ZVAKAZARURWA 21
Jerusarema Idzva
1 Ipapo ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, uye pakanga pasisina gungwa.2 Ndakaona Guta Dzvene, Jerusarema idzva, richiburuka kubva kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake zvakaisvonaka.3 Uye ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choushe richiti, “Zvino imba yaMwari yava pakati pavanhu, uye achagara navo. Vachava vanhu vake, uye Mwari pachake achava navo uye achava Mwari wavo.4 Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
5 Akanga agere pachigaro choushe akati, “Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva!” Nyora izvi, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.”
6 Akati kwandiri, “Zvaitwa. Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira. Kuna iye ane nyota ndichamupa kuti anwe, asingaripi, kubva mutsime remvura youpenyu.7 Anokunda achapiwa nhaka iyi yose, uye ndichava Mwari wake uye iye achava mwanakomana wangu.8 Asi vanotya, vasingatendi, navanonyangadza, mhondi, nemhombwe, navanoita zvouroyi, vanonamata zvifananidzo navanoreva nhema, nzvimbo yavo ichava mudziva romoto rinopfuta nesafuri. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.”
9 Mumwe wavatumwa vanomwe akanga ane ndiro nomwe dzizere namatambudziko manomwe okupedzisira akauya kwandiri akati, “Uya, ndizokuratidza mwenga, mukadzi weGwayana.”10 Uye akandiendesa muMweya kugomo guru refu, uye akandiratidza Guta Dzvene, Jerusarema, richiburuka richibva kuna Mwari.11 Raipenya nokubwinya kwaMwari, uye kuvaima kwaro kwakanga kwakaita sebwe rinokosha kwazvo, sebwe rejasipa, rinoonekera sekristaro.12 Rakanga rina masvingo makuru, marefu kwazvo ana masuo gumi namaviri uye navatumwa gumi navaviri pamasuo. Pamasuo pakanga pakanyorwa mazita amarudzi gumi namaviri avaIsraeri.13 Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi uye matatu kumavirira.14 Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pana mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.
15 Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.16 Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro.17 Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namana nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.18 Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi.19 Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;20 yeshanu yesadhoni, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yokrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.21 Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.
22 Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.23 Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.24 Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.25 Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazovi nousiku ikoko.26 Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.
27 Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.
Revelation 21
A New Heaven and a New Earth
1 Thent I saw a new heaven and a new earth, for the first heaven and earth had ceased to exist,t and the sea existed no more.2 And I saw the holy city – the new Jerusalem – descending out of heaven from God, made ready like a bride adorned for her husband.3 And I heard a loud voice from the throne saying: “Look! The residencet of God is among human beings.t Het will live among them, and they will be his people, and God himself will be with them.s
4 Het will wipe away every tear from their eyes, and death will not exist any more – or mourning, or crying, or pain, for the former things have ceased to exist.”t
5 And the one seated on the throne said: “Look! I am making all things new!” Thent he said to me, “Write it down,t because these words are reliablet and true.”6 He also said to me, “It is done!t I am the Alpha and the Omega, the beginning and the end. To the one who is thirsty I will give watert free of charget from the spring of the water of life.7 The one who conquerst will inherit these things, and I will be his God and he will be my son.
8 But to the cowards, unbelievers, detestable persons, murderers, the sexually immoral, and those who practice magic spells,t idol worshipers,t and all those who lie, their placet will be in the lake that burns with fire and sulfur.t Thatt is the second death.”
The New Jerusalem Descends
9 Thent one of the seven angels who had the seven bowls full of the seven final plagues came and spoke to me,t saying, “Come, I will show you the bride, the wife of the Lamb!”10 Sot he took me away in the Spiritt to a huge, majestic mountaint and showed me the holy city, Jerusalem, descending out of heaven from God.11 The city possessest the glory of God; its brilliance is like a precious jewel, like a stone of crystal-clear jasper.t12 It hast a massive, high wallt with twelve gates,t with twelve angels at the gates, and the names of the twelve tribes of the nation of Israelt are written on the gates.t13 There aret three gates on the east side, three gates on the north side, three gates on the south side and three gates on the west side.t
14 Thet wall of the city has twelve foundations, and on them are the twelve names of the twelve apostles of the Lamb.
15 The angelt who spoke to me had a golden measuring rod with which to measure the city and its foundation stones and wall.16 Nowt the city is laid out as a square,t its length and width the same. Het measured the city with the measuring rodt at fourteen hundred milest (its length and width and height are equal).17 He also measured its wall, one hundred forty-four cubitst according to human measurement, which is also the angel’s.t18 The city’st wall is madet of jasper and the city is pure gold, like transparent glass.t19 The foundations of the city’s wall are decoratedt with every kind of precious stone. The first foundation is jasper, the second sapphire, the third agate,s the fourth emerald,20 the fifth onyx,s the sixth carnelian,s the seventh chrysolite,s the eighth beryl,s the ninth topaz, the tenth chrysoprase,s the eleventh jacinth,s and the twelfth amethyst.
21 And the twelve gates are twelve pearls – each one of the gates is made from just one pearl! Thet main streett of the city is pure gold, like transparent glass.
22 Nowt I saw no temple in the city, because the Lord God – the All-Powerfult – and the Lamb are its temple.23 The city does not need the sun or the moon to shine on it, because the glory of God lights it up, and its lamp is the Lamb.24 The nationst will walk by its light and the kings of the earth will bring their grandeurt into it.25 Its gates will never be closed during the dayt (andt there will be no night there).t26 They will bring the grandeur and the wealtht of the nationst into it,
27 butt nothing ritually uncleant will ever enter into it, nor anyone who does what is detestablet or practices falsehood,t but only those whose namest are written in the Lamb’s book of life.