ZVAKAZARURWA 16
Ndiro Nomwe dzoKutsamwa kwaMwari
1 Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”
2 Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, uye maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa.
5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:
“Imi makarurama mukutonga uku,
imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga,
nokuti makatonga saizvozvo;
6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,
uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:
“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose
kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”
8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.9 Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
10 Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, uye umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa11 uye vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.
12 Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, uye mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.13 Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.14 Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.
15 “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama uye afukurwe zvinonyadzisa.”
16 Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
17 Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, uye mutemberi makabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”18 Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.19 Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake.20 Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa.
21 Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.
Revelation 16
The Bowls of God’s Wrath
1 Thent I heard a loud voice from the temple declaring to the seven angels: “Go and pour out on the earth the seven bowls containing God’s wrath.”t
2 Sot the first angelt went and poured out his bowl on the earth. Thent ugly and painful sorest appeared on the peoplet who had the mark of the beast and who worshiped his image.
3 Next,t the second angelt poured out his bowl on the sea and it turned into blood, like that of a corpse, and every living creature that was in the sea died.
4 Thent the third angelt poured out his bowl on the rivers and the springs of water, and they turned into blood.
5 Nowt I heard the angel of the waters saying:
“You are justt – the one who is and who was,
the Holy One – because you have passed these judgments,t
6 because they poured out the blood of your saints and prophets,
sot you have given them blood to drink. They got what they deserved!”t
7 Thent I heard the altar reply,t “Yes, Lord God, the All-Powerful,t your judgments are true and just!”
8 Thent the fourth angelt poured out his bowl on the sun, and it was permitted to scorch peoplet with fire.
9 Thust peoplet were scorched by the terrible heat,t yett they blasphemed the name of God, who has ruling authorityt over these plagues, and they would not repent and give him glory.
10 Thent the fifth angelt poured out his bowl on the throne of the beast so thatt darkness covered his kingdom,t and peoplet began to bitet their tongues becauset of their pain.
11 They blasphemed the God of heaven because of their sufferingst and because of their sores,t but neverthelesst they still refused to repentt of their deeds.
12 Thent the sixth angelt poured out his bowl on the great river Euphrates and dried up its watert to prepare the wayt for the kings from the east.t13 Thent I saw three unclean spiritss that looked like frogs coming out of the mouth of the dragon, out of the mouth of the beast, and out of the mouth of the false prophet.
14 For they are the spirits of the demons performing signs who go out to the kings of the eartht to bring them together for the battle that will take place on the great day of God, the All-Powerful.t
15 (Look! I will come like a thief!
Blessed is the one who stays alert and does not loset his clothes so that he will not have to walk around naked and his shameful conditiont be seen.)s
16 Nowt the spiritst gathered the kings and their armiest to the place that is called Armageddonst in Hebrew.
17 Finallyt the seventh angelt poured out his bowl into the air and a loud voice came out of the temple from the throne, saying: “It is done!”18 Thent there were flashes of lightning, roaring,t and crashes of thunder, and there was a tremendous earthquake – an earthquake unequaled since humanityt has been on the earth, so tremendous was that earthquake.19 Thet great city was split into three parts and the cities of the nationst collapsed.t Sot Babylon the great was remembered before God, and was given the cupt filled with the wine made of God’s furious wrath.t20 Everyt island fled awayt and no mountains could be found.s
21 And gigantic hailstones, weighing about a hundred poundst each, fell from heavent on people,t but theyt blasphemed God because of the plague of hail, since itt was so horrendous.t