previous next

VAROMA 7

Muenzaniso weWaniso

1 Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete?2 Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso.3 Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume.
4 Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.5 Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwezvivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu.

6 Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.

Kutambudzwa neChivi
7 Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.”8 Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.9 Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa.10 Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.11 Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya.12 Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.
13 Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.
14 Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handizi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi.15 Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.16 Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.17 Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.18 Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.19 Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.20 Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.
21 Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.22 Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari;23 asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.24 Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?

25 Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.

Romans 7

The Believer’s Relationship to the Law

1 Or do you not know, brothers and sisterst (for I am speaking to those who know the law), that the law is lord over a persons as long as he lives?2 For a married woman is bound by law to her husband as long as he lives, but if hert husband dies, she is released from the law of the marriage.ts3 So then,t if she is joined to another man while her husband is alive, she will be called an adulteress. But if hert husband dies, she is free from that law, and if she is joined to another man, she is not an adulteress.4 So, my brothers and sisters,t you also died to the law through the body of Christ, so that you could be joined to another, to the one who was raised from the dead, to bear fruit to God.t5 For when we were in the flesh,t the sinful desires,t aroused by the law, were active in the members of our bodyt to bear fruit for death.

6 But now we have been released from the law, because we have diedt to what controlled us, so that we may serve in the new life of the Spirit and not under the old written code.t
7 What shall we say then? Is the law sin? Absolutely not! Certainly, Is would not have known sin except through the law. For indeed I would not have known what it means to desire something belonging to someone elset if the law had not said, “Do not covet.”s8 But sin, seizing the opportunity through the commandment, produced in me all kinds of wrong desires.t For apart from the law, sin is dead.9 And I was once alive apart from the law, but with the coming of the commandment sin became alive10 and I died. Sot I found that the very commandment that was intended to bring life brought death!t11 For sin, seizing the opportunity through the commandment, deceived me and through it I died.t

12 So then, the law is holy, and the commandment is holy, righteous, and good.
13 Did that which is good, then, become death to me? Absolutely not! But sin, so that it would be shown to be sin, produced death in me through what is good, so that through the commandment sin would become utterly sinful.14 For we know that the law is spiritual – but I am unspiritual, sold into slavery to sin.t15 For I don’t understand what I am doing. For I do not do what I want – instead, I do what I hate.t16 But if I do what I don’t want, I agree that the law is good.t17 But now it is no longer me doing it, but sin that lives in me.18 For I know that nothing good lives in me, that is, in my flesh. For I want to do the good, but I cannot do it.t19 For I do not do the good I want, but I do the very evil I do not want!

20 Now if I do what I do not want, it is no longer me doing it but sin that lives in me.
21 So, I find the law that when I want to do good, evil is present with me.22 For I delight in the law of God in my inner being.23 But I see a different law in my members waging war against the law of my mind and making me captive to the law of sin that is in my members.24 Wretched man that I am! Who will rescue me from this body of death?

25 Thanks bes to God through Jesus Christ our Lord! So then,t I myself serve the law of God with my mind, butt with my flesh I servet the law of sin.