VAROMA 13
Kuzviisa pasi paVabati
1 Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.2 Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.3 Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.4 Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.5 Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo.6 Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.
7 Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.
Ivai norudo nokuti Zuva rava pedyo
8 Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.9 Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”10 Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
11 Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.12 Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.13 Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.
14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
Romans 13
Submission to Civil Government
1 Let every person be subject to the governing authorities. For there is no authority except by God’s appointment,t and the authorities that exist have been instituted by God.2 So the person who resists such authorityt resists the ordinance of God, and those who resist will incur judgment3 (for rulers cause no fear for good conduct but for bad). Do you desire not to fear authority? Do good and you will receive its commendation,4 for it is God’s servant for your good. But if you do wrong, be in fear, for it does not bear the sword in vain. It is God’s servant to administer retribution on the wrongdoer.5 Therefore it is necessary to be in subjection, not only because of the wrath of the authoritiest but also because of your conscience.t6 For this reason you also pay taxes, for the authoritiest are God’s servants devoted to governing.t
7 Pay everyone what is owed: taxes to whom taxes are due, revenue to whom revenue is due, respect to whom respect is due, honor to whom honor is due.
Exhortation to Love Neighbors
8 Owe no one anything, except to love one another, for the one who loves his neighbor has fulfilled the law.9 For the commandments,t “Do not commit adultery, do not murder, do not steal, do not covet,”s (and if there is any other commandment) are summed up in this, “Love your neighbor as yourself.”s
10 Love does no wrong to a neighbor. Therefore love is the fulfillment of the law.
Motivation to Godly Conduct
11 And do thist because we knowt the time, that it is already the hour for us to awake from sleep, for our salvation is now nearer than when we became believers.12 The night has advanced toward dawn; the day is near. So then we must lay aside the works of darkness, and put on the weapons of light.13 Let us live decently as in the daytime, not in carousing and drunkenness, not in sexual immorality and sensuality, not in discord and jealousy.
14 Instead, put on the Lord Jesus Christ, and make no provision for the flesh to arouse its desires.t