previous next

VAROMA 12

Chibayiro Chipenyu

1 Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.2 Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
3 Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.4 Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete,5 saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.6 Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.7 Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;8 kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.
Rudo
9 Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.10 Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.11 Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.12 Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.13 Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
14 Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.15 Farai navanofara; chemai navanochema.16 Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.
17 Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.18 Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.19 Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.

20 Asi:

“Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya,
kane ane nyota mupe chokunwa.
Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”

21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Romans 12

Consecration of the Believer’s Life

1 Therefore I exhort you, brothers and sisters,t by the mercies of God, to present your bodies as a sacrifice – alive, holy, and pleasing to Godts – which is your reasonable service.

2 Do not be conformedt to this present world,t but be transformed by the renewing of your mind, so that you may test and approves what is the will of God – what is good and well-pleasing and perfect.

Conduct in Humility

3 For by the grace given to me I say to every one of you not to think more highly of yourself than you ought to think, but to think with sober discernment, as God has distributed to each of yout a measure of faith.t4 For just as in one body we have many members, and not all the members serve the same function,5 so we who are many are one body in Christ, and individually we are members who belong to one another.6 And we have different giftst according to the grace given to us. If the gift is prophecy, that individual must use it in proportion to his faith.7 If it is service, he must serve; if it is teaching, he must teach;

8 if it is exhortation, he must exhort; if it is contributing, he must do so with sincerity; if it is leadership, he must do so with diligence; if it is showing mercy, he must do so with cheerfulness.

Conduct in Love

9 Love must bet without hypocrisy. Abhor what is evil, cling to what is good.10 Be devoted to one another with mutual love, showing eagerness in honoring one another.11 Do not lag in zeal, be enthusiastic in spirit, serve the Lord.12 Rejoice in hope, endure in suffering, persist in prayer.13 Contribute to the needs of the saints, pursue hospitality.14 Bless those who persecute you, bless and do not curse.15 Rejoice with those who rejoice, weep with those who weep.16 Live in harmony with one another; do not be haughty but associate with the lowly.t Do not be conceited.t17 Do not repay anyone evil for evil; consider what is good before all people.t18 If possible, so far as it depends on you, live peaceably with all people.t19 Do not avenge yourselves, dear friends, but give place to God’s wrath,t for it is written, “Vengeance is mine, I will repay,”s says the Lord.20 Rather, if your enemy is hungry, feed him; if he is thirsty, give him a drink; for in doing this you will be heaping burning coals on his head.s

21 Do not be overcome by evil, but overcome evil with good.