previous next

VAROMA 5

Rugare noMufaro

1 Naizvozvo, zvatinoruramiswa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,2 watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.3 Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira,4 kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.5 Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
6 Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari.7 Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka.8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
9 Zvino sezvo takaruramiswa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari!10 Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!

11 Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa.

Rufu kubudikidza naAdhamu, Upenyu kubudikidza naKristu
12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza,13 nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro.14 Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya.
15 Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!16 Uye chipo chaMwari hachina kufanana nechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa.17 Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu.
18 Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose.19 Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe.
20 Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa,

21 kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu.

Romans 5

The Expectation of Justification

1 s Therefore, since we have been declared righteous by faith, we haves peace with God through our Lord Jesus Christ,2 through whom we have also obtained access by faith into this grace in which we stand, and we rejoicet in the hope of God’s glory.3 Nott only this, but we also rejoice in sufferings, knowing that suffering produces endurance,4 and endurance, character, and character, hope.

5 And hope does not disappoint, because the love of Godt has been poured outs in our hearts through the Holy Spirit who was given to us.
6 For while we were still helpless, at the right time Christ died for the ungodly.7 (For rarely will anyone die for a righteous person, though for a good person perhaps someone might possibly dare to die.)s8 But God demonstrates his own love for us, in that while we were still sinners, Christ died for us.9 Much more then, because we have now been declared righteoust by his blood,t we will be saved through him from God’s wrath.t10 For if while we were enemies we were reconciled to God through the death of his Son, how much more, since we have been reconciled, will we be saved by his life?

11 Nott only this, but we also rejoicet in God through our Lord Jesus Christ, through whom we have now received this reconciliation.

The Amplification of Justification

12 So then, just as sin entered the world through one man and death through sin, and so death spread to all peoplet becauset all sinned –13 for before the law was given,t sin was in the world, but there is no accounting for sint when there is no law.14 Yet death reigned from Adam until Moses even over those who did not sin in the same way that Adam (who is a typet of the coming one) transgressed.t15 But the gracious gift is not like the transgression.t For if the many died through the transgression of the one man,s how much more did the grace of God and the gift by the grace of the one man Jesus Christ multiply to the many!16 And the gift is not like the one who sinned.t For judgment, resulting from the one transgression,t led to condemnation, butt the gracious gift from the many failurest led to justification.

17 For if, by the transgression of the one man,s death reigned through the one, how much more will those who receive the abundance of grace and of the gift of righteousness reign in life through the one, Jesus Christ!
18 Consequently,t just as condemnationt for all peoplet camet through one transgression,s so too through the one righteous acts came righteousness leading to lifet for all people.19 For just as through the disobedience of the one mans manyt were made sinners, so also through the obedience of one mans manyt will be made righteous.20 Now the law came int so that the transgressiont may increase, but where sin increased, grace multiplied all the more,

21 so that just as sin reigned in death, so also grace will reign through righteousness to eternal life through Jesus Christ our Lord.