previous next

ZVAKAZARURWA 20

Makore Chiuru

1 Uye ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi dzokugomba rakadzika zvisina mugumo uye akabata ngetani huru muruoko rwake.2 Akabata shato, iyo nyoka yakare, anova ndiye dhiabhori, kana kuti Satani, uye akamusunga kwamakore chiuru.3 Akamukanda mugomba rakadzika zvisina mugumo, akarikiya uye akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti amudzivise kuzonyengerazve ndudzi kusvikira makore chiuru apera. Shure kwaizvozvo, anofanira kusunungurwa kwechinguva chiduku.
4 Ndakaona zvigaro zvoushe zvakanga zvakagarwa navaya vakanga vapiwa simba rokutonga. Uye ndakaona mweya yavaya vakanga vagurwa misoro nokuda kwokupupura kwavo nezvaJesu uye nokuda kweshoko raMwari. Vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo kana pamaoko avo. Vakararama uye vakatonga pamwe chete naJesu kwamakore chiuru.5 Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore chiuru apera. Uku ndiko kumuka kwokutanga.6 Vakaropafadzwa uye vatsvene, avo vano mugove pakumuka kwokutanga. Rufu rwechipiri haruna simba pamusoro pavo, asi vachava vaprista vaMwari nevaKristu uye vachatonga pamwe chete naye kwamakore chiuru.
Kuparadzwa kwaSatani
7 Makore chiuru paanopera, Satani achasunungurwa kubva mutorongo rake8 uye achabuda kundonyengera ndudzi dziri kumativi mana enyika, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire kundorwa. Vakawanda sejecha rokumahombekombe egungwa.9 Vakafamba vachidimbura napaupamhi hwenyika vakakomba misasa yavanhu vaMwari, iro guta raanoda. Asi moto wakaburuka uchibva kudenga ukavaparadza.

10 Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.

Vakafa Vanotongwa
11 Ipapo ndakaona chigaro chikuru chichena naiye akanga agere pachiri. Nyika nedenga zvakatiza pamberi pake, uye zvikashayirwa nzvimbo.12 Uye ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choushe, uye mabhuku akazarurwa. Rimwe bhuku rakazarurwa, iro bhuku roupenyu. Vakafa vakatongwa maererano nezvavakanga vaita sezvazvakanga zvakanyorwa mumabhuku.13 Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye munhu mumwe nomumwe akatongwa sezvaakabata.14 Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri.

15 Kana munhu akawanikwa zita rake risina kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.

Revelation 20

The Thousand Year Reign

1 Thent I saw an angel descending from heaven, holdingt in his hand the key to the abyss and a huge chain.2 Het seized the dragon – the ancient serpent, who is the devil and Satan – and tied him up for a thousand years.

3 The angelt thent threw him into the abyss and lockedt and sealed it so that he could not deceive the nations until the one thousand years were finished. (After these things he must be released for a brief period of time.)
4 Thent I saw thrones and seated on them were those who had been given authority to judge.t I also saw the souls of those who had been beheaded because of the testimony about Jesus and because of the word of God. Theset had not worshiped the beast or his image and had refused to receive his mark on their forehead or hand. Theyt came to lifet and reigned with Christ for a thousand years.5 (The rest of the dead did not come to life until the thousand years were finished.)s This is the first resurrection.

6 Blessed and holy is the one who takes partt in the first resurrection. The second death has no power over them,t but they will be priests of God and of Christ, and they will reign with him for a thousand years.

Satan’s Final Defeat

7 Nowt when the thousand years are finished, Satan will be released from his prison8 and will go out to deceivet the nations at the four corners of the earth, Gog and Magog,s to bring them together for the battle. They are as numerous as the grains of sand in the sea.t9 Theyt went upt on the broad plain of the eartht and encircledt the campt of the saints and the beloved city, butt fire came down from heaven and devoured them completely.t

10 And the devil who deceivedt them was thrown into the lake of fire and sulfur,t where the beast and the false prophet aret too, and they will be tormented there day and night forever and ever.

The Great White Throne

11 Thent I saw a larget white throne and the one who was seated on it; the earth and the heavent fledts from his presence, and no place was found for them.12 And I saw the dead, the great and the small, standing before the throne. Thent books were opened, and another book was opened – the book of life.t Sot the dead were judged by what was written in the books, according to their deeds.t13 Thet sea gave up the dead that were in it, and Deaths and Hades gave up the dead that were in them, and each one was judged according to his deeds.14 Thent Death and Hades were thrown into the lake of fire. This is the second death – the lake of fire.

15 Ift anyone’s namet was not found written in the book of life, that persont was thrown into the lake of fire.