previous

ZVAKAZARURWA 22

Rwizi rwoUpenyu

1 Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana2 pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.3 Hakuchazovizve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.4 Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.5 Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

6 Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

Jesu ari kuuya
7 “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”
8 Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.9 Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!”
10 Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera.11 Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”
12 “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.13 Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma.
14 “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo.15 Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.
16 “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamatsatse inopenya.”
17 Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.
18 Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.19 Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.
20 Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.”
Ameni. Uyai, Ishe Jesu.
21 Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.

Revelation 22

1 Thent the angelt showed me the river of the water of life – water as clear as crystal – pouring outt from the throne of God and of the Lamb,2 flowing down the middle of the city’st main street.t On each sidet of the river is the tree of life producing twelve kindst of fruit, yielding its fruit every month of the year.t Its leaves are for the healing of the nations.3 And there will no longer be any curse,t and the throne of God and the Lamb will be in the city.t Hist servantst will worshipt him,4 and they will see his face, and his name will be on their foreheads.

5 Night will be no more, and they will not need the light of a lamp or the light of the sun, because the Lord God will shine on them, and they will reign forever and ever.

A Final Reminder

6 Thent the angelt said to me, “These words are reliablet and true. The Lord, the God of the spirits of the prophets, has sent his angel to show his servantst what must happen soon.”

7 (Look! I am coming soon!
Blessed is the one who keeps the words of the prophecy expressed in this book.)s
8 I, John, am the one who heard and saw these things,t and when I heard and saw them,t I threw myself downt to worship at the feet of the angel who was showing them to me.9 Butt he said to me, “Do not do this!t I am a fellow servantt with you and with your brothers the prophets, and with those who obeyt the words of this book. Worship God!”10 Thent he said to me, “Do not seal up the words of the prophecy contained in this book, because the time is near.

11 The evildoer must continue to do evil,t and the one who is morally filthyt must continue to be filthy. Thet one who is righteous must continue to act righteously, and the one who is holy must continue to be holy.”

12 (Look! I am coming soon,
and my reward is with me to payt each one according to what he has done!

13 I am the Alpha and the Omega,
the first and the last,
the beginning and the end!)s
14 Blessed are those who wash their robes so they can have accesst to the tree of life and can enter into the city by the gates.

15 Outside are the dogs and the sorcererst and the sexually immoral, and the murderers, and the idolaters and everyone who loves and practices falsehood!t
16 “I, Jesus, have sent my angel to testify to you about these things for the churches. I am the root and the descendant of David, the bright morning star!”t

17 And the Spirit and the bride say, “Come!” And let the one who hears say: “Come!” And let the one who is thirsty come; let the one who wants it take the water of life free of charge.
18 I testify to the one who hears the words of the prophecy contained in this book: If anyone adds to them, God will add to him the plagues describedt in this book.

19 And if anyone takes away from the words of this book of prophecy, God will take away his share in the tree of lifes and in the holy city that are described in this book.
20 The one who testifies to these things says, “Yes, I am coming soon!” Amen! Come, Lord Jesus!21 The grace of the Lord Jesus be with all.s