo uye ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo.

17 Ipapo shato yakatsamwira mukadzi uye ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachibatirira pauchapupu hwaJesu.

Revelation 12

The Woman, the Child, and the Dragon

1 Thent a great sign appeared in heaven: a woman clothed with the sun, and with the moon under her feet, and on her head was a crown of twelve stars.s2 Shet was pregnant and was screaming in labor pains, strugglingt to give birth.3 Thent another sign appeared in heaven: a huge red dragon that had seven heads and ten horns, and on its heads were seven diadem crowns.ts4 Nowt the dragon’st tail swept away a third of the stars in heaven and hurled them to the earth. Thent the dragon stood before the woman who was about to give birth, so that he might devour her child as soon as it was born.5 Sot the woman gave birth to a son, a male child,t who is going to ruletover all the nationstwith an iron rod.ts Hert child was suddenly caught up to God and to his throne,

6 and shet fled into the wildernesst where a place had been prepared for hert by God, so she could be taken care oft for 1,260 days.

War in Heaven

7 Thent war broke out in heaven: Michaels and his angels fought against the dragon, and the dragon and his angels fought back.8 Butt the dragon was not strong enough to prevail,t so there was no longer any place leftt in heaven for him and his angels.t9 Sot that huge dragon – the ancient serpent, the one called the devil and Satan, who deceives the whole world – was thrown down to the earth, and his angels along with him.

10 Thent I heard a loud voice in heaven saying,
“The salvation and the power
and the kingdom of our God,
and the ruling authorityt of his Christ,t have now come,
because the accuser of our brothers and sisters,t
the one who accuses them day and nightt before our God,
has been thrown down.

11 Butt they overcame him
by the blood of the Lamb
and by the word of their testimony,
and they did not love their livess so much that they were afraid to die.

12 Therefore you heavens rejoice, and all who reside in them!
Butt woe to the earth and the sea
because the devil has come down to you!
Het is filled with terrible anger,
for he knows that he only has a little time!”
13 Nowt when the dragon realizedt that he had been thrown down to the earth, he pursued the woman who had given birth to the male child.14 Butt the woman was given the two wings of a giant eagle so that she could fly out into the wilderness,t to the place Godt prepared for her, where she is taken care of – away from the presence of the serpent – for a time, times, and half a time.ss15 Thent the serpent spouted water like a river out of his mouth after the woman in an attempt tot sweep her away by a flood,16 butt the earth came to her rescue;t the ground opened upt and swallowed the river that the dragon had spewed from his mouth.17 Sot the dragon became enraged at the woman and went away to make war on the rest of her children,t those who keept God’s commandments and hold tot the testimony about Jesus.t

18 And the dragont stoods on the sandt of the seashore.s