previous next

VAROMA 1

1 Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa kuvhangeri raMwari,2 vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene3 pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,4 uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.5 Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.

6 Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.

7 Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene:

Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.

Chishuvo chaPauro chokuda kushanyira Roma
8 Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.9 Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai10 muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri.
11 Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa,12 ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.13 Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe vaHedheni.
14 Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.15 Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma.
16 Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera kumuHedheni.

17 Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”

Kutsamwa kwaMwari pamusoro pamarudzi avanhu
18 Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.19 Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari.20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.
21 Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo isina zivo yakasvibiswa.22 Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi23 uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.
24 Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo.25 Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26 Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.27 Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo.
28 Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.29 Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa,30 vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo;31 havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi.

32 Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.

Romans 1

Salutation

1 From Paul,t a slavets of Christ Jesus,s called to be an apostle,t set apart for the gospel of God.t2 This gospelt he promised beforehand through his prophets in the holy scriptures,3 concerning his Son who was a descendantt of David with reference to the flesh,t4 who was appointed the Son-of-God-in-powers according to the Holy Spiritt by the resurrectiont from the dead, Jesus Christ our Lord.5 Through himt we have received grace and our apostleshipt to bring about the obediencet of faitht among all the Gentiles on behalf of his name.6 You also are among them,t called to belong to Jesus Christ.t

7 To all those loved by God in Rome,s called to be saints:t Grace and peace to yout from God our Father and the Lord Jesus Christ!

Paul’s Desire to Visit Rome

8 First of all,t I thank my God through Jesus Christ for all of you, because your faith is proclaimed throughout the whole world.9 For God, whom I serve in my spirit by preaching the gospelt of his Son, is my witness thatt I continually remember you10 and I always askt in my prayers, if perhaps now at last I may succeed in visiting you according to the will of God.t11 For I long to see you, so that I may impart to you some spiritual gifts to strengthen you,12 that is, that we may be mutually comforted by one another’s faith,t both yours and mine.13 I do not want you to be unaware,s brothers and sisters,t that I often intended to come to you (and was prevented until now), so that I may have some fruit even among you, just as I already have among the rest of the Gentiles.t14 I am a debtort both to the Greeks and to the barbarians, both to the wise and to the foolish.

15 Thus I am eagert also to preach the gospel to you who are in Rome.s

The Power of the Gospel

16 For I am not ashamed of the gospel, for it is God’s power for salvation to everyone who believes, to the Jew first and also to the Greek.s

17 For the righteousnesst of God is revealed in the gospelt from faith to faith,t just as it is written, “The righteous by faith will live.”s

The Condemnation of the Unrighteous

18 For the wrath of God is revealed from heaven against all ungodliness and unrighteousness of peoplet who suppress the truth by theirt unrighteousness,t19 because what can be known about God is plain to them,t because God has made it plain to them.20 For since the creation of the world his invisible attributes – his eternal power and divine nature – have been clearly seen, because they are understood through what has been made. So peoplet are without excuse.21 For although they knew God, they did not glorify him as God or give him thanks, but they became futile in their thoughts and their senseless heartst were darkened.22 Although they claimedt to be wise, they became fools

23 and exchanged the glory of the immortal God for an image resembling mortal human beingst or birds or four-footed animalss or reptiles.
24 Therefore God gave them overs in the desires of their hearts to impurity, to dishonort their bodies among themselves.t

25 Theyt exchanged the truth of God for a liet and worshiped and served the creationt rather than the Creator, who is blessed forever! Amen.
26 For this reason God gave them over to dishonorable passions. For their women exchanged the natural sexual relations for unnatural ones,t

27 and likewise the men also abandoned natural relations with woment and were inflamed in their passionst for one another. Ment committed shameless acts with men and received in themselves the due penalty for their error.
28 And just as they did not see fit to acknowledge God,t God gave them over to a depraved mind, to do what should not be done.t29 They are filledt with every kind of unrighteousness, wickedness, covetousness, malice. They are rife witht envy, murder, strife, deceit, hostility. They are gossips,30 slanderers, haters of God, insolent, arrogant, boastful, contrivers of all sorts of evil, disobedient to parents,31 senseless, covenant-breakers,t heartless, ruthless.

32 Although they fully knowt God’s righteous decree that those who practice such things deserve to die,t they not only do them but also approve of those who practice them.s